Vatongi 7:13-16
Vatongi 7:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Gidheoni akasvika mumwe munhu achiri kurondedzera shamwari yake kurota kwake, achiti, “Ndarota chingwa chakaurungana chichikungurukira mumusasa wavaMidhiani. Charova tende nesimba guru zvokuti tende rakudubuka rikawa.” Shamwari yake yakapindura ikati, “Hachingavi chimwe chinhu kunze kwomunondo waGidheoni mwanakomana waJoashi, muIsraeri. Mwari aisa vaMidhiani nomusasa wose mumaoko ake.” Gidheoni akati anzwa kurota uku nokududzirwa kwokurota kwacho, akanamata Mwari. Akadzoka kumusasa wavaIsraeri akadanidzira achiti, “Simukai! Jehovha aisa musasa wavaMidhiani mumaoko enyu.” Akakamura varume mazana matatu akavaisa mumapoka matatu, akaisa hwamanda nezvirongo zvisina chinhu, asi mwenje mukati, mumaoko avo.
Vatongi 7:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Gidheoni wakati asvika, akanzwa munhu wakanga achirondedzera kurota kwake kushamwari yake, akati, “Tarira, ndarota hope, ndikaona chingwa chakabikwa chebhari chichikungurukira kumisasa yaMidhiani, chikasvika patende, ndokurirova rikawa; chikaritsindikira, tende rikavata pasi.” Shamwari yake ikapindura, ikati, “Hachizi chimwe chinhu, asi ndiwo munondo waGidheoni, mwanakomana waJoashi, murume waIsiraeri; Mwari wakaisa Midhiani nehondo yose muruoko rwake.” Zvino Gidheoni wakati achinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokududzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati, “Simukai, nokuti Jehovha wakaisa misasa yaMidhiani mumaoko enyu.” Zvino akakamura varume avo vana mazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumwe nomumwe hwamanda muruoko rwake, nezvirongo zvisine chiro, nezhenje mukati mezvirongo.
Vatongi 7:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gidheoni paakasvikako, mumwe murume akanga achirondedzera mumwe wake hope dzake achiti, “Mufungeka ndarota hope. Ndarota ndichiona chingwa chebhari chauya kumatendhe avaMidhiani chichiita zvokukunguruka. Chasvikorova rimwe tendhe rikati pasi bvu-u.” Mumwe wake ndokuti, “Hakuna chimwe. Ibakatwa raGidheoni mwanakomana waJoashi muIsiraeri. Tenzi atoisa vaMidhiani nehondo yavo yose mumaoko ake.” Gidheoni paakanzwa hope idzi nokududzirwa kwadzo akapfugama akanamata. Akadzokera kumatendhe avaIsiraeri akati, “Handei nokuti Tenzi atoisa hondo yavaMidhiani mumaoko enyu.” Akaisa mazana matatu aya avarume muzvikwata zvitatu. Akapa munhu wose hwamanda, nechirongo chisina chinhu, nemwenje muzvirongo.
Vatongi 7:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Gideoni wakati aȿika, akanzwa munhu wakaŋga acirondedzera kurota kwake kushamŋari yake, akati: Tarira, ndarota hope, ndikaʋona ciŋgwa cakaɓikwa cebari cicikuŋgurukira kumisasa yaMidiani, cikaȿika patente, ndokuriroʋa rikawa; cikaritsindikira, tente rikaʋata pasi. Shamŋari yake ikapindura, ikati: Hacizi cimŋe cinhu, asi ndiwo munondo waGideoni, mŋanakomana waJoashi, murume waIsraeri; Mŋari wakaisa Midiani nehondo yose muruʋoko rwake. Ɀino Gideoni wakati acinzwa kurondedzerwa kwokurota uku nokuɗudzirwa kwako, akanamata; akadzokera kumisasa, akati: Simukai, nokuti Jehova wakaisa misasa yaMidiani mumaʋoko enyu. Ɀino akakamura ʋarume aʋo ʋanamazana matatu, akaita mapoka matatu, akapa mumŋe nomumŋe hwamanda muruʋoko rwake, neɀiroŋgo ɀisineciro, nezhenje mukati meɀiroŋgo.
Vatongi 7:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)