Vatongi 21:17-18
Vatongi 21:17-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati, “VaBhenjamini vakasara vanofanira kuva navadyi venhaka kuitira kuti rudzi rwaIsraeri rurege kurova. Hatigoni kuvapa vanasikana vedu kuti vave vakadzi vavo sezvo isu vaIsraeri takapika tichiti, ‘Ngaatukwe munhu anopa mukadzi kumuBhenjamini.’
Vatongi 21:17-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati, “VaBhenjamini vakapukunyuka vanofanira kuva nenhaka yavo, kuti rudzi rumwe rurege kurova pakati pavaIsiraeri. Asi hatingavapi vakunda vedu, vave vakadzi vavo;” nokuti vana vaIsiraeri vakanga vapika, vachiti, “Munhu unopa vaBhenjamini mukadzi ngaatukwe.”
Vatongi 21:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakati, “Padzinza iri rokwaBhenjamini panofanira kuva navana vanoita kuti dzinza iri riendere mberi rigorega kutsakatika muIsiraeri. Asi isu hatingagone kuroodza vana vedu kwavari kuti vave vakadzi vavo.” VaIsiraeri vakadaro nokuti vakanga vapika kuti, “Anenge angoroodza mwana wake kune vokwaBhenjamini, ngaawirwe norushambwa.”
Vatongi 21:17-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati: ƲaBenjamini ʋakapukunyuka ʋanofanira kuʋa nenhaka yaʋo, kuti rudzi rumŋe rurege kuroʋa pakati paʋaIsraeri. Asi hatiŋgaʋapi ʋakunda ʋeɗu, ʋaʋe ʋakadzi ʋaʋo; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋapika, ʋaciti: Munhu unopa ʋaBenjamini mukadzi ŋgaatukwe.
Vatongi 21:17-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)