Vatongi 13:1-25
Vatongi 13:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, saka Jehovha akavaisa mumaoko avaFiristia kwamakore makumi mana. Mumwe murumwe weZora ainzi Manoa, aibva muimba yavaDhani, akanga ane mukadzi akanga asingabereki, asina mwana. Mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari uye akati, “Iwe haubereki uye hauna mwana, asi uchava nemimba uye ugova nomwanakomana. Zvino uone kuti warega kunwa waini kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa uye kuti urege kudya chinhu chipi zvacho chisina kuchena, nokuti uchava nemimba uye uchabereka mwanakomana. Chisvo hachifaniri kuveura musoro wake, nokuti mukomana anofanira kuva muNaziri, akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuzvarwa kwake, uye ndiye achatanga kusunungura vaIsraeri kubva mumaoko avaFiristia.” Ipapo mukadzi akaenda kumurume wake akandomuudza akati, “Munhu waMwari asvika kwandiri. Anga achiratidzika somutumwa waMwari, anotyisa kwazvo. Handina kumubvunza kuti abva kupi, uye haana kundiudza zita rake. Asi ati kwandiri, ‘Uchava nemimba uye uchabereka mwanakomana. Zvino, chirega kunwa waini kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa uye usadya chinhu chipi zvacho chisina kuchena, nokuti mukomana achava muNaziri waMwari kubva pakuzvarwa kwake kusvikira pazuva raanofa.’ ” Ipapo Manoa akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, ndinokukumbirai, regai munhu waMwari wamakatuma kwatiri adzokezve kuti azotidzidzisa kurera kwatingaita mukomana achazozvarwa.” Mwari akanzwa Manoa, uye mutumwa waMwari akauyazve kumukadzi panguva yaakanga ari kumunda; asi murume wake Manoa akanga asipo paari. Mukadzi akakurumidza kundoudza murume wake kuti, “Ari pano! Murume uya akazviratidza kwandiri zuva riya!” Manoa akasimuka akatevera mukadzi wake. Akati asvika pamurume uya, akati, “Ndimi here makataura kumukadzi wangu?” Iye akati, “Ndini.” Saka Manoa akamubvunza akati, “Mashoko enyu paachazadziswa, mutemo unofanira kutevedzwa paupenyu hwomukomana napabasa rake ndoupi?” Mutumwa waJehovha akapindura akati, “Mukadzi wako anofanira kuita zvose zvandakamuudza. Haafaniri kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuzambiringa, uye kunwa waini ipi zvayo kana zvimwe zvokunwa zvakaviriswa kana kudya chinhu chipi zvacho chisina kuchena. Anofanira kuita zvose zvandakamurayira.” Manoa akati kumutumwa waJehovha, “Tingada kuti mumbogara kusvikira takugadzirirai kambudzana.” Mutumwa waJehovha akapindura akati, “Kunyange dai mukandibata henyu, handingadyi chokudya chenyu chipi zvacho. Asi kana muchigadzira chipiriso chinopiswa, chipei kuna Jehovha.” (Manoa haana kuziva kuti akanga ari mutumwa Jehovha.) Ipapo Manoa akabvunza mutumwa waJehovha akati, “Zita renyu ndianiko, kuitira kuti tigokukudzai pachazadziswa shoko renyu?” Akapindura akati, “Unobvunzireiko zita rangu? Haringanzwisisiki.” Ipapo Manoa akatora kambudzana, pamwe chete nechipiriso chezviyo, akazvibayira kuna Jehovha paruware. Uye Jehovha akaita chinhu chinoshamisa, Manoa nomukadzi wake vakatarisa: Murazvo wemoto wakati uchikwira kubva paaritari wakananga kudenga, mutumwa waJehovha akakwira ari mumurazvo. Vakati vaona izvi, Manoa nomukadzi wake vakawira pasi nezviso zvavo. Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manoa nomukadzi wake, ipapo Manoa akaziva kuti akanga ari mutumwa waJehovha. Akati, “Tichafa zvirokwazvo! Taona Mwari!” Asi mukadzi wake akati, “Kana Jehovha anga achida kutiuraya, angadai asina kugamuchira chipiriso chinopiswa nechipiriso chezviyo kubva mumaoko edu, uye angadai asina kutiratidza zvinhu zvose izvi kana kutiudza izvi zvino.” Mukadzi akasununguka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Samusoni. Akakura uye Jehovha akamuropafadza, uye Mweya waJehovha wakatanga kumumutsa paakanga ari paMahane Dhani, pakati peZora neEshitaori.
