Vatongi 6:33-40
Vatongi 6:33-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva vakabatana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matende avo muMupata weJezireeri. Ipapo mweya waJehovha wakauya pamusoro paGidheoni, uye akaridza hwamanda, achidana vaAbhiezeri kuti vamutevere. Akatuma nhume munyika yose yaManase, achivakoka kuhondo, uyewo muAsheri, Zebhuruni neNafutari, kuti naivowo vakwidze kundosangana navo. Gidheoni akati kuna Mwari, “Kana muchizoponesa Israeri noruoko rwangu sezvamakavimbisa, tarirai, ndichaisa chisumbu chewuru paburiro. Kana dova rikava pachisumbu chewuru chete uye pasi pose pakaoma, ipapo ndichaziva kuti muchaponesa Israeri noruoko rwangu, sezvamakareva.” Uye izvi ndizvo zvakaitika. Gidheoni akamuka mangwanani ezuva rakatevera; akasvina chisumbu chewuru akabudisa dova, akazadza mbiya nemvura. Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, “Musanditsamwira henyu. Regai ndiite hangu chimwezve chikumbiro. Nditenderei ndiedzezve nechisumbu chewuru. Panguva ino itai kuti chisumbu chewuru chiome asi pasi pose pafukidzwe nedova.” Usiku ihwohwo Mwari akaita izvozvo. Wuru yakanga yakaoma; pasi pose pakanga pakafukidzwa nedova.
Vatongi 6:33-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vaMidhiani vose navaAmareki navana vamabvazuva vakaungana, vakayambuka, vakadzika matende avo pamupata weJezereeri. Asi Mweya waJehovha wakasvika pamusoro paGidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaungana vakamutevera. Akatuma nhume pakati pavaManase vose, naivo vakaungana vakamutevera; akatumawo nhume kuna Asheri, naZebhuruni, naNafutari, naivo vakakwira kuzosangana navo. Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, “Kana muchida kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura, tarirai, ndichaisa debwe rine mvere paburiro; kana kukava nedova padebwe bedzi, pasi pose pakaoma, ndichaziva kuti munoda kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura.” Zvikava saizvozvo; nokuti wakamuka mangwanani, akambundanidza debwe, akasvina mvura padebwe, ikazadza mbiya. Zvino Gidheoni akati kuna Mwari, “Regai henyu kunditsamwira, kana ndikataurazve kamwe chete; nditenderei ndiidzezve kamwe chete nedebwe; zvino padebwe bedzi pave pakaoma, asi pasi pose pave nedova.” Mwari akaita saizvozvo usiku uhwo; nokuti padebwe bedzi pakanga pakaoma, asi dova rakanga riri pasi pose.
Vatongi 6:33-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaMidhiani vose nevaAmareki navanhu vokumabvazuva vakaunganidzana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matendhe avo mubani reJezireeri. Mweya waTenzi wakazadza Gidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaunganidzana vomutevera. Akatumira nhume munyika yose yokwaManase, ivowo vakaunganidzana vakamutevera. Akatumirawo nhume kune vedzinza rokwaAsheri neraZebhuruni neraNafutari vakakwira kuzosangana navo. Gidheoni akataura naMwari achiti, “Kana imi muchida kundishandisa kununura vaIsiraeri sokutaura kwamakaita, zvino ndavakuisa mhombwa yewuru paburiro apa, kana dova rikava pawuru chete, pamwe pose, pasi pachingova pakaoma ndopandichaziva kuti muri kuda kundishandisa kununura vaIsiraeri, sezvamakareva.” Zvakabva zvaita saizvozvo. Mangwana acho akamuka rungwanangwana, akasvina dova muwuru iya rikazadza ndiro yemvura. Gidheoni akatetererazve Mwari achiti, “Ndapota regai zvenyu kundishatirirwa ndigotaurawo kamwechete kano. Regai ndiedze zvakare nemhombwa yewuru kamwechete. Ndinokumbira kuti wuru iyi ive ndiyo yakaoma, pamwe pose pasi pave nedova.” Mwari akabva aita saizvozvo usiku ihwohwo. Pawuru chete ndopakanga pakaoma, asi pamwe pose, pasi paine dova.
Vatongi 6:33-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaMidiani ʋose naʋaAmareki naʋana ʋamabvazuʋa ʋakaʋuŋgana, ʋakayambuka, ʋakadzika matente aʋo pamupata weJezreeri. Asi Mŋeya waJehova wakaȿika pamsoro paGideoni, akaridza hwamanda, ʋaAbiezeri ʋakaʋuŋgana ʋakamuteʋera. Akatuma nhume pakati paʋaManase ʋose, naiʋo ʋakaʋuŋgana ʋakamuteʋera; akatuma ʋo nhume kunaAsheri, naZeburuni, naNaftari, naiʋo ʋakakwira kuzosoŋgana naʋo. Ipapo Gideoni akati kunaMŋari: Kana muciɗa kuponesa Israeri noruʋoko rwaŋgu, seɀamakataura, tarirai, ndicaisa ɗebge rinemvere paɓuriro; kana kukaʋa neɗoʋa paɗebge ɓedzi, pasi pose pakawoma, ndicaziʋa kuti munoɗa kuponesa Israeri noruʋoko rwaŋgu, seɀamakataura. Ɀikaʋa saiɀoɀo; nokuti wakamuka maŋgwanani, akambundanidza ɗebge, akaȿina mvura paɗebge, ikazadza mbiya. Ɀino Gideoni akati kunaMŋari: Regai henyu kunditsamŋira, kana ndikataura ɀe kamŋe cete; nditenderei ndiidze ɀe kamŋe cete neɗebge; ɀino paɗebge ɓedzi paʋe pakawoma, asi pasi pose paʋe neɗoʋa. Mŋari akaita saiɀoɀo ʋusiku ubgo; nokuti paɗebge ɓedzi pakaŋga pakawoma, asi ɗoʋa rakaŋga riri pasi pose.
Vatongi 6:33-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)