Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 11:1-40

Vatongi 11:1-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jefuta muGireadhi, akanga ari murwi ane simba. Baba vake vainzi Gireadhi; mai vake vakanga vari chifeve. Mukadzi waGireadhi akamuberekerawo vanakomana, uye vakati vakura, vakadzinga Jefuta. Vakati, “Iwe hauna nhaka ipi zvayo yauchawana mumhuri yedu, nokuti uri mwanakomana womumwe mukadzi.” Saka Jefuta akatiza kubva pavanunʼuna vake akandogara munyika yeTobhi, uko kwaakandounganirwa navarume vakaipa uye vakamutevera. Mushure menguva yakati kuti, vaAmoni vakarwa navaIsraeri, Vakuru veGireadhi vakaenda kundotora Jefuta kubva kunyika yeTobhi. Vakati, “Uya uzova mutungamiri wehondo, kuti tigorwa navaAmoni.” Jefuta akati kwavari, “Hamuna kundivenga here mukandidzinga mumba mababa vangu? Sei mava kuuya kwandiri zvino, imi mava munhamo?” Vakuru veGireadhi vakati kwaari, “Zvisinei hazvo, isu hedu tiri kudzokera kwamuri iye zvino; handei tose kundorwa navaAmoni, uye muchava mukuru wedu pamusoro pavose vagere muGireadhi.” Jefuta akapindura akati, “Ngatimboti madzokera neni kundorwa navaAmoni uye Jehovha akavapa kwandiri, ndichava mukuru wenyu zvechokwadi here?” Vakuru veGireadhi vakapindura vakati, “Jehovha ndiye chapupu chedu; zvirokwazvo tichaita sezvaunoreva.” Saka Jefuta akaenda navakuru veGireadhi, vanhu vakamuita mukuru wavo uye nomutungamiri wehondo. Uye akadzokorora mashoko ake ose pamberi paJehovha muMizipa. Ipapo Jefuta akatuma nhume kuna mambo wavaAmoni nomubvunzo wokuti, “Mhosva yamunayo nesu ndeyeiko zvamunorwisa nyika yedu?” Mambo wavaAmoni akapindura nhume dzaJefuta achiti, “VaIsraeri pavakabuda muIjipiti, vakatora nyika yangu kubva kuArinoni kusvikira kuJabhoki, kwose nokuJorodhani. Zvino idzosei norugare.” Jefuta akatumazve nhume kuna mambo wavaAmoni achiti, “Zvanzi naJefuta: Israeri haina kutora nyika yeMoabhu kana nyika yavaAmoni. Asi pavakabuda muIjipiti, Israeri yakaenda nomurenje kusvikira kuGungwa Dzvuku uye nokumusoro kuKadheshi. Ipapo Israeri yakatuma nhume kuna mambo weEdhomu, ichiti, ‘Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu,’ asi mambo weEdhomu akaramba kunzwa. Vakatumawo nhume kuna mambo weMoabhu, naiyewo akaramba. Saka vakagara paKadheshi. “Shure kwaizvozvo vakafamba nomurenje, vachitenderera nyika dzeEdhomu neMoabhu, vakandodzika musasa kuno rumwe rutivi rweArinoni. Havana kupinda munyika yeMoabhu, nokuti Arinoni waiva muganhu wayo. “Ipapo vaIsraeri vakatuma nhume kuna Sihoni mambo wavaAmori, akanga achitonga muHeshibhoni, akati kwaari, ‘Titendereiwo kupfuura nomunyika yenyu tichienda kunzvimbo yedu.’ Kunyange zvakadaro, Sihoni haana kuvimba navaIsraeri kuti vapfuure nomunyika yake. Akaunganidza vanhu vake vose vakandodzika musasa paJahazi uye vakarwa navaIsraeri. “Ipapo Jehovha, Mwari waIsraeri, akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsraeri, uye vakavakunda. Israeri yakatora nyika yose yavaAmori vaigara munyika iyo, vakaitapa yose kubva paArinoni kusvikira kuJabhoki uye kubva kurenje kusvikira kuJorodhani. “Zvino sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri akadzinga vaAmori pamberi pavanhu vake Israeri, iwe une kodzero ipi yokuti uitore? Ko, hautori here zvaunopiwa namwari wako Kemoshi? Naizvozvo zvose zvatinopiwa naJehovha Mwari wedu, ndizvo zvatichatora. Ko, iwe uri nani kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu here? Akambopopotedzana navaIsraeri kana kurwa navo here? Israeri yakagara muHeshibhoni, Aroeri, nemisha yakapoteredza uye namaguta ose akatarisana neArinoni. Wakaregereiko kuatora panguva iyoyo? Ini handina kukutadzira asi iwe ndiwe wava kundikanganisira nokuda kurwa neni. Jehovha, iye mutongi ngaatonge, ngaatonge gakava iri nhasi riri pakati pavaIsraeri navaAmoni.” Kunyange zvakadaro, mambo weAmoni, haana kuteerera nhume dzaJefuta dzaakatuma. Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta. Akayambuka Gireadhi neManase, akapfuura napaMizipa yeGireadhi, uye kubva ipapo akafamba akandorwa navaAmoni. Uye Jefuta akaita mhiko kuna Jehovha akati, “Kana mukaisa vaAmoni mumaoko angu, chose chichabuda napamukova weimba yangu kuzosangana neni pakudzoka kwangu ndakunda vaAmoni, chichava chaJehovha, uye ndichachibayira sechipiriso chinopiswa.” Ipapo Jefuta akabuda kundorwa navaAmoni, uye Jehovha akavapa mumaoko ake. Akaparadza maguta makumi maviri kubva kuAroeri kusvikira pedyo neMiniti, akandoguma kuAbheri Keramimi. Nokudaro Israeri yakakunda Amoni. Jefuta akati odzokera kumusha kwake kuMizipa, ndiani akazouya kuzomuchingamidza kunze kwomwanasikana wake, achitamba, matambureni achiridzwa! Ndiye akanga achingova mwana wake oga. Akanga asina mwanakomana kana mwanasikana kunze kwake iye oga. Akati achimuona akabvarura nguo dzake uye akachema achiti, “Haiwa mwanasikana wangu! Wandishungurudza nokuti ndaita mhiko kuna Jehovha yandisingagoni kuputsa.” Akapindura akati, “Baba vangu, mapa shoko renyu kuna Jehovha. Ndiitirei henyu sezvamakavimbisa, sezvo zvino Jehovha akatsivira vavengi venyu, ivo vaAmoni. Asi nditenderei henyu chikumbiro chimwe chete ichi. Ndipei henyu mwedzi miviri kuti ndiende kuzvikomo ndinochema pamwe chete neshamwari dzangu, nokuti handichazowanikwi.” Iye akati, “Ungaenda hako.” Uye akamutendera kuti aende kwemwedzi miviri. Iye navamwe vasikana vakaenda kuzvikomo vakandochema nokuti akanga asingazombowanikwi. Shure kwemwedzi miviri akadzoka kuna baba vake uye vakaita kwaari sezvavakanga vapika. Uye akanga ari mhandara. Ndipo pakabva tsika yavaIsraeri yokuti gore rimwe nerimwe, vanasikana veIsraeri vanobuda kwamazuva mana kundoita chirangaridzo chomwanasikana waJefuta muGireadhi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 11