Vatongi 13:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko avaFirisitia makore ana makumi mana. Zvino kwakanga kuno mumwe murume weZora, weimba yaDhani, wainzi Manoa; mukadzi wake wakanga asina mwanakomana, asingabereki. Mutumwa waJehovha akazviratidza kumukadzi uyu, akati kwaari, “Tarira zvino, iwe haubereki, hauno mwana; asi uchava nemimba, nokubereka mwanakomana. Naizvozvo zvino chichenjera hako kuti urege kunwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka; nokuti tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nokuti mwana uyu anofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Isiraeri pamaoko avaFirisitia.” Zvino mukadzi akandoudza murume wake, akati, “Munhu waMwari wakauya kwandiri, chiso chake chakanga chakafanana nechiso chomutumwa waMwari, chaityisa kwazvo; handina kumubvunza kuti unobvepi, uye iye haana kundiudza zita rake; asi wakati kwandiri, ‘Tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; zvino chirega kunwa waini, kana zvimwe zvinobata, usadya chinhu chisina kunaka, nokuti mwana uyu uchava muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake kusvikira pazuva rokufa kwake.’ ” Ipapo Manoa akakumbira kuna Jehovha, akati, “Jehovha, ndinokumbira kuti munhu waMwari wamakatuma, auyezve kwatiri, atidzidzise zvatinofanira kuitira mwana uchazozvarwa.” Jehovha akanzwa izwi raManoa; mutumwa waMwari akauyazve kumukadzi agere pamunda; asi Manoa, murume wake, wakanga asiko kwaari. Mukadzi akakurumidza, akamhanya, akandoudza murume wake, akati kwaari, “Tarira, murume uya wazviratidzazve kwandiri, iye wakadeya kuuya kwandiri musi uya.” Manoa akasimuka, akatevera mukadzi, wake akasvika kumurume, akati kwaari, “Ndiwe murume wakataura nomukadzi here?” Iye akati, “Ndini.” Manoa akati, “Zvino kana mashoko enyu achinge aitika, tsika dzomwana dzinofanira kuva dzipi, nebasa rake rinofanira kuva reiko?” Mutumwa waJehovha akati kuna Manoa, “Mukadzi ngaachenjere pamusoro pezvose zvandakamuudza. Haafaniri kudya chinhu chipi nechipi chinobva pamuti womuzambiringa; haafaniri kunwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka; ngaachengete zvose zvandakamuraira.” Manoa akati kumutumwa waJehovha, “Titenderei henyu tikunonosei, tikugadzirirei mbudzana.” Mutumwa waJehovha akati kuna Manoa, “Kunyange ukandinonosa, handingadyi chingwa chako; kana ukada kugadzira chipiriso chinopiswa, unofanira kuchipa Jehovha.” Nokuti Manoa wakanga asingazivi kuti mutumwa waJehovha. Manoa akati kumutumwa waJehovha, “Zita renyu ndianiko? Kuti tizive kukukudzai kana mashoko enyu achizoitika?” Mutumwa waJehovha akati kwaari, “Unondibvunzireiko zita rangu, zvarinoshamisa?” Ipapo Manoa akatora mbudzana pamwechete nechipiriso chezvokudya, akazvibayira Jehovha padombo; mutumwa akaita chinhu chinoshamisa, Manoa nomukadzi wake vakataririra. Nokuti murazvo womoto wakati uchikwira kudenga uchibva paatari, mutumwa waJehovha ndokukwira mumurazvo weatari, Manoa nomukadzi wake vakataririra; vakawira pasi nezviso zvavo. Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziva kuti mutumwa waJehovha. Zvino Manoa akati kumukadzi wake, “Tichafa zvirokwazvo, nokuti takaona Mwari.” Asi mukadzi wake wakati kwaari, “Dai Jehovha aida kutiuraya, ungadai asina kugamuchira chipiriso chinopiswa chezvokudya pamaoko edu; ungadai asina kutiratidza mashoko akadai panguva ino.” Zvino mukadzi akapona mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samusoni; mwana akakura, Jehovha akamuropafadza. Mweya waJehovha akatanga kumumutsa paMahanedhani, pakati peZora neEshitaori.
