Vatongi 2:1-7
Vatongi 2:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mutumwa waJehovha akakwidza achibva kuGirigari akaenda kuBhokimi akati, “Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye ndikakutungamirirai munyika yandakapikira madzitateguru enyu. Ndakati, ‘Handichazomboputsi sungano yangu nemi, uye imi musazoita sungano navanhu venyika ino, asi munofanira kuputsa aritari dzavo.’ Asi hamuna kunditeerera. Makaitireiko izvozvo? Naizvozvo zvino ndinokuudzai kuti handichazovadzingi pamberi penyu, vachava minzwa kumativi enyu uye vamwe vavo vachava musungo kwamuri.” Mutumwa waJehovha akati ataura zvinhu izvi kuvaIsraeri vose, vanhu vakachema kwazvo, uye vakatumidza nzvimbo iyo kuti Bhokimi. Ipapo, vakabayira zvipiriso kuna Jehovha. Shure kwokunge Joshua ati vaIsraeri vaende, vakaenda vakandotora nyika, mumwe nomumwe kunhaka yake. Vanhu vakashumira mazuva ose okurarama kwaJoshua uye napamazuva avakuru vakasara vari vapenyu uye vakanga vaona zvinhu zvikuru zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha.
Vatongi 2:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mutumwa waJehovha wakabva Girigari, akaenda Bhokimi, akati, “Ndakakubudisa muIjipiti, ndikakusvitsai panyika yandakapikira madzibaba enyu, ndikati, ‘Handingatongoputsi sungano yangu nemi nokusingaperi; nemi hamufaniri kuita sungano navanhu vagere panyika ino; munofanira kuputsa atari dzavo. Asi hamuna kuteerera izwi rangu; makaitireiko izvozvo?’ Saka ini ndakatiwo, ‘Handingavadzingi pamberi penyu; asi vachava seminzwa kunhivi dzenyu, navamwari vavo vachava zvisungo kwamuri.’ ” Zvino mutumwa waJehovha wakati ataura namashoko iwayo kuvana vaIsiraeri vose, vanhu vose vakachema kwazvo. Ipapo vakatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bhokimi, vakabayirapo Jehovha. Zvino Joshua wakati aendisa vanhu, vana vaIsiraeri vakaenda mumwe nomumwe kunhaka yake, kuti vagare panyika yavo. Vanhu vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vaona mabasa makuru akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha.
Vatongi 2:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutumwa waTenzi akabva kuGirigari akakwidza kuBhokimu. Akati, “Ndakakubvisai kuIjipiti ndikauya nemi kunyika yandakatsidzira kupa kune madzibaba enyu. Ndakati, ‘Handimbozofi ndakatyora chitenderano changu nemi. Imiwo regai kuita chitenderano navanhu vomunyika ino. Munofanira kupwanya atari dzavo.’ Asi imi hamuna kuteerera zvandakareva. Ko ndochii ichochi chamaita? Zvino ini ndinoti, ‘Handichafanokudzingirai vanhu ivava, asi vachava vavengi venyu uye vamwari vavo vari chinhu chakakuteyai.’ ” Mutumwa waTenzi akati apedza kutaurira vaIsiraeri vose, vanhu vakaridza mhere kuchema. Vakatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Kuchema, vakabva vapira Tenzi zvibayiro ipapo. Joshuwa paakati vaIsiraeri vachienda zvavo, vakati ava kwavo ava kwavo vachienda kunyika dzavo dzenhaka kundodzitora vachidziita dzavo. Vanhu ivava vakanamata Tenzi panguva yose yakanga Joshuwa achiri mupenyu, nenguva yose yavakuru vakuru vakasiyiwa naJoshuwa variko vakanga vaona basa guru rose rakaitirwa vaIsiraeri naTenzi.
Vatongi 2:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mutumŋa waJehova wakabva Girgari, akaenda Bokimi, akati: Ndakakuɓuɗisai muEgipita, ndikakuȿitsai panyika yandakapikira madziɓaɓa enyu, ndikati: Handiŋgatoŋgoputsi suŋgano yaŋgu nemi nokusiŋgaperi; nemi hamufaniri kuita suŋgano naʋanhu ʋagere panyika ino; munofanira kuputsa artari dzaʋo. Asi hamuna‐kuterera inzwi raŋgu; makaitireiko iɀoɀo? Saka ini ndakati ʋo: Handiŋgaʋadziŋgi pamberi penyu; asi ʋacaʋa seminzwa kunhiʋi dzenyu, naʋamŋari ʋaʋo ʋacaʋa ɀisuŋgo kwamuri. Ɀino mutumŋa waJehova wakati ataura mashoko iwayo kuʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋanhu ʋose ʋakacema kwaɀo. Ipapo ʋakatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Bokimi, ʋakaɓayira’po Jehova. Ɀino Joshua wakati aendisa ʋanhu, ʋana ʋaIsraeri ʋakaenda mumŋe nomumŋe kunhaka yake, kuti ʋagare panyika yaʋo. Ʋanhu ʋakashumira Jehova mazuʋa ose aJoshua, namazuʋa ose aʋakuru ʋakaŋga ʋaciri ʋapenyu Joshua atofa, iʋo ʋakaŋga ʋaʋona maɓasa makuru akaŋga aitirwa ʋaIsraeri naJehova.
Vatongi 2:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)