Vatongi 11:1-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jefuta muGireadhi, wakanga ari munhu ane simba noumhare, asi wakanga ari mwanakomana wechifeve; Gireadhi ndiye wakabereka Jefuta. Mukadzi waGireadhi akamuberekera vanakomana; zvino vanakomana vomukadzi wake vakati vakura, vakadzinga Jefuta, vakati kwaari, “Haungadyi nhaka mumba mababa vedu, nokuti uri mwanakomana womumwe mukadzi.” Ipapo Jefuta akatiza vanunguna vake, akandogara panyika yeTobhi; varume vakaipa vakaunganira kuna Jefuta, vakasibuda naye kundorwa. Zvino nguva yakati yapfuura, vana vaAmoni vakandorwa navaIsiraeri, Zvino vana vaAmoni vakati vorwa navaIsiraeri, vakuru veGireadhi vakandotora Jefuta panyika yeTobhi. Vakati kuna Jefuta, “Uya, uve ishe wedu, kuti tindorwa navana vaAmoni.” Jefuta akati kuvakuru veGireadhi, “Hamuna kundivenga mukandidzinga mumba mababa vangu here? Zvino mauyireiko kwandiri, zvamava munjodzi?” Vakuru veGireadhi vakati kuna Jefuta, “Naizvozvo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa navana vaAmoni, iwe ugova mukuru wedu nowavose vagere Gireadhi.” Jefuta akati kuvakuru veGireadhi, “Kana muchindidzosa kuti ndirwe navana vaAmoni, kana Jehovha akavaisa mumaoko angu, ndichava mukuru wenyu here?” Vakuru veGireadhi vakati kuna Jefuta, “Jehovha ngaave chapupu pakati pedu; zvirokwazvo tichaita sezvawataura iwe.” Zvino Jefuta akaenda navakuru veGireadhi, vanhu vakamuita mukuru nashe wavo; Jefuta akataura mashoko ake ose pamberi paJehovha paMizipa. Zvino Jefuta akatuma nhume kuna mambo wavana vaAmoni, akati, “Mhosva yako ndeyeiko, zvawauya kuzorwa neni nenyika yangu?” Mambo wavana vaAmoni akapindura nhume dzaJefuta, akati, “Nokuti vaIsiraeri vakatora nyika yangu, nguva yavakabva Ijipiti, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki neJorodhani; saka zvino chidzosai nyika idzo norugare.” Ipapo Jefuta akatumazve nhume kuna mambo wavana vaAmoni, akati kwavaari, “Zvanzi naJefuta, ‘VaIsiraeri havana kutora nyika yaMoabhu, kana nyika yavana vaAmoni; asi panguva yakakwira vaIsiraeri vachibva Ijipiti, vakafamba murenje kusvikira paGungwa Dzvuku, vakasvika paKadheshi,’ vaIsiraeri vakatuma nhume kuna mambo waEdhomu, vachiti, ‘Nditenderei henyu kupfuura napanyika yenyu;’ asi mambo waEdhomu wakaramba kunzwa. Saizvozvo akatumawo nhume kuna mambo waMoabhu; asi iye wakaramba; zvino vaIsiraeri vakagara paKadheshi. Ipapo vakafamba nomurenje, vakapota nyika yaEdhomu nenyika yaMoabhu, vakaenda nokumabvazuva enyika yaMoabhu, vakadzika matende avo nechemhiri kwaArinoni; asi havana kudarika muganhu waMoabhu, nokuti Arinoni waiva muganhu waMoabhu. Ipapo vaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, mambo weHeshibhoni; vaIsiraeri vakati kwaari, ‘Titenderei henyu kupfuura napanyika yenyu, kusvikira panzvimbo yedu.’ Asi Sihoni haana kutenda vaIsiraeri kuti vadarike muganhu wake; Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akandodzika matende ake paJahazi, akarwa navaIsiraeri. Zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakavauraya; naizvozvo vaIsiraeri vakatora nyika yose yavaAmori, vakanga vagere munyika iyo, ikava yavo. Nyika yose yavaAmori ikava yavo, kubva paArinoni kusvikira paJabhoki, kubva kurenje, kusvikira paJorodhani. Saka zvino Jehovha Mwari