Vatongi 2:1-23
Vatongi 2:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mutumwa waJehovha akakwidza achibva kuGirigari akaenda kuBhokimi akati, “Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye ndikakutungamirirai munyika yandakapikira madzitateguru enyu. Ndakati, ‘Handichazomboputsi sungano yangu nemi, uye imi musazoita sungano navanhu venyika ino, asi munofanira kuputsa aritari dzavo.’ Asi hamuna kunditeerera. Makaitireiko izvozvo? Naizvozvo zvino ndinokuudzai kuti handichazovadzingi pamberi penyu, vachava minzwa kumativi enyu uye vamwe vavo vachava musungo kwamuri.” Mutumwa waJehovha akati ataura zvinhu izvi kuvaIsraeri vose, vanhu vakachema kwazvo, uye vakatumidza nzvimbo iyo kuti Bhokimi. Ipapo, vakabayira zvipiriso kuna Jehovha. Shure kwokunge Joshua ati vaIsraeri vaende, vakaenda vakandotora nyika, mumwe nomumwe kunhaka yake. Vanhu vakashumira mazuva ose okurarama kwaJoshua uye napamazuva avakuru vakasara vari vapenyu uye vakanga vaona zvinhu zvikuru zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha. Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi rimwe chete. Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTiminati Heresi munyika yezvikomo yeEfuremu, kumusoro kweGomo reGaashi. Mushure mokunge chizvarwa chake chose chasanganiswa namadzibaba acho, chimwe chizvarwa chakanga chisingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri chakamuka. Ipapo vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha uye vakashumira vanaBhaari. Vakarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akanga avabudisa kubva muIjipiti. Vakatevera uye vakanamata vamwari vakasiyana-siyana vendudzi dzakanga dzakavapoteredza. Vakatsamwisa Jehovha, nokuti vakamurasa uye vakashumira Bhaari navaAshitoreti. Mukutsamwira kwake vaIsraeri, Jehovha akavaisa mumaoko avapambi avo vakazovapamba. Akavatengesa kuvavengi vavo vakanga vakavapoteredza, avo vavakanga vasisagoni kudzivisa. Pose paienda Israeri kundorwa, ruoko rwaJehovha rwairwa navo kuti ruvakunde, sezvaakanga apika kwavari. Vakanga vari munhamo huru. Ipapo Jehovha akavamutsira vatongi vakavaponesa kubva mumaoko avapambi ava. Kunyange zvakadaro havana kuzoteerera kuvatongi vavo asi vakaita ufeve navamwe vamwari uye vakavanamata. Havana kuita samadzibaba avo, nokuti vakakurumidza kutsauka munzira yaifamba madzibaba avo, nzira yokuteerera kumirayiro yaJehovha. Pose pavaimutsirwa mutongi naJehovha, iye aiva nomutongi uyo, uye aivaponesa kubva mumaoko avavengi vavo, mutongi paainge achiri mupenyu; nokuti Jehovha ainge avanzwira ngoni pavaigomera vari pasi pavaya vaivadzvinyirira uye vachivarwadzisa. Asi mutongi paainge afa, vanhu vaidzokera kunzira dzakaipisisa kupinda dziya dzamadzibaba avo, vachitevera vamwe vamwari, vachivashandira uye vachivanamata. Vakaramba kusiya mabasa avo akaipa nokusindimara kwemwoyo yavo. Naizvozvo Jehovha akavatsamwira zvikuru akati, “Nemhaka yokuti rudzi urwu rwakaputsa sungano yangu yandakaita namadzitateguru avo uye vakasanditeerera, handichadzingizve pamberi pavo rudzi rupi zvarwo rwedzimwe ndudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake. Ndichavashandisa kuti vaedze vaIsraeri, kuti ndione kuti vachachengeta here nzira yaJehovha vagofamba mairi sezvakaitwa namadzitateguru avo.” Jehovha akatendera ndudzi idzo kuti dzisare; haana kudzidzinga pakarepo uye haana kudziisa mumaoko aJoshua.
