Jakobho 4:4-7
Jakobho 4:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari. Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here kuti mweya waakaita kuti ugare matiri unotishuva negodo guru? Asi anotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.” Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.
Jakobho 4:4-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, anoda kuva shamwari yenyika, anozviita muvengi waMwari. Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruchiti, “Mweya, waakagarisa mukati medu anotishuva negodo?” Asi anopa nyasha dzakapfuura. Saka Rugwaro runoti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.” Naizvozvo muzviise pasi paMwari; dzivisai Dhiabhori, agokutizai.
Jakobho 4:4-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu vasingatendeki! Hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kunoita kuti muvengane naMwari? Naizvozvo munhu anoda kuva shamwari yenyika anozviita mhandu yaMwari. Kana kuti munofunga here kuti Magwaro Matsvene anotaura pasina paanoti, “Mwari anorwadziwa mumwoyo neshanje pamusoro paMweya waakati agare matiri asi anopa nyasha dzakatowanda.” Ndosaka Magwaro Matsvene achiti, “Mwari anopikisana navanozvikudza achipa nyasha dzake kune vanozvininipisa.” Naizvozvo zviisei