Vatongi 3:1-4
Vatongi 3:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Idzi ndidzo ndudzi dzakasiyiwa naJehovha kuti aedze vaIsraeri vaya vose vakanga vasina kumboziva kana hondo ipi zvayo muKenani, (akaita izvi bedzi kuti adzidzise zvehondo kuzvizvarwa zvavaIsraeri izvo zvakanga zvisina kumborwa hondo): vatongi vashanu vavaFiristia, vaKenani vose, vaSidhoni, uye vaHivhi vaigara mumakomo eRebhanoni kubva paGomo reBhaari Herimoni kusvikira kuRebho Hamati. Vakasiyiwa kuti vaedze vaIsraeri kuti aone kana vaizoteerera mirayiro yaJehovha, yaakanga apa madzitateguru avo kubudikidza naMozisi.
Vatongi 3:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ndidzo ndudzi dzakasiyiwa naJehovha, kuti aidze vaIsiraeri nadzo, ivo vaIsiraeri vose vakanga vasina kuziva hondo dzose dzapaKenani; nemhaka iyo bedzi kuti marudzi avana vaIsiraeri azive, kuti avadzidzise kurwa, ivo vasina kumboziva izvozvo pakutanga; vaiti: Madzishe mashanu avaFirisitia, navaKenani vose, navaZidhoni, navaHivhi, vakanga vagere mugomo reRebhanoni, kubva pagomo reBhaariherimoni, kusvikira pavanopinda paHamati. Ivo vakasiyiwapo, kuti vaIsiraeri vaidzwe navo, kuti kuzikanwe kana vachida kuteerera mirairo yaJehovha yaakanga araira madzibaba avo naMosesi.
Vatongi 3:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino aya ndiwo marudzi avanhu akaregwa naTenzi arimo okuedza nawo vaIsiraeri vose zvavo vakanga vasina kumbenge vaona hondo ichirwiwa muKanani. Zvaingoitirwa kuti vezvizvarwa zvaIsiraeri vagoziva hondo, uye kuti adzidzise kurwa vaya vainge vasati vaziva hondo. Marudzi anoti: madzishe mashanu avaFirisitia kwouya vaKanani vose navaSidhoni naHivhi vaigara kumakomo okuRebhanoni kubvira kugomo reBhaariherimoni kusvikira toda kupinda kuHamati. Vakaregwa varimo kuedza vaIsiraeri kuti kugoonekwa kuti vachateerera here mitemo yaTenzi yakaudzwa madzibaba avo nomuromo waMosesi.
Vatongi 3:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ndidzo ndudzi dzakasiyiwa naJehova, kuti aidze ʋaIsraeri nadzo, iʋo ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋasina‐kuziʋa hondo dzose dzapaKanani; nemhaka iyo ɓedzi kuti marudzi aʋana ʋaIsraeri aziʋe, kuti aʋadzidzise kurwa, iʋo ʋasina‐kumboziʋa iɀoɀo pakutaŋga; ʋaiti: Madzishe mashanu aʋaFiristia, naʋaKanani ʋose, naʋaZidoni, naʋaHivi, ʋakaŋga ʋagere mugomo reRebanoni, kubva pagomo reBaari‐hermoni, kuȿikira paʋanopinda paHamati. Iʋo ʋakasiyiwa’po, kuti ʋaIsraeri ʋaidzwe naʋo, kuti kuzikanwe kana ʋaciɗa kuterera mirairo yaJehova yaakaŋga araira madziɓaɓa aʋo naMosesi.
Vatongi 3:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)