Vatongi 13:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri vakaita zvakare zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Tenzi akavaisa mumaoko avaFirisitia kwamakore makumi mana. Kwaiva nomumwewo murume ainzi Manoa wedzinza rokwaDhani aigara muguta reZora. Aiva momudzimai akanga asina mbereko, asina mwana. Mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari akati, “Chinzwa, iwe hauna mbereko, hauna mwana, asi uchazova napamuviri, ugobereka mwana mukomana. Naizvozvo uchenjerere kuti usanwe waini kana doro, uregewo kudya chinhu chakan'ora, nokuti uchava napamuviri, ugobereka mwana mukomana. Haafaniri kumbofa akaveurwa vhudzi rake, nokuti achava muNaziri waMwari kubvira pakuberekwa kwake. Achatanga kununura vaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.” Mudzimai uyu akaenda akandotaurira murume wake achiti, “Munhu waMwari auya kwandiri. Uso hwake hwakafana nouso hwomutumwa waMwari, hunotyisa kwazvo. Handina kumubvunza kuti anobvepi naiyewo haana kundiudza zita rake. Asi anditi, ‘Chinzwa, uchava napamuviri ugobereka mwana mukomana. Naizvozvo usanwe waini kana kunwa doro, uregewo kudya chinhu chakan'ora nokuti mukomana achava muNaziri waMwari kubvira pakuberekwa kwake kusvikira musi waanofa.’ ” Manoa akanamata kuna Tenzi achiti, “Tenzi wangu, ndinokumbira kuti munhu waMwari uya wamatuma auyezve kwatiri, atidzidzise marerero atinofanira kuita mukomana iyeyo achaberekwa.” Mwari akanzwa chichemo chaManoa. Mutumwa waMwari akasvikazve kumukadzi uyu agere zvake mumunda. Asi murume wake Manoa akanga asipo. Mudzimai uyu akamhanyira kundoudza murume wake achiti, “Imi we-e, munhu uya wokuuya kwandiri musi uya wazviratidzazve kwandiri.” Manoa akasimuka akatevera mudzimai wake. Paakasvika kumurume iyeyo akati, “Ndimi makambotaura nomudzimai uyu here?” Iye akati, “Ndini.” Manoa akati, “Zvino kana zvamakareva zvazoitika, mhiko yaanofanira kuchengeta nezvaanofanira kuita ndezvipiko?” Mutumwa waTenzi akati kuna Manoa, “Mudzimai iyeyu ngaangwarire kuita zvose zvandakamuudza. Ngaarege kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuti womuvhaini. Ngaarege kunwa waini kana doro, kana kudya chinhu chakan'ora. Mudzimai iyeyu, ngaaite zvose zvandakamuudza.” Manoa akati kumutumwa waTenzi, “Dai mamboti mirei zvishoma ndikubayirei kambudzana.” Mutumwa waTenzi akati kuna Manoa, “Kana mukandimisa zvenyu, zvokudya zvenyu handisikuzodya. Asi kana zviri zvomupiro wokupisa, upirei kuna Tenzi.” (Manoa haana kunge aziva kuti mutumwa waTenzi.) Manoa akabvunza mutumwa waTenzi achiti, “Ko zita renyu ndiani, kuti tigozokukudzai kana zvamakataura zvazoitika?” Mutumwa waTenzi akati kwaari, “Chaunobvunzira zita rangu chii, ko zvariri zitazve rinoshamisa zvisingatauriki?” Manoa akatora mbudzana nomupiro wembesanwa akazvipira paruware kuna Tenzi anoita zvishamiso. Manoa nomudzimai wake vachingunotarisa kudaro, murazvo womoto wepaatari wakakwira kudenga, mutumwa waTenzi ndokubva akwirawo nomurazvo womoto iwoyo. Vakabva vati pasi zvambarara. Mutumwa waTenzi haana kuzozviratidzazve kuna Manoa nomudzimai wake. Ndipo pakabva paziva Manoa kuti mutumwa waTenzi. Manoa akati kumudzimai wake, “Uku ndiko kufa chaiko kwatavakuita uku, pamusana pokuti taona Mwari.” Asi mudzimai wake akati kwaari, “Dai Tenzi anga achida kutiuraya, angadai asina kugamuchira mupiro wedu wokupisa newembesanwa wabva mumaoko edu, kana kutizivisa zvinhu zvose izvi zvaakatiudza.” Mudzimai wake akabereka mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Samusoni. Mukomana uyu akakura, Tenzi akamukomborera. Mweya waTenzi wakatangisa kushanda maari, iye ari kuMahanedhani pakati peZora neShitaori.
