Jakobho 5:13-15
Jakobho 5:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kuno mumwe wenyu anotambudzika here? Ngaanyengetere. Kuno mumwe anofara here? Ngaaimbe nziyo dzokurumbidza. Kuno mumwe wenyu anorwara here? Ngaadane vakuru vekereke kuti vazomunyengeterera uye vagomuzodza mafuta muzita raIshe. Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apore; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa.
Jakobho 5:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kunomumwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Kuno mumwe anofara here? Ngaaimbe nziyo. Kuno mumwe anorwara pakati penyu here? Ngaadane vakuru vekereke; ngavamunyengeterere, vamuzodze namafuta nezita raIshe. Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa anorwara, Ishe achamumutsa; kana akaita zvivi achazviregererwa.
Jakobho 5:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakati penyu pane ari kutambudzika here? Ngaanamate. Pane ari kufara here? Ngaaimbe nziyo dzokurumbidza. Pane anorwara here pakati penyu. Ngaadaidze vakuru vakuru vesangano vazomunamatira vachimuzora mafuta muzita raTenzi. Munamato uyu wechitendero uchaponesa murwere. Tenzi achamumutsa uye kana akapara zvitadzo acharegererwa.
Jakobho 5:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kunomumŋe unotambudzika pakati penyu here? Ŋgaanyeŋgetere. Kunomumŋe unofara here? Ŋgaaimbe nziyo. Kunomumŋe unorwara pakati penyu here? Ŋgaaɗane ʋakuru ʋekereke; ŋgaʋamunyeŋgeterere, ʋamuzodze namafuta nezita raShe. Kunyeŋgetera kwokutenda kucaponesa unorwara, Ishe ucamumutsa; kana akaita ɀiʋi, ucaɀikaŋganwirwa.
Jakobho 5:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)