Vatongi 7:15-25
Vatongi 7:15-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Gidheoni akati anzwa kurota uku nokududzirwa kwokurota kwacho, akanamata Mwari. Akadzoka kumusasa wavaIsraeri akadanidzira achiti, “Simukai! Jehovha aisa musasa wavaMidhiani mumaoko enyu.” Akakamura varume mazana matatu akavaisa mumapoka matatu, akaisa hwamanda nezvirongo zvisina chinhu, asi mwenje mukati, mumaoko avo. Akati kwavari, “Mutarise kwandiri uye mutevedzere zvandinoita. Pandinosvika kumucheto kwomusasa, mubve maita sezvandinoita. Kana ini navose vandinavo tikaridza hwamanda dzedu, ipapo imi mose makapoteredza musasa muridzewo dzenyu mugodanidzira muchiti, ‘Rwirai Jehovha naGidheoni!’ ” Gidheoni navarume zana vaiva naye vakasvika kumucheto kwomusasa pakutanga kwenguva yapakati pousiku yokurinda, pachangoiswa mumwe murindi. Vakaridza hwamanda dzavo uye vakaputsa zvirongo zvaiva mumaoko avo. Mapoka matatu akaridza hwamanda uye akaputsawo zvirongo. Vakabata mwenje mumaoko avo oruboshwe uye vakabata noruoko rworudyi hwamanda dzavaizoridza, vakadanidzira vachiti, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!” Murume mumwe nomumwe akaramba ari panzvimbo yake vakapoteredza musasa, vaMidhiani vose vakamhanya vachiridza mhere, vachitiza. Vane mazana matatu pavakaridza hwamanda, Jehovha akaita kuti varume vose mumusasa vapandukirane, vabayane neminondo yavo. Hondo yakatizira kuBheti Shita yakananga kuZerera kusvikira kumuganhu weAbheri Mehora pedyo neTabhati. VaIsraeri vakadanwa kubva kuNafutari, Asheri neManase yose, uye vakatevera vaMidhiani. Gidheoni akatuma nhume munyika yose yezvikomo yaEfuremu achiti, “Burukai tindorwa navaMidhiani titore mvura zhinji dzeJorodhani mberi kwavo kusvikira kuBheti Bhara.” Saka varume vose veEfuremu vakadanwa uye vakatora mvura zhinji dzeJorodhani kusvikira kuBheti Bhara. Vakatapawo vatungamiri vaviri vavaMidhiani, Orebhi naZeebhi. Vakauraya Orebhi paruware rwaOrebhi, uye Zeebhi vakamuurayira pachisviniro chewaini chaZeebhi. Vakatevera vaMidhiani uye vakauya nemisoro yaOrebhi naZeebhi kuna Gidheoni, akanga ari paJorodhani.
Vatongi 7:15-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Gidheoni wakati achinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokududzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati, “Simukai, nokuti Jehovha wakaisa misasa yaMidhiani mumaoko enyu.” Zvino akakamura varume avo vana mazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumwe nomumwe hwamanda muruoko rwake, nezvirongo zvisine chiro, nezhenje mukati mezvirongo. Akati kwavari, “Mutarire kwandiri, mugoita seni; tarirai, kana ndichisvika kumudzivo wemisasa, sezvandinoita ini, nemiwo muite saizvozvo. Kana ndoridza hwamanda ini navose vandinavo, nemiwo muridze hwamanda kunhivi dzose dzemisasa, muchiti, ‘Munondo waJehovha nowaGidheoni!’ ” Naizvozvo Gidheoni navarume vane zana vaakanga anavo, vakasvika kumudzivo wemisasa pakutanga kwenguva yapakati yousiku, vachangoisa varindi; vakaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo zvakanga zviri mumaoko avo. Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, vakaputsa zvirongo, vakabata zhenje mumaoko avo oruboshwe, nehwamanda dzokuridza mumaoko avo orudyi, vakadanidzira vachiti, “Munondo waJehovha nowaGidheoni!” Vakamira mumwe nomumwe panzvimbo yake, vakakomba misasa; hondo yose ikamhanya, vakaridza mhere, vakatiza. Vakaridza hwamanda dzina mazana matatu, Jehovha akarwisa munondo womumwe nomumwe neshamwari yake, uye nehondo yose; hondo ikatiza kusvikira paBhetishita kurutivi rweZerera, kusvikira kumuganhu weAbherimehora, paTabhati. Zvino varume vaIsiraeri vakaungana, vachibva kwaNafutari, nokwaAsheri, nokwaManase, vakatevera Midhiani. Gidheoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfuremu, akati, “Burukai mundorwa naMidhiani, muvatangire kugarira nzizi dzemvura kusvikira paBheti-bhara neJorodhaniwo.” Vakabata machinda maviri aMidhiani, Orebhi naZeebhi, vakauraya Orebhi padombo raOrebhi, naZeebhi, vakamuuraya pachisviniro chewaini chaZeebhi, vakatevera vaMidhiani; vakauya nemisoro yaOrebhi naZeebhi kuna Gidheoni mhiri kwaJorodhani.