Vatongi 2:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mutumwa waJehovha wakabva Girigari, akaenda Bhokimi, akati, “Ndakakubudisa muIjipiti, ndikakusvitsai panyika yandakapikira madzibaba enyu, ndikati, ‘Handingatongoputsi sungano yangu nemi nokusingaperi; nemi hamufaniri kuita sungano navanhu vagere panyika ino; munofanira kuputsa atari dzavo. Asi hamuna kuteerera izwi rangu; makaitireiko izvozvo?’ Saka ini ndakatiwo, ‘Handingavadzingi pamberi penyu; asi vachava seminzwa kunhivi dzenyu, navamwari vavo vachava zvisungo kwamuri.’ ” Zvino mutumwa waJehovha wakati ataura namashoko iwayo kuvana vaIsiraeri vose, vanhu vose vakachema kwazvo. Ipapo vakatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bhokimi, vakabayirapo Jehovha. Zvino Joshua wakati aendisa vanhu, vana vaIsiraeri vakaenda mumwe nomumwe kunhaka yake, kuti vagare panyika yavo. Vanhu vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vaona mabasa makuru akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha. Zvino Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha akafa, ava namakore ane zana negumi. Vakamuviga panyika yenhaka yake paTiminati-heresi, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi. Zvino vorudzi urwo rwose vakasanganiswa namadzibaba avo, rumwe rudzi rukamuka shure kwavo rwakanga rusingazivi Jehovha, kana basa raakaitira vaIsiraeri. Vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira Bhaari; vakarasha Jehovha mwari wamadzibaba avo, wakanga avabudisa munyika yeIjipiti, vakatevera vamwe vamwari vavanhu vakanga vakavapoteredza, vakavapfugamira, vakatsamwisa Jehovha. Vakarasha Jehovha, vakashumira Bhaari neAshitaroti. Kutsamwa kwaJehovha kukamukira vaIsiraeri, akavaisa mumaoko avaparadzi vakavaparadza, akavatengesa mumaoko avavengi vavo vakanga vakavapoteredza; naizvozvo vakanga vasingagoni kumira pamberi pavavengi vavo. Pose-pose pavaienda, ruoko rwaJehovha rwairwa navo nokuvaitira zvakaipa, sezvakanga zvataurwa naJehovha, uye sezvavakanga vapikirwa naJehovha; vakatambudzika kwazvo. Zvino Jehovha akamutsa vatongi, vaivarwira mumaoko avaivaparadza. Kunyange zvakadaro havana kuteerera vatongi vavo, nokuti vakapata vachitevera vamwe vamwari, vakavapfugamira; vakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madzibaba avo, vaiteerera mirairo yaJehovha; asi ivo havana kuita saizvozvo. Zvino Jehovha waiti kana achinge achivamutsira mutongi, Jehovha waiva nomutongi uyo, ndokuvarwira pamaoko avavengi vavo mazuva ose omutongi uyo; nokuti Jehovha wakazvidemba pamusoro pokugomba kwavo nokuda kwavaivamanikidza nokuvanetsa. Asi kana mutongi afa, vakadzokazve, vakaita zvakaipa kupfuura madzibaba avo, pakutevera vamwe vamwari, nokuvashumira, nokuvapfugamira; havana kurega mabasa avo kana mufambiro wemwoyo yavo mikukutu. Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akati, “Rudzi urwu zvarwakadarika sungano yangu, yandakaita namadzibaba avo, vakasateerera izwi rangu, neniwo handichazodzingi pamberi pavo rudzi rumwe rwendudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake; kuti ndiidze vaIsiraeri nadzo, kana vachida kuchengeta nzira yaJehovha, kana vachida kufambamo, sezvayaichengetwa namadzibaba avo, kana vasingadi.” Naizvozvo Jehovha akasiya ndudzi idzo, akasakurumidza kudzidzinga; uye haana kudziisa muruoko rwaJoshua.
