Jakobho 5:1-6
Jakobho 5:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino inzwai, imi vapfumi, chemai muungudze nokuda kwenjodzi iri kuuya pamusoro penyu. Upfumi hwenyu hwaora, uye nguo dzenyu dzakadyiwa nezviundudzi. Goridhe renyu nesirivha zvava nengura. Ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa uye zvichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera upfumi mumazuva okupedzisira. Tarirai mibayiro yamakatadza kupa vashandi venyu vaicheka muminda yenyu iri kudanidzira pamusoro penyu. Kuchema kwavacheki kwasvika munzeve dzaIshe Wamasimba Ose. Makararama mumafaro panyika uye muchizvikudza. Makakodza mwoyo yenyu pazuva rokuzvibaya. Makatonga uye mukaponda vanhu vasina mhosva, vakanga vasingapikisani nemi.
Jakobho 5:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nhai, imi vapfumi, chemai muridze mhere nokuda kwamadambudziko achakuwirai. Pfuma yenyu yakaora, nguo dzenyu dzapera nezviundudzi. Ndarama yenyu nesirivha yenyu zvine ngura; ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa, ichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera pfuma pamazuva okupedzisira. Tarirai, mubayiro wavaranda venyu vakacheka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyengera, unodanidzira; nokudana kwavacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo. Makagara zvinonaka panyika muchikarira zvinofadza; makakodza mwoyo yenyu nezuva rokubaya. Makatongera wakarurama, mukamuuraya; haakudzivisiyi.
Jakobho 5:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino imi vapfumi chemai muridze mhere nokuda kwenhamo dzichakuwirai. Upfumi hwenyu huri kuora uye hanzu dzenyu dziri kudyiwa nezviundudzi. Ndarama yenyu neSirivha zviri kuita ngura. Ngura yazvo ndiyo ichakuwanisai mhosva. Ichakudyai nyama yenyu somoto. Makazviunganidzira upfumi kuitira mazuva okupedzisira. Chinzwai munzwe kuchema kuri kuita mibayiro yavashandi vaikohwa minda yenyu yamakachengeta zvokubiridzira, uye kuchema kwavakohwi kwakasvika munzeve dzaTenzi wehondo nehondo. Makagara panyika mumutambaratede nomumafaro. Makazvikodza nezvapamwoyo kuitira zuva rokubaiwa. Makapa mhosva mukauraya mururami asi haana kukudzivisai.
Jakobho 5:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nhai, imi ʋafumi, cemai muridze mhere nokuɗa kwamaɗambudziko acakuwirai. Fuma yenyu yakaʋora, ŋguʋo dzenyu dzapera neɀiʋundudzi. Ndarama yenyu nesirveri yenyu ɀineŋgura; ŋgura yaɀo icakupupurirai ɀakaipa, icapedza nyama yenyu somŋoto. Makaɀiceŋgetera fuma pamazuʋa okupedzisira. Tarirai, muɓairo waʋaranda ʋenyu ʋakaceka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyeŋgera, unoɗanidzira; nokuɗana kwaʋaceki kwakaȿika kunzeʋe dzaShe wehondo. Makagara ɀinonaka panyika mucikarira ɀinofadza; makakodza mŋoyo yenyu nezuʋa rokuɓaya. Makatoŋgera wakarurama, mukamuʋuraya; haakudziʋisiyi.
Jakobho 5:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)