Jakobho 5:1-11
Jakobho 5:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino inzwai, imi vapfumi, chemai muungudze nokuda kwenjodzi iri kuuya pamusoro penyu. Upfumi hwenyu hwaora, uye nguo dzenyu dzakadyiwa nezviundudzi. Goridhe renyu nesirivha zvava nengura. Ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa uye zvichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera upfumi mumazuva okupedzisira. Tarirai mibayiro yamakatadza kupa vashandi venyu vaicheka muminda yenyu iri kudanidzira pamusoro penyu. Kuchema kwavacheki kwasvika munzeve dzaIshe Wamasimba Ose. Makararama mumafaro panyika uye muchizvikudza. Makakodza mwoyo yenyu pazuva rokuzvibaya. Makatonga uye mukaponda vanhu vasina mhosva, vakanga vasingapikisani nemi. Zvino, hama dzangu, ivai nomwoyo murefu, kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai mamiriro anoita murimi kuti aone chibereko chinokosha chenyika uye kuti anoita mwoyo murefu sei pakumirira kwake mvura yomunakamwe nemvura yamasutso. Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo. Musanyunyutirana, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Mutongi amire pamusuo! Hama dzangu, somuenzaniso womwoyo murefu pakutambudzika, tarirai vaprofita vakataura muzita raShe. Sezvamunoziva, tinoti vakaropafadzwa avo vakatsungirira. Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvakaitwa naIshe pakupedzisira. Ishe azere netsitsi nengoni.
Jakobho 5:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nhai, imi vapfumi, chemai muridze mhere nokuda kwamadambudziko achakuwirai. Pfuma yenyu yakaora, nguo dzenyu dzapera nezviundudzi. Ndarama yenyu nesirivha yenyu zvine ngura; ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa, ichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera pfuma pamazuva okupedzisira. Tarirai, mubayiro wavaranda venyu vakacheka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyengera, unodanidzira; nokudana kwavacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo. Makagara zvinonaka panyika muchikarira zvinofadza; makakodza mwoyo yenyu nezuva rokubaya. Makatongera wakarurama, mukamuuraya; haakudzivisiyi. Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarirai, murimi anomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamusoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma. Nemiwo tsungirirai; simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwava pedyo. Hama dzangu, musanyunyutirana kuti murege kutongwa; tarirai, mutongi amire pamusuo. Hama dzangu mukutambudzika nokutsungirira teverai makwara avaporofita vakataura nezita raIshe. Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, akaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe anomwoyo munyoro kwazvo, ane tsitsi.
Jakobho 5:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino imi vapfumi chemai muridze mhere nokuda kwenhamo dzichakuwirai. Upfumi hwenyu huri kuora uye hanzu dzenyu dziri kudyiwa nezviundudzi. Ndarama yenyu neSirivha zviri kuita ngura. Ngura yazvo ndiyo ichakuwanisai mhosva. Ichakudyai nyama yenyu somoto. Makazviunganidzira upfumi kuitira mazuva okupedzisira. Chinzwai munzwe kuchema kuri kuita mibayiro yavashandi vaikohwa minda yenyu yamakachengeta zvokubiridzira, uye kuchema kwavakohwi kwakasvika munzeve dzaTenzi wehondo nehondo. Makagara panyika mumutambaratede nomumafaro. Makazvikodza nezvapamwoyo kuitira zuva rokubaiwa. Makapa mhosva mukauraya mururami asi haana kukudzivisai. Itai zvenyu mwoyo murefu hama dzangu kusvikira Tenzi auya. Tarisai muone murimi anorima michero inokosha yenyika. Anoita mwoyo murefu nazvo kusvikira yawana mvura yomunhuruka neyokupedzisira. Imiwo munofanira kuita mwoyo murefu; mutsunge mwoyo nokuti Tenzi ava pedyo nokuuya. Musanyunyutirane, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Hoyo mutongi wotosvika, ava pamisuo. Hama dzangu, torai; vaporofita vaitaura muzita raTenzi somuenzaniso wokutambudzika uye wokuita mwoyo murefu. Inga wani tinoti vakakomborerwa vakatirira. Inga makanzwa kutirira kwaJobhu mukaona chinangwa chaTenzi kuti Tenzi ane ngoni netsitsi zvakadii.
Jakobho 5:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nhai, imi ʋafumi, cemai muridze mhere nokuɗa kwamaɗambudziko acakuwirai. Fuma yenyu yakaʋora, ŋguʋo dzenyu dzapera neɀiʋundudzi. Ndarama yenyu nesirveri yenyu ɀineŋgura; ŋgura yaɀo icakupupurirai ɀakaipa, icapedza nyama yenyu somŋoto. Makaɀiceŋgetera fuma pamazuʋa okupedzisira. Tarirai, muɓairo waʋaranda ʋenyu ʋakaceka minda yenyu, wamakaramba nawo nokunyeŋgera, unoɗanidzira; nokuɗana kwaʋaceki kwakaȿika kunzeʋe dzaShe wehondo. Makagara ɀinonaka panyika mucikarira ɀinofadza; makakodza mŋoyo yenyu nezuʋa rokuɓaya. Makatoŋgera wakarurama, mukamuʋuraya; haakudziʋisiyi. Naiɀoɀo hama dzaŋgu, tsuŋgirirai kuȿikira pakuʋuya kwaShe. Tarirai, murimi unomirira ciɓereko cenyika cinokosha, acitsuŋgirira pamsoro paɀo kuȿikira ɀapiwa mvura yokutaŋga neyokuguma. Nemi ʋo tsuŋgirirai; simbisai mŋoyo yenyu, nokuti kuʋuya kwaShe kwaʋa pedyo. Hama dzaŋgu, musanyunyutirana kuti murege kutoŋgwa; tarirai, mutoŋgi umire pamukoʋa. Hama dzaŋgu, pakutambudzika nokutsuŋgirira teʋerai makwara aʋaprofita ʋakataura nezita raShe. Tarirai, ʋakatsuŋga mŋoyo tinoti ʋakaropafadzwa; makanzwa ɀokutsuŋgirira kwaJobo, makaʋona Ishe ɀaakaʋaʋarira naye, kuti Ishe unomŋoyo munyoro kwaɀo, unetsitsi.
Jakobho 5:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)