Vatongi 2:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutumwa waTenzi akabva kuGirigari akakwidza kuBhokimu. Akati, “Ndakakubvisai kuIjipiti ndikauya nemi kunyika yandakatsidzira kupa kune madzibaba enyu. Ndakati, ‘Handimbozofi ndakatyora chitenderano changu nemi. Imiwo regai kuita chitenderano navanhu vomunyika ino. Munofanira kupwanya atari dzavo.’ Asi imi hamuna kuteerera zvandakareva. Ko ndochii ichochi chamaita? Zvino ini ndinoti, ‘Handichafanokudzingirai vanhu ivava, asi vachava vavengi venyu uye vamwari vavo vari chinhu chakakuteyai.’ ” Mutumwa waTenzi akati apedza kutaurira vaIsiraeri vose, vanhu vakaridza mhere kuchema. Vakatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Kuchema, vakabva vapira Tenzi zvibayiro ipapo. Joshuwa paakati vaIsiraeri vachienda zvavo, vakati ava kwavo ava kwavo vachienda kunyika dzavo dzenhaka kundodzitora vachidziita dzavo. Vanhu ivava vakanamata Tenzi panguva yose yakanga Joshuwa achiri mupenyu, nenguva yose yavakuru vakuru vakasiyiwa naJoshuwa variko vakanga vaona basa guru rose rakaitirwa vaIsiraeri naTenzi. Joshuwa mwanakomana waNunu muranda waTenzi akafa ava nezana ramakore ana makore gumi. Vakamuviga munyika yake yenhaka kuTimunatiheresi kunyika yaEfuraimu yamakomo kuchamhembe kwegomo reGaashi. Chizvarwa ichocho chose chakapera kufa, kukazomukawo chimwe chizvarwa mushure mavo chakanga chisingamboziva Tenzi kana basa raakanga aitira vaIsiraeri. VaIsiraeri vaiita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Vainamata vanaBhaari. Vaizvicheka ukama naTenzi Mwari wamadzibaba avo akavaburitsa kunyika yeIjipiti, voteveredzana zvavo navamwe vamwari vavanhu vakanga vari munharaunda yavo vachivapfugamira, vachivirutsa hasha dzaTenzi. Vakachekana ukama naTenzi vonamata vanaBhaari naAshitaroti. Saka hasha dzaTenzi dzaivirukira vaIsiraeri ovaisa mumaoko avapambi, vachivapamba, achivati kuche mumaoko avavengi vavo vomunharaunda yavo yose. Havaizogona kana kumirisana navavengi vavo. Nguva dzose dzavaiti vondorwa, Tenzi aitenge orwisana navo kuti zvivaipire, sokuyambira kwakanga kwaita Tenzi nokuvatsidzira kwaakanga aita. Zvose izvozvo zvaivatambudza kwazvo mumwoyo. Tenzi aizovamutsira vatongi vaivanunura mumaoko avanhu ivavo vaivapamba. Kunyange zvakadaro vakange vasingateereri vatongi vavo ivavo nokuti vairamba vachingoita unzenza hwokuteveredzana navamwe vamwari vachivapfugamira. Vakanga vasingatani kutsauka nzira yaifambwa namadzibaba avo vaiteerera mitemo yaTenzi. Ivo havana kuita izvozvo. Tenzi aiti kana avamutsira mutongi, aibva ava nomutongi iyeyo ovaponesa mumaoko avavengi vavo upenyu hwose hwomutongi iyeyo nokuti Tenzi ainzwa tsitsi nokugunguzika kwavo pamusana pavanhu ivavo vaivabata zvisina kunaka. Asi painge mutongi iyeyo afa, vaipinduka votoita zvinhu zvakaipa kwazvo kupinda zvamadzibaba avo, votevera vamwe vamwari vachivanamata vachivapfugamira. Vaizongoramba vangoti dzvemere namabasa avo iwayo vasisasiyane nomusikanzwa wavo. Naizvozvo Tenzi aizovirukira vaIsiraeri nehasha. Aizotiwo, “Vanhu ava zvavatyora chitenderano changu chandakatemera madzibaba avo vachirega kuteerera zvandinoreva, neniwo kubvira zvino handichafanovadzingira marudzi api zvawo akasiyiwa arimo naJoshuwa, paakafa. Navo ndichaedza vaIsiraeri kuti ndione kuti vachachengeta here gwara raTenzi raifamba madzibaba avo kana kuti kwete.” Saizvozvo Tenzi akarega marudzi iwayo arimo, haana kubva akurumidza kuvadzinga vose pamwechete, haanawo kuvaisa mumaoko aJoshuwa.
