Vatongi 14:3-4
Vatongi 14:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Baba namai vake vakapindura vakati, “Hapana here mukadzi akakodzera pakati pehama dzako kana pakati pavanhu vokwedu vose? Ungaenda here kuvaFiristia vasina kudzingiswa kuti undotora mukadzi?” Asi Samusoni akati kuna baba vake, “Nditorerei iye. Ndiye akanaka kwandiri.” (Vabereki vake vakanga vasingazivi kuti izvi zvakanga zvichibva kuna Jehovha, akanga achitsvaka mukana wokurwa navaFiristia; nokuti nenguva iyo ndivo vakanga vachitonga vaIsraeri.)
Vatongi 14:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo baba vake namai vake vakati kwaari, “Ko pakati pavakunda vehama dzako, kana pakati pavanhu vangu vose, hapano mukadzi here, zvowoda kundozvitorera mukadzi pakati pavaFirisitia vasina kudzingiswa?” Samusoni akati kuna baba vake, “Nditorerei iye, nokuti unondifadza kwazvo.” Asi baba vake namai vake havana kuziva kuti zvakanga zvichibva kuna Jehovha, nokuti wakanga achitsvaka mhaka yokurwa navaFirisitia. Zvino nenguva iyo vaFirisitia vakanga vakabata Isiraeri.
Vatongi 14:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi baba naamai vake vakati kwaari, “Ko washaya mukadzi wokuroora here pakati pehama dzako kana kuti parudzi rwedu rwose zvowoda kundoroora mukadzi kuvanhu vasina kudzingiswa, vaFirisitia?” Asi Samusoni akati kuna baba wake, “Ndiroorerei iyeyo chete, ndiye wandada.” Baba naamai vake vakanga vasiri kuziva kuti Tenzi ndiye aimuitisa izvozvo kuti pazova nechimwe chinokonzera kuti vaFirisitia varwiswe. Izvozvo vaFirisitia ndovaitonga vaIsiraeri.
Vatongi 14:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ɓaɓa ʋake namai ʋake ʋakati kwaari: Ko pakati paʋakunda ʋehama dzako, kana pakati paʋanhu ʋaŋgu ʋose, hapanomukadzi here, ɀowoɗa‐kundoɀitorera mukadzi pakati paʋaFiristia ʋasina‐kudziŋgiswa? Samsoni akati kunaɓaɓa ʋake: Nditorerei iye, nokuti unondifadza kwaɀo. Asi ɓaɓa ʋake namai ʋake haʋana‐kuziʋa kuti ɀakaŋga ɀicibva kunaJehova, nokuti wakaŋga acitȿaka mhaka yokurwa naʋaFiristia. Ɀino neŋguʋa iyo ʋaFiristia ʋakaŋga ʋakaɓata Israeri.
Vatongi 14:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)