Vatongi 7:15-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gidheoni paakanzwa hope idzi nokududzirwa kwadzo akapfugama akanamata. Akadzokera kumatendhe avaIsiraeri akati, “Handei nokuti Tenzi atoisa hondo yavaMidhiani mumaoko enyu.” Akaisa mazana matatu aya avarume muzvikwata zvitatu. Akapa munhu wose hwamanda, nechirongo chisina chinhu, nemwenje muzvirongo. Akavati, “Monyatsonditarisa mutevedzere zvandinoita. Kana ndasvika kumucheto wamatendhe, zvandinenge ndaita, imi moitawo saizvozvo. Mukanzwa ini navandinenge ndinavo taridza hwamanda, imi mobva maridzawo hwamanda, mativi ose akakomberedza tendhe, muzhambe muchiti, ‘Hondo yaTenzi, hondo yaGidheoni.’ ” Gidheoni navarume zana vaaiva navo, vakasvika kumucheto wamatendhe avo nguva yomurira kamwe vaMidhiani vachangobva mukutsinhana kugaririra. Vana Gidheoni vakaridza hwamanda vakabwadura-bwadura zvirongo zvavakanga vakatakura. Vezvikwata zvitatu zviya vakaridza hwamanda, vakabwadura-bwadura zvirongo zviya. Kuruboshwe vainge vakabata mwenje, kurudyi vakabata hwamanda dzokuridza. Vakazhamba vachiti, “Hondo yaTenzi, hondo yaGidheoni!” Munhu wose akamira panzvimbo yake vakatenderedza matendhe iwayo. Hondo yavaMidhiani ndokuti ware kutiza ichiridza mhere. Pavakaridza mazana matatu ehwamanda, Tenzi akaita kuti vaMidhiani vabayane pachavo nokurwisawo hondo yose. Hondo yavo yakatiza kusvikira kuBhetishita yakananga kuZerera kudzamara kumuganho weAbherimehora pedyo neTabhati. Kwakadaidzwa vaIsiraeri varume vedzinza rokwaNafutari neraAsheri navose vedzinza raManase vakadzingirira vaMidhiani. Gidheoni akatuma nhumwa kunyika yaEfuraimu yamakomo neshoko rokuti, “Uyai muzochingudzira vaMidhiani, mufanovadzivirira pose pokuyambuka napo Jorodhani kusvikira kuBhetibhara.” Saka varume vose vokwaEfuraimu vakakokorodzwa vakafanodzivirira pokuyambuka napo Jorodhani kusvikira kuBhetibhara. Vakabata vatungamiriri vaviri vechiMidhiani vanoti, Orebhu naZeebhu. Vakaurayira Orebhu paruware, Zeebhu akaurayirwawo kuchisviniro chewaini chokwaZeebhu, pavaidzingirira vaMidhiani. Vakauya nomusoro waOrebhu newaZeebhu kuna Gidheoni kumhiri kwaJorodhani.
Vatongi 7:15-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Gideoni wakati acinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokuɗudzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati: Simukai, nokuti Jehova wakaisa misasa yaMidiani mumaʋoko enyu. Ɀino akakamura ʋarume aʋo ʋanamazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumŋe nomumŋe hwamanda muruʋoko rwake, neɀiroŋgo ɀisineciro, nezhenje mukati meɀiroŋgo. Akati kwaʋari: Mutarire kwandiri, mugoita seni; tarirai, kana ndiciȿika kumudziʋo wemisasa, seɀandinoita ini, nemi ʋo muite saiɀoɀo. Kana ndoridza hwamanda ini naʋose ʋandinaʋo, nemi ʋo muridze hwamanda kunhiʋi dzose dzemisasa, muciti: Munondo waJehova nowaGideoni! Naiɀoɀo Gideoni naʋarume ʋanezana ʋaakaŋga anaʋo, ʋakaȿika kumudziʋo wemisasa pakutaŋga kweŋguʋa yapakati yoʋusiku, ʋacaŋgoisa ʋarindi; ʋakaridza hwamanda, ʋakaputsa ɀiroŋgo ɀakaŋga ɀiri mumaʋoko aʋo. Ipapo mapoka matatu akaridza hwamanda, ʋakaputsa ɀiroŋgo, ʋakaɓata zhenje mumaʋoko aʋo oruɓoshwe, nehwamanda dzokuridza mumaʋoko aʋo orudyi, ʋakaɗanidzira ʋaciti: Munondo waJehova nowaGideoni! Ʋakamira mumŋe nomumŋe panɀimbo yake, ʋakakomba misasa; hondo yose ikamhanya, ʋakaridza mhere, ʋakatiza. Ʋakaridza hwamanda dzinamazana matatu, Jehova akarwisa munondo womumŋe nomumŋe neshamŋari yake, ʋuye nehondo yose; hondo ikatiza kuȿikira paBeti‐shita kurutiʋi rweZerera, kuȿikira kumuganho weAberimehora, paTabati. Ɀino ʋarume ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana, ʋacibva kwaNaftari, nokwaAsheri, nokwaManase, ʋakateʋera Midiani. Gideoni akatuma nhume panyika yose yamakomo yaEfraimi, akati: Ƃurukai mundorwa naMidiani, muʋataŋgire kugarira nzizi dzemvura kuȿikira paBeti‐bara neJoridani ʋo. Ʋakaɓata macinda maʋiri aMidiani, Orebi naZeebi, ʋakaʋuraya Orebi paɗombo raOrebi, naZeebi ʋakamuʋuraya paciȿiniro cewaini caZeebi, ʋakateʋera ʋaMidiani; ʋakaʋuya nemisoro yaOrebi naZeebi kunaGideoni mhiri kwaJoridani.
Vatongi 7:15-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)