Jakobho 4:7-10
Jakobho 4:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri. Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri. Chemai, murire uye muungudze. Shandurai kuseka kwenyu kuve kuchema uye mufaro wenyu uve kusuwa. Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.
Jakobho 4:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo muzviise pasi paMwari; dzivisai Dhiabhori, agokutizai. Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi; natsai mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri. Shuwai mucheme, murire; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nokufara kwenyu dzive shungu. Muzvininipise pamberi paIshe, agokukudzai.
Jakobho 4:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo zviisei pasi paMwari. Rwisai Satani iye achakutizai. Swederai kuna Mwari iyewo achaswederawo kwamuri. Shambai maoko enyu imi vatadzi muchenese mwoyo yenyu, imi vanhu vemwoyo miviri. Suwai muungudze mucheme. Kuseka kwenyu ngakusanduke kuve kuungudza; kufara kwenyu kuve kusuruvara. Zvirerekei pamberi paTenzi iye achakukwidziridzai.
Jakobho 4:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo muɀiise pasi paMŋari: dziʋisai Diaborosi, agokutizai. Sweɗerai kunaMŋari, iye agosweɗera kwamuri. Shambai maʋoko enyu, imi ʋatadzi; natsai mŋoyo yenyu, imi munemŋoyo miʋiri. Shuwai, muceme, murire; kuseka kwenyu ŋgakushandurwe kuʋe kucema, nokufara kwenyu dziʋe shuŋgu. Muɀininipise pamberi paShe, agokukudzai.
Jakobho 4:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)