Vatongi 6:12-13 - Compare All Versions
Vatongi 6:12-13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa waJehovha akati azviratidza kuna Gidheoni, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume wesimba noumhare.” Gidheoni akapindura akati, “Asika, ishe wangu, kana Jehovha anesu, seiko izvi zvose zvakaitika kwatiri? Zvishamiso zvake zvose zviripiko zvatakaudzwa namadzibaba edu pavakati, ‘Jehovha haana kutibudisa muIjipiti here?’ Asi zvino Jehovha akatisiya uye akatiisa muruoko rwavaMidhiani.”
Vatongi 6:12-13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume ane simba noumhare.” Gidheoni akati kwaari, “Haiwa, Ishe wangu, kana Jehovha anesu, ko izvi zvose zvakagotiwirireiko? Zviripiko zvishamiso zvake zvose, zvataiudzwa namadzibaba edu, achiti, ‘Jehovha haana kutikwidza here, achitibudisa paIjipiti?’ Asi zvino Jehovha wakatirasha, akatiisa mumaoko avaMidhiani.”
Vatongi 6:12-13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari, akati kwaari: Jehova unewe, iwe murume unesimba noʋumhare. Gideoni akati kwaari: Haiwa, Ishe waŋgu, kana Jehova anesu, ko iɀi ɀose ɀakagotiwirireiko? Ɀiripiko ɀishamiso ɀake ɀose, ɀataiʋudzwa namadziɓaɓa eɗu, ʋaciti: Jehova haana‐kutikwidza here, acitiɓuɗisa paEgipita? Asi ɀino Jehova wakatirasha, akatiisa mumaʋoko aMidiani.
Vatongi 6:12-13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Gidheoni ndokuti, “Tenzi anewe, iyewe mvumba chaiyo yokurwa.” Gidheoni akati kwaari, “Changamire, ko izvi zvose zvaizoitika sei kana Tenzi ainesu? Ko zvinhu zviya zvose zvinoshamisa zviri kupi zvatairondedzerwa namadzibaba edu kuti ndizvo zvaiitwa naTenzi maburutsiro aakavaita kuIjipiti? Asi iye zvino Tenzi akatirasa akatiti chi-i mumaoko evaMidhiani.”
Vatongi 6:12-13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)