Vatongi 13:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova, Jehova akaʋaisa mumaʋoko aʋaFiristia makore anamakumi manna. Ɀino kwakaŋga kunomumŋe murume weZora, weimba yaDani, wainzi Manoa; mukadzi wake wakaŋga asinomŋanakomana, asiŋgaɓereki. Mutumŋa waJehova akaɀiratidza kumukadzi uyu, akati kwaari: Tarira ɀino, iwe hauɓereki, haunomŋana; asi ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana. Naiɀoɀo ɀino cicenjera hako kuti urege kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, kana kudya cinhu cisina‐kunaka; nokuti tarira, ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana; musoro wake haufaniri kuʋeʋurwa neciȿo, nokuti mŋana uyu unofanira kuʋa muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋake; iye ucataŋga kuponesa Israeri pamaʋoko aʋaFiristia. Ɀino mukadzi akandoʋudza murume wake, akati: Munhu waMŋari wakaʋuya kwandiri, ciso cake cakaŋga cakafanana neciso comutumŋa waMŋari, caityisa kwaɀo; handina‐kumubvunza kuti unobvepi, ʋuye iye haana‐kundiʋudza zita rake; asi wakati kwandiri: Tarira, ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana; ɀino cirega kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, usadya cinhu cisina‐kunaka, nokuti mŋana uyu ucaʋa muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋake kuȿikira pazuʋa rokufa kwake. Ipapo Manoa akakumbira kunaJehova, akati: Jehova, ndinokumbira kuti munhu waMŋari wamakatuma, aʋuye ɀe kwatiri, atidzidzise ɀatinofanira kuitira mŋana ucazoɀarwa. Jehova akanzwa inzwi raManoa; mutumŋa waMŋari akaʋuya ɀe kumukadzi agere pamunda; asi Manoa, murume wake, wakaŋga asi’ko kwaari. Mukadzi akakurumidza, akamhanya, akandoʋudza murume wake, akati kwaari: Tarira, murume uya waɀiratidza ɀe kwandiri, iye wakaɗeya kuʋuya kwandiri musi uya. Manoa akasimuka, akateʋera mukadz, wake akaȿika kumurume, akati kwaari: Ndiwe murume wakataura nomukadzi here? Iye akati: Ndini. Manoa akati: Ɀino kana mashoko enyu aciŋge aitika, tsika dzomŋana dzinofanira kuʋa dzipi, neɓasa rake rinofanira kuʋa reiko? Mutumŋa waJehova akati kunaManoa: Mukadzi ŋgaacenjere pamsoro peɀose ɀandakamuʋudza. Haafaniri kudya cinhu cipi necipi cinobva pamuti womuzambiriŋga; haafaniri kunwa waini, kana ɀimŋe ɀinoɓata, kana kudya cinhu cisina‐kunaka; ŋgaaceŋgete ɀose ɀandakamuraira. Manoa akati kumutumŋa waJehova: Titenderei henyu tikunonosei, tikugadzirirei mbudzana. Mutumŋa waJehova akati kunaManoa: Kunyaŋge ukandinonosa, handiŋgadyi ciŋgwa cako; kana ukaɗa kugadzira cipiriso cinopiswa, unofanira kucipa Jehova. Nokuti Manoa wakaŋga asiŋgaziʋi kuti mutumŋa waJehova. Manoa akati kumutumŋa waJehova: Zita renyu ndianiko? Kuti tiziʋe kukukudzai kana mashoko enyu acizoitika? Mutumŋa waJehova akati kwaari: Unondibvunzireiko zita raŋgu, ɀarinoshamisa? Ipapo Manoa akatora mbudzana pamŋe cete necipiriso ceɀokudya, akaɀiɓayira Jehova paɗombo; mutumŋa akaita cinhu cinoshamisa, Manoa nomukadzi wake ʋakataririra. Nokuti muraɀo womŋoto wakati ucikwira kuɗeŋga ucibva paartari, mutumŋa waJehova ndokukwira mumuraɀo weartari, Manoa nomukadzi wake ʋakataririra; ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo. Asi mutumŋa waJehova haana‐kuzoɀiratidza ɀe kunaManoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziʋa kuti mutumŋa waJehova. Ɀino Manoa akati kumukadzi wake: Ticafa ɀirokwaɀo, nokuti takaʋona Mŋari. Asi mukadzi wake wakati kwaari: Ƌai Jehova aiɗa kutiʋuraya, uŋgaɗai asina‐kugamucira cipiriso cinopiswa necipiriso ceɀokudya pamaʋoko eɗu; uŋgaɗai asina‐kutiratidza ɀinhu iɀi ɀose, kana kutiʋudza mashoko akaɗai paŋguʋa ino. Ɀino mukadzi akapona mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samsoni; mŋana akakura, Jehova akamuropafadza. Mŋeya waJehova akataŋga kumumutsa paMahane‐dani, pakati peZora neEshtaori.
Vatongi 13:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)