Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 20:26 - Compare All Versions

Vatongi 20:26 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo vaIsraeri, vanhu vose vakakwira kuBheteri, uye ikoko vakandogara pasi vachichema pamberi paJehovha. Vakatsanya pazuva iro kusvikira madekwana uye vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana.

Pakurirana nevamwe
Vatongi 20 BDSC

Vatongi 20:26 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino vana vaIsiraeri vose navanhu vose vakakwira vakasvika paBheti-eri, vakachema vakagarapo pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya zuva iro kusvikira madekwana; vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha.

Pakurirana nevamwe
Vatongi 20 SNA2002

Vatongi 20:26 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ipapo vaIsiraeri vose, hondo yavo yose zvayo, vakaenda kuBhetieri vakachema. Vakagara pana Tenzi, vakatsanya kusvikira manheru zuva iroro. Vakaita mipiro yokupisa neyokuwadzana kuna Tenzi.

Pakurirana nevamwe
Vatongi 20 SCLBD

Vatongi 20:26 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋose naʋanhu ʋose ʋakakwira ʋakaȿika paBeti‐eri, ʋakacema, ʋakagara’po pamberi paJehova, ʋakaɀinyima ɀokudya zuʋa iro kuȿikira maɗekwana; ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa kunaJehova.

Pakurirana nevamwe
Vatongi 20 SUB1949

Vatongi 20:26 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ipapo vaIsiraeri vose, hondo yavo yose zvayo, vakaenda kuBhetieri vakachema. Vakagara pana Tenzi, vakatsanya kusvikira manheru zuva iroro. Vakaita mipiro yokupisa neyokuwadzana kuna Tenzi.

Pakurirana nevamwe
Vatongi 20 SCLB