Vatongi 10:1-5
Vatongi 10:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwenguva yaAbhimereki murume weIsraeri, Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, akasimuka kuti aponese Israeri. Akanga achigara muShamiri munyika yezvikomo yeEfuremu. Akatungamirira Israeri kwamakore makumi maviri namatatu, ipapo akafa, uye akavigwa muShamiri. Akazoteverwa naJairi muGireadhi, uyo akatungamirira Israeri kwamakore makore makumi maviri. Akanga ana vanakomana makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi matatu. Vaitonga maguta makumi matatu muGireadhi, ayo anodaidzwa nhasi kunzi Havhoti Jairi. Jairi paakafa, akavigwa muKamoni.
Vatongi 10:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaAbhimereki, Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, murume waIsakari, wakamuka akaponesa Isiraeri; iye waigara paShamiri panyika yamakomo yaEfuremu. Iye akatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri namatatu, akafa; akavigwa paShamiri. Shure kwake Jairi muGireadhi wakamuka, iye akatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri namaviri. Wakanga ana vanakomana vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi matatu, uye vakanga vana maguta ana makumi matatu, anonzi Havhori-jairi kusvikira nhasi, ari munyika yeGireadhi. Jairi akafa, akavigwa paKamoni.
Vatongi 10:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shure kwaAbhimereki kwakazomukawo mumwe wokununura Isiraeri ainzi Tora mwana waPuwa, mwanakomona waDhodho wedzinza rokwaIsakari. Aigara kuShamiri munyika yamakomo yokwaEfuraimu. Akatonga vaIsiraeri makumi maviri ana makore matatu, akazofa, akavigwa kuShamiri. Mushure maTora makazomuka Jairi wokuGireadhi, akatonga vaIsiraeri kwamakumi maviri amakore ana makore maviri. Akanga ane makumi matatu avana vakomana, vaitasva madhongi makumi matatu, vaine makumi matatu amaguta anonzi Havhotijairi nanhasi uno, ari munyika yeGireadhi. Jairi akazofa akavigwa kuKamoni.
Vatongi 10:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaAbimereki, Tora mŋanakomana waPua, mŋanakomana waDodo, murume waIsakari, wakamuka akaponesa Israeri; iye waigara paShamiri panyika yamakomo yaEfraimi. Iye akatoŋga ʋaIsraeri makore anamakumi maʋiri namatatu, akafa; akaʋigwa paShamiri. Shure kwake Jairi muGireadi wakamuka, iye akatoŋga ʋaIsraeri makore anamakumi maʋiri namaʋiri. Wakaŋga anaʋanakomana ʋanamakumi matatu, ʋaitaȿa ʋana ʋemboŋgoro ʋanamakumi matatu, ʋuye ʋakaŋga ʋanamaguta anamakumi matatu, anonzi Havori‐jairi kuȿikira nhasi, ari munyika yeGireadi. Jairi akafa, akaʋigwa paKamoni.
Vatongi 10:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)