wavaIsiraeri ndiye wakatorera vaAmori nyika yavo pamberi pavanhu vake vaIsiraeri, zvino imi moda kuvatorerazve here? Ko imi hamungatori izvo zvamunopiwa namwari wenyu Kemoshi here, nesuo titore nyika yavose vanodzingwa pamberi pedu naJehovha Mwari wedu? Ko zvino imi makanaka kupfuura Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu here? Iye wakatongopopotera vaIsiraeri, kana kurwa navo here? Nguva yakagara vaIsiraeri paHeshibhoni nemisha yaro, napaAroeri nemisha yaro, napamaguta ose ari parutivi rwaArinoni, makore ana mazana matatu, makaregereiko kuvatorera nyika iyo nenguva iyo? Naizvozvo ini handina kukutadzira, asi ndiwe unondiitira zvakaipa, uchida kurwa neni; Jehovha, iye Mutongi, ngaatonge nhasi pakati pavana vaIsiraeri navana vaAmoni.” Asi mambo wavana vaAmoni haana kuterera mashoko aJefuta, aakatuma kwaari. Zvino Mweya waJehovha wakauya pamusoro paJefuta, akapfuura kunyika yaGireadhi neyaManase, akapfuurawo napaMizipa paGireadhi, akabva paMizipa paGireadhi, akapfuura kuvana vaAmoni. Jefuta akapikira Jehovha mhiko, akati, “Kana mukaisa vana vaAmoni mumaoko angu, ipapo ani naani unobuda pamikova yeimba yangu kuzosongana neni, musi wandinodzoka norugare ndichibva kuvana vaAmoni, uchava waJehovha; ndichauya naye, chive chipiriso chinopiswa.” Ipapo Jefuta akapfuurira kuvana vaAmoni, akandorwa navo; Jehovha akavaisa mumaoko ake. Akavaparadza nokuparadza kukuru kwazvo, kubva paAroeri kusvikira paMiniti, maguta ana makumi maviri, nokusvikira paAbherikeramimi. Vana vaAmoni vakakundwa saizvozvo pamberi pavana vaIsiraeri. Jefuta akasvika paMizipa paimba yake, zvino tarira, mukunda wake akabuda kuzosangana naye namakandira, nokupembera. Iye wakanga ari mwana wake mumwe chete, wakanga asina mumwe mwana kunze kwake, kana mwanakomana, kana mwanasikana. Zvino wakati achimuona, akabvarura nguo dzake, akati, “Haiwa! Mukunda wangu! Iwe wandionesa nhamo kwazvo, iwe uri pakati pavanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo wangu kuna Jehovha, handingagoni kudzoka.” Iye akati, “Baba vangu, makashamisa muromo wenyu kuna Jehovha; ndiitirei henyu sezvamakataura, nokuti Jehovha wakakutsivirai kwazvo vavengi venyu, ivo vana vaAmoni.” Akati kuna baba vake, “Nditenderei henyu chinhu ichi: Nditenderei mwedzi miviri, ndiende, ndiburukire kumakomo, ndicheme umhandara hwangu, ini neshamwari dzangu.” Ivo vakati, “Chienda hako.” Akamutendera mwedzi miviri; akaenda, iye neshamwari dzake, akandochema umhandara hwake kumakomo. Zvino mwedzi miviri yakati yapera, akadzokera kuna baba vake, ivo vakamuitira sezvavakanga vapika; wakanga asina kuziva murume. Ikazova tsika pakati pavaIsiraeri, kuti vakunda vaIsiraeri vaende makore ose mazuva mana pagore kundochema mukunda waJefuta muGireadhi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 11

Vatongi 11:1-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino kwaiva naJefuta wokuGireadhi murume aiva mvumba chaiyo yokurwa, asi akanga ari mwana wepfambi, baba vake ari Gireadhi. Gireadhi akabereka vamwe vana vakomana nomudzimai wake. Vana ivavo pavakanga vakura vakadzinga Jefuta vachimuti, “Panhaka yababa vedu, iwe hapana chako nokuti uri mwana womumwewo mukadzi.” Jefuta akatiza vakoma navanun'una vake akandogara kunyika yeTobhu. Akabatana namamwe madzenga akati unga unga kwaari kufamba naye vachipamba vanhu. Kwati perei chinguva, Amoni akandorwisa vaIsiraeri. Amoni paakarwisa vaIsiraeri kudaro vatungamiriri vokuGireadhi vakandotora Jefuta kunyika yeTobhu. Vakati kuna Jefuta, “Uya uite mutungamiriri wedu tirwise vaAmoni.” Asi Jefuta akapindura vatungamiriri vokuGireadhi ava achiti, “Handiti imi makandivenga here, mukandidzinga mumusha mababa vangu? Nhasi mava mumatambudziko, mavakuuya kwandiri pamusana pei?” Vakuru vakuru veGireadhi vakamupindura vachiti, “He-ekaka ndokusaka tauya kwauri. Tati uende nesu kundorwisa vaAmoni somutungamiriri wavanhu vose vokuGireadhi.” Jefuta akapindurawo vakuru vakuru ava achiti, “Mukandidzorerazve kumusha kundorwisa vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko angu ndichava mutongi wenyu.” Vakuru vakuru vokuGireadhi vakati kuna Jefuta, “Tenzi ngaave chapupu pakati pedu, tichaita zvawataura.” Jefuta akaenda navakuru vakuru vokuGireadhi ava. Vanhu vakamuita mutongi nomutungamiriri wavo Jefuta akadzokerera kutaura mashoko ake aya pana Tenzi kuMizipa. Jefuta akatumira nhume kuna mambo wavaAmoni, achiti, “Chandakakutadzira chaicho chii kundivinga kudai kuzorwisa nyika yangu?” Mambo wevaAmoni akapindura nhume dzaJefuta dziya achiti, “Chikonzero ndechokuti vaIsiraeri pavaibva kuIjipiti, vakatora nyika yangu kubvira kuna Arinoni kusvikira kuna Jabhoku nokuna Jorodhani. Zvino idzore zvichakanaka.” Jefuta akatumira zvakare nhume kuna mambo wevaAmoni, akati kwaari, “Zvanzi naJefuta, vaIsiraeri havana kutora nyika yavaMoabhu kana yavaAmoni. Kwete. Asi vaIsiraeri pavakabva kuIjipiti, vakapfuura nokugungwa Dzvuku vakasvika kuKadheshi. Ipapo vaIsiraeri vakatumira nhume kuna mambo weEdhomu vachiti, ‘Tapota, tibvumireiwo kupfuura nomunyika yenyu.’ Asi mambo weEdhomu haana kana kuda kumbozvinzwa. Vakaitawo saizvozvo kuna mambo weMoabhu asi akaramba. Naizvozvo vaIsiraeri vakaita zvokutombogara zvavo kuKadheshi. Vakabva ipapo vakapfuura nomurenje vachiita zvokutopoterera nyika yeEdhomu neyeMoabhu vari nechokumabvazuva kweMoabhu, vakazodzika matendhe avo kumhiri kwaArinoni. Asi havana kupinda munyika yeMoabhu nokuti Arinoni ndorwaiva muganhu weMoabhu. “VaIsiraeri vakazotuma nhume kuna Sihoni mambo wevaAmori, mambo weHeshibhoni. VaIsiraeri vakati kwaari, ‘Tibvumureiwo kupfuura nomunyika yenyu tichienda zvedu kunyika yedu.’ Asi Sihoni haana kugutsikana nezvokuti vaIsiraeri vapfuure nomunyika yake. Naizvozvo Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, vakandodzika matendhe avo kuJahazi, vakarwisa vaIsiraeri. Tenzi, Mwari wavaIsiraeri akaisa Sihoni navanhu vake vose mumaoko avaIsiraeri vakabva vavakurira. Nokudaro vaIsiraeri vakatorera vaAmori vaigaramo nyika yavo yose. Vakatorera vaAmori nyika yavo yose kubvira muna Arinoni kusvikira muna Jabhoku, uye kubvira kugwenga kusvikira muna Jorodhani. “Naizvozvo Tenzi, Mwari wavaIsiraeri ndiye akatorera vaAmori nyika, achiipa vaIsiraeri. Zvino mavawo kuda kuvatorera here? Ko imimi, zvamunenge mapiwa namwari wenyu Kemoshi, hamutore here? Zvino nesuwo zvose zvatinenge tapiwa naTenzi, Mwari wedu, tinozvitora. Munokunda Bharaki mwanakomana waZipori mambo weMoabhu here? Ko iye akambokakavadzana navaIsiraeri here, kana kurwisana navo muhondo? VaIsiraeri vakagara muHeshibhoni nemisha yaro, nomuAroero nemisha yaro, nomumaguta ose ari munyasi merwizi rwaArinoni, kwamazana matatu amakore. Nguva yose iyoyi makaregereiko kuatorazve? Naizvozvo hapana chandakakutadzirai. Ndimi mava kutonditadzira nokuita hondo neni. Tenzi ndiye Mutongi, ndiye achaenzanisa nhasi uno mhosva iri pakati pavaIsiraeri navaAmoni.” Asi mambo wavaAmoni haana kuita hanya neshoko raakanga atumirwa naJefuta. Mweya waTenzi wakauya pana Jefuta, akapfuura nomuGireadhi nomaManase, ndokusvika kuMizipa muGireadhi. Akazovinga vaAmoni achibva kuMizipa kuGireadhi. Jefuta akapika mhiko kuna Tenzi achiti, “Kana mukaisa vaAmoni mumaoko angu chinenge changotanga kubuda chete mumba mangu chichiuya kuzochingurana neni, pandinenge ndodzoka kuvaAmoni ndavakurira, chichava chaTenzi uye ndichachiita chibayiro chomupiro wokupisa.” Saka Jefuta akayambukira kundorwisa vaAmoni, Tenzi akavaisa mumaoko ake. Akavakuya kubvira kuna Aroero kusvikira kunharaunda yokuMiniti zvichienda nokuAbherokeramimu akavauraya zvokuuraya zviya, mumaguta avo makumi maviri. VaAmoni vakabva vakurirwa navaIsiraeri. Jefuta paakadzokera kumusha kwake kuMizipa mwanasikana wake akabuda kumuchingura achiridza hosho achidzana. Ndiye aingova mwana wake mumwechete, akanga asina kana mumwe mwana, mukomana kana musikana. Achingomuona akabvarura hanzu dzake achiti, “Baba-iwe kani, mwanangu! Inga wandiparadza, wandipinza nhamo chaiyo nokuti ndakasimudza muromo kuita mhiko kuna Tenzi yandisingagoni kutyora.” Musikana uyu ndokuti, “Baba, kana makasimudza muromo wokupika mhiko kuna Tenzi, itai zvenyu kwandiri zvamakapika izvozvo nokuti Tenzi akakubatsirai kutsividza vavengi venyu vaAmoni.” Akakumbira baba wake kuti, “Asi chandinongokumbira ndechichi chokuti dai mukambondirega kwemwedzi miviri, ndimbofamba-famba zvangu mumakomo neshamwari dzangu, ndichichema kuti ndichafa ndiri mhandara kudai.” Baba vakati, “Enda zvako.” Vakamubvumidza kuenda kwemwedzi miviri. Iye neshamwari dzake vakaenda kumakomo kundochema kuti achafa ari mhandara. Kuzoti mwedzi miviri iya yapera akadzokera kuna baba vake, vakabva vazadzikisa paari mhiko yavakanga vapika. Musikana uyu akanga asati aziva murume. Yakabva yava tsika yechiIsiraeri, yokuti vasikana vechiIsiraeri vaienda gore negore kundochema vachirangarira mwanasikana waJefuta wokuGireadhi, kwamazuva mana pagore.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 11

Vatongi 11:1-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jefta muGireadi, wakaŋga ari munhu unesimba noʋumhare, asi wakaŋga ari mŋanakomana wecifeʋe; Gireadi ndiye wakaɓereka Jefta. Mukadzi waGireadi akamuɓerekera ʋanakomana; ɀino ʋanakomana ʋomukadzi wake ʋakati ʋakura, ʋakadziŋga Jefta, ʋakati kwaari: Hauŋgadyi nhaka mumba maɓaɓa ʋeɗu, nokuti uri mŋanakomana womumŋe mukadzi. Ipapo Jefta akatiza ʋanuŋuna ʋake, akandogara panyika yeTobi; ʋarume ʋakaipa ʋakaʋuŋganira kunaJefta, ʋakasiɓuɗa naye kundorwa. Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura, ʋana ʋaAmoni ʋakandorwa naʋaIsraeri. Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋorwa naʋaIsraeri, ʋakuru ʋeGireadi ʋakandotora Jefta panyika yeTobi. Ʋakati kunaJefta: Ʋuya, uʋe ishe weɗu, kuti tindorwa naʋana ʋaAmoni. Jefta akati kuʋakuru ʋeGireadi: Hamunakundiʋeŋga, mukandidziŋga mumba maɓaɓa ʋaŋgu here? Ɀino maʋuyireiko kwandiri, ɀamaʋa munjodzi? Ʋakuru ʋeGireadi ʋakati kunaJefta: Naiɀoɀo tadzokera kwauri, kuti uende nesu kundorwa naʋana ʋaAmoni, iwe ugoʋa mukuru weɗu nowaʋose ʋagere Gireadi. Jefta akati kuʋakuru ʋeGireadi: Kana mucindidzosa kuti ndirwe naʋana ʋaAmoni, kana Jehova akaʋaisa mumaʋoko aŋgu, ndicaʋa mukuru wenyu here? Ʋakuru ʋeGireadi ʋakati kuna Jefta: Jehova ŋgaaʋe capupu pakati peɗu; ɀirokwaɀo ticaita seɀawataura iwe. Ɀino Jefta akaenda naʋakuru ʋeGireadi, ʋanhu ʋakamuita mukuru nashe waʋo; Jefta akataura mashoko ake ose pamberi paJehova paMizpa. Ɀino Jefta akatuma nhume kunamambo waʋana ʋaAmoni, akati: Mhoȿa yako ndeyeiko, ɀawaʋuya kuzorwa neni nenyika yaŋgu? Mambo waʋana ʋaAmoni akapindura nhume dzaJefta, akati: Nokuti ʋaIsraeri ʋakatora nyika yaŋgu, ŋguʋa yaʋakabva Egipita, kubva paArnoni kusikira paJaboki neJoridani; saka ɀino cidzosai nyika idzo norugare. Ipapo Jefta akatuma ɀe nhume kunamambo waʋana ʋaAmoni, akati kwaari: Ɀanzi naJefta: ƲaIsraeri haʋana‐kutora nyika yaMoabi, kana nyika yaʋana ʋaAmoni; asi paŋguʋa yakakwira ʋaIsraeri ʋacibva Egipita, ʋakafamba murenje kuȿikira paGuŋgwa Dɀuku, ʋakaȿika paKadeshi, ʋaIsraeri ʋakatuma nhume kunamambo waEdomi, ʋaciti: Nditenderei henyu kupfuʋura napanyika yenyu; asi mambo waEdomi wakaramba kunzwa. Saiɀoɀo akatuma ʋo nhume kunamambo waMoabi; asi iye wakaramba; ɀino ʋaIsraeri ʋakagara paKadeshi. Ipapo ʋakafamba nomurenje, ʋakapota nyika yaEdomi, nenyika yaMoabi, ʋakaenda nokumabvazuʋa enyika yaMoabi, ʋakadzika matente aʋo necemhiri kwaArnoni; asi haʋana‐kuɗarika muganho waMoabi, nokuti Arnoni waiʋa muganho waMoabi. Ipapo ʋaIsraeri ʋakatuma nhume kunaSihoni, mambo waʋaAmori, mambo weHeshboni; ʋaIsraeri ʋakati kwaari: Titenderei henyu kupfuʋura napanyika yenyu, kuȿikira panɀimbo yeɗu. Asi Sihoni haana‐kutenda ʋaIsraeri kuti ʋaɗarike muganho wake; Sihoni akaʋuŋganidza ʋanhu ʋake ʋose, akandodzika matente ake paJahazi, akarwa naʋaIsraeri. Ɀino Jehova Mŋari waʋaIsraeri akaisa Sihoni naʋanhu ʋake ʋose mumaʋoko aʋaIsraeri ʋakaʋaʋuraya; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakatora nyika yose yaʋaAmori, ʋakaŋga ʋagere munyika iyo, ikaʋa yaʋo. Nyika yose yaʋaAmori ikaʋa yaʋo, kubva paArnoni kuȿikira paJaboki, kubva kurenje, kuȿikira paJoridani. Saka ɀino Jehova Mŋari waʋaIsraeri ndiye wakatorera ʋaAmori nyika yaʋo pamberi paʋanhu ʋake ʋaIsraeri, ɀino imi moɗa kuʋatorera ɀe here? Ko imi hamuŋgatori iɀo ɀamunopiwa namŋari wenyu Kemoshi here, nesu ʋo titore nyika yaʋose ʋanodziŋgwa pamberi peɗu naJehova Mŋari weɗu? Ko ɀino imi makanaka kupfuʋura Baraki mŋanakomana waZipori, mambo waMoabi here? Iye wakatoŋgopopotera ʋaIsraeri, kana kurwa naʋo here? Ŋguʋa yakagara ʋaIsraeri paHeshboni nemisha yaro, napaAroeri nemisha yaro, napamaguta ose ari parutiʋi rwaArnoni, makore anamazana matatu, makaregereiko kuʋatorera nyika iyo neŋguʋa iyo? Naiɀoɀo ini handinakukutadzira, asi ndiwe unondiitira ɀakaipa, uciɗa kurwa neni; Jehova, iye Mutoŋgi, ŋgaatoŋge nhasi pakati paʋana ʋaIsraeri naʋana ʋaAmoni. Asi mambo waʋana ʋaAmoni haana‐kuterera mashoko aJefta, aakatuma kwaari. Ɀino Mŋeya waJehova wakaʋuya pamsoro paJefta, akapfuʋura kunyika yaGireadi neyaManase, akapfuʋura ʋo napaMizpe paGireadi, akabva paMizpe paGireadi, akapfuʋura kuʋana ʋaAmoni. Jefta akapikira Jehova mhiko, akati: Kana mukaisa ʋana ʋaAmoni mumaʋoko aŋgu, ipapo aninani unoɓuɗa pamikoʋa yeimba yaŋgu kuzosoŋgana neni, musi wandinodzoka norugare ndicibva kuʋana ʋaAmoni, ucaʋa waJehova; ndicaʋuya naye, ciʋe cipiriso cinopiswa. Ipapo Jefta akapfuʋurira kuʋana ʋaAmoni, akandorwa naʋo; Jehova akaʋaisa mumaʋoko ake. Akaʋaparadza nokuparadza kukuru kwaɀo, kubva paAroeri kuȿikira paMiniti, maguta anamakumi maʋiri, nokuȿikira paAberi‐keramimi. Ʋana ʋaAmoni ʋakakundwa saiɀoɀo pamberi paʋana ʋaIsraeri. Jefta akaȿika paMizpa paimba yake, ɀino tarira, mukunda wake akaɓuɗa kuzosoŋgana naye namakandira, nokupembera. Iye wakaŋga ari mŋana wake mumŋe cete, wakaŋga asinomumŋe mŋana kunze kwake, kana mŋanakomana, kana mŋanasikana. Ɀino wakati acimuʋona, akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Haiwa! mukunda waŋgu! iwe wandiʋonesa nhamo kwaɀo, iwe uri pakati paʋanondiisa panjodzi; nokuti ndakashamisa muromo waŋgu kunaJehova, handiŋgagoni kudzoka. Iye akati: Ƃaɓa ʋaŋgu, makashamisa muromo wenyu kunaJehova; ndiitirei henyu seɀamakataura, nokuti Jehova wakakutsiʋirai kwaɀo ʋaʋeŋgi ʋenyu, iʋo ʋana ʋaAmoni. Akati kunaɓaɓa ʋake: Nditenderei henyu cinhu ici: Nditenderei mŋedzi miʋiri, ndiende, ndiɓurukire kumakomo, ndiceme ʋumhandara bgaŋgu, ini neshamŋari dzaŋgu. Iʋo ʋakati: Cienda hako. Akamutendera mŋedzi miʋiri; akaenda, iye neshamŋari dzake, akandocema ʋumhandara bgake kumakomo. Ɀino mŋedzi miʋiri yakati yapera, akadzokera kunaɓaɓa ʋake, iʋo ʋakamuitira seɀaʋakaŋga ʋapika; wakaŋga asina‐kuziʋa murume. Ikazoʋa tsika pakati paʋaIsraeri, kuti ʋakunda ʋaIsraeri ʋaende makore ose mazuʋa manna pagore kundocema mukunda waJefta muGireadi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 11

Vatongi 11:1-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)