Jakobho 5:14-16
Jakobho 5:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kuno mumwe wenyu anorwara here? Ngaadane vakuru vekereke kuti vazomunyengeterera uye vagomuzodza mafuta muzita raIshe. Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apore; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa. Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.
Jakobho 5:14-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kuno mumwe anorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita raIshe. Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa anorwara, Ishe achamumutsa; kana akaita zvivi achazviregererwa. Naizvozvo reururanai zvivi zvenyu, munyengetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu akarurama kune simba guru pakubata kwako.
Jakobho 5:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pane anorwara here pakati penyu. Ngaadaidze vakuru vakuru vesangano vazomunamatira vachimuzora mafuta muzita raTenzi. Munamato uyu wechitendero uchaponesa murwere. Tenzi achamumutsa uye kana akapara zvitadzo acharegererwa. Naizvozvo reururai zvitadzo zvenyu mumwe kunomumwe muchinamatirana kuti muporeswe. Munamato womunhu akarurama une simba pakushanda kwawo.
Jakobho 5:14-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunomumŋe unorwara pakati penyu here? Ŋgaaɗane ʋakuru ʋekereke; ŋgaʋamunyeŋgeterere, ʋamuzodze namafuta nezita raShe. Kunyeŋgetera kwokutenda kucaponesa unorwara, Ishe ucamumutsa; kana akaita ɀiʋi, ucaɀikaŋganwirwa. Naiɀoɀo reʋururanai ɀiʋi ɀenyu, munyeŋgetererane kuti muporeswe. Kukumbira kwomunhu wakarurama kunesimba guru pakuɓata kwako.
Jakobho 5:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)