Vatongi 2:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mutumŋa waJehova wakabva Girgari, akaenda Bokimi, akati: Ndakakuɓuɗisai muEgipita, ndikakuȿitsai panyika yandakapikira madziɓaɓa enyu, ndikati: Handiŋgatoŋgoputsi suŋgano yaŋgu nemi nokusiŋgaperi; nemi hamufaniri kuita suŋgano naʋanhu ʋagere panyika ino; munofanira kuputsa artari dzaʋo. Asi hamuna‐kuterera inzwi raŋgu; makaitireiko iɀoɀo? Saka ini ndakati ʋo: Handiŋgaʋadziŋgi pamberi penyu; asi ʋacaʋa seminzwa kunhiʋi dzenyu, naʋamŋari ʋaʋo ʋacaʋa ɀisuŋgo kwamuri. Ɀino mutumŋa waJehova wakati ataura mashoko iwayo kuʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋanhu ʋose ʋakacema kwaɀo. Ipapo ʋakatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Bokimi, ʋakaɓayira’po Jehova. Ɀino Joshua wakati aendisa ʋanhu, ʋana ʋaIsraeri ʋakaenda mumŋe nomumŋe kunhaka yake, kuti ʋagare panyika yaʋo. Ʋanhu ʋakashumira Jehova mazuʋa ose aJoshua, namazuʋa ose aʋakuru ʋakaŋga ʋaciri ʋapenyu Joshua atofa, iʋo ʋakaŋga ʋaʋona maɓasa makuru akaŋga aitirwa ʋaIsraeri naJehova. Ɀino Joshua mŋanakomana waNuni, muranda waJehova akafa, aʋa namakore anezana negumi. Ʋakamuʋiga panyika yenhaka yake paTimnati‐heresi, panyika yamakomo yaEfraimi, necokumsoro kwegomo reGaashi. Ɀino ʋorudzi urwo rwose ʋakasoŋganiswa namadziɓaɓa aʋo, rumŋe rudzi rukamuka shure kwaʋo rwakaŋga rusiŋgaziʋi Jehova, kana ɓasa raakaitira ʋaIsraeri. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakashumira ʋaBaari; ʋakarasha Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, wakaŋga aʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari ʋaʋanhu ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza, ʋakaʋafugamira, ʋakatsamŋisa Jehova. Ʋakarasha Jehova, ʋakashumira Baari neAshtaroti. Kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋaIsraeri, akaʋaisa mumaʋoko aʋaparadzi ʋakaʋaparadza, akaʋateŋgesa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza; naiɀoɀo ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumira pamberi paʋaʋeŋgi ʋaʋo. Pose‐pose paʋaienda, ruʋoko rwaJehova rwairwa naʋo nokuʋaitira ɀakaipa, seɀakaŋga ɀataurwa naJehova, ʋuye seɀaʋakaŋga ʋapikirwa naJehova; ʋakatambudzika kwaɀo. Ɀino Jehova akamutsa ʋatoŋgi, ʋaiʋarwira mumaʋoko aʋaiʋaparadza. Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kuterera ʋatoŋgi ʋaʋo, nokuti ʋakapata ʋaciteʋera ʋamŋe ʋamŋari, ʋakaʋafugamira; ʋakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madziɓaɓa aʋo, ʋaiterera mirairo yaJehova; asi iʋo haʋana‐kuita saiɀoɀo. Ɀino Jehova waiti kana aciŋge aciʋamutsira mutoŋgi, Jehova waiʋa nomutoŋgi uyo, ndokuʋarwira pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo mazuʋa ose omutoŋgi uyo; nokuti Jehova wakaɀiɗemba pamsoro pokugomba kwaʋo nokuɗa kwaʋaiʋamanikidza nokuʋanetsa. Asi kana mutoŋgi afa, ʋakadzoka ɀe, ʋakaita ɀakaipa kupfuʋura madziɓaɓa aʋo, pakuteʋera ʋamŋe ʋamŋari, nokuʋashumira, nokuʋafugamira; haʋana‐kurega maɓasa aʋo kana mufambire wemŋoyo yaʋo mikukutu. Ipapo kutsamŋa kwaJehova kwakamukira ʋaIsraeri, akati: Rudzi urwu ɀarwakaɗarika suŋgano yaŋgu, yandakaita namadziɓaɓa aʋo, ʋakasaterera inzwi raŋgu, neni ʋo handicazodziŋgi pamberi paʋo rudzi rumŋe rwendudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake; kuti ndiidze ʋaIsraeri nadzo, kana ʋaciɗa kuceŋgeta nzira yaJehova, kana ʋaciɗa kufamba’mo, seɀayaiceŋgetwa namadziɓaɓa aʋo, kana ʋasiŋgaɗi. Naiɀoɀo Jehova akasiya ndudzi idzo, akasakurumidza kudzidziŋga; ʋuye haana‐kudziisa muruʋoko rwaJoshua.
Vatongi 2:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)