Vatongi 2:10-15
Vatongi 2:10-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mokunge chizvarwa chake chose chasanganiswa namadzibaba acho, chimwe chizvarwa chakanga chisingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri chakamuka. Ipapo vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha uye vakashumira vanaBhaari. Vakarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akanga avabudisa kubva muIjipiti. Vakatevera uye vakanamata vamwari vakasiyana-siyana vendudzi dzakanga dzakavapoteredza. Vakatsamwisa Jehovha, nokuti vakamurasa uye vakashumira Bhaari navaAshitoreti. Mukutsamwira kwake vaIsraeri, Jehovha akavaisa mumaoko avapambi avo vakazovapamba. Akavatengesa kuvavengi vavo vakanga vakavapoteredza, avo vavakanga vasisagoni kudzivisa. Pose paienda Israeri kundorwa, ruoko rwaJehovha rwairwa navo kuti ruvakunde, sezvaakanga apika kwavari. Vakanga vari munhamo huru.
Vatongi 2:10-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vorudzi urwo rwose vakasanganiswa namadzibaba avo, rumwe rudzi rukamuka shure kwavo rwakanga rusingazivi Jehovha, kana basa raakaitira vaIsiraeri. Vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira Bhaari; vakarasha Jehovha mwari wamadzibaba avo, wakanga avabudisa munyika yeIjipiti, vakatevera vamwe vamwari vavanhu vakanga vakavapoteredza, vakavapfugamira, vakatsamwisa Jehovha. Vakarasha Jehovha, vakashumira Bhaari neAshitaroti. Kutsamwa kwaJehovha kukamukira vaIsiraeri, akavaisa mumaoko avaparadzi vakavaparadza, akavatengesa mumaoko avavengi vavo vakanga vakavapoteredza; naizvozvo vakanga vasingagoni kumira pamberi pavavengi vavo. Pose-pose pavaienda, ruoko rwaJehovha rwairwa navo nokuvaitira zvakaipa, sezvakanga zvataurwa naJehovha, uye sezvavakanga vapikirwa naJehovha; vakatambudzika kwazvo.
Vatongi 2:10-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chizvarwa ichocho chose chakapera kufa, kukazomukawo chimwe chizvarwa mushure mavo chakanga chisingamboziva Tenzi kana basa raakanga aitira vaIsiraeri. VaIsiraeri vaiita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Vainamata vanaBhaari. Vaizvicheka ukama naTenzi Mwari wamadzibaba avo akavaburitsa kunyika yeIjipiti, voteveredzana zvavo navamwe vamwari vavanhu vakanga vari munharaunda yavo vachivapfugamira, vachivirutsa hasha dzaTenzi. Vakachekana ukama naTenzi vonamata vanaBhaari naAshitaroti. Saka hasha dzaTenzi dzaivirukira vaIsiraeri ovaisa mumaoko avapambi, vachivapamba, achivati kuche mumaoko avavengi vavo vomunharaunda yavo yose. Havaizogona kana kumirisana navavengi vavo. Nguva dzose dzavaiti vondorwa, Tenzi aitenge orwisana navo kuti zvivaipire, sokuyambira kwakanga kwaita Tenzi nokuvatsidzira kwaakanga aita. Zvose izvozvo zvaivatambudza kwazvo mumwoyo.
Vatongi 2:10-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋorudzi urwo rwose ʋakasoŋganiswa namadziɓaɓa aʋo, rumŋe rudzi rukamuka shure kwaʋo rwakaŋga rusiŋgaziʋi Jehova, kana ɓasa raakaitira ʋaIsraeri. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakashumira ʋaBaari; ʋakarasha Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, wakaŋga aʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari ʋaʋanhu ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza, ʋakaʋafugamira, ʋakatsamŋisa Jehova. Ʋakarasha Jehova, ʋakashumira Baari neAshtaroti. Kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋaIsraeri, akaʋaisa mumaʋoko aʋaparadzi ʋakaʋaparadza, akaʋateŋgesa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza; naiɀoɀo ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumira pamberi paʋaʋeŋgi ʋaʋo. Pose‐pose paʋaienda, ruʋoko rwaJehova rwairwa naʋo nokuʋaitira ɀakaipa, seɀakaŋga ɀataurwa naJehova, ʋuye seɀaʋakaŋga ʋapikirwa naJehova; ʋakatambudzika kwaɀo.
Vatongi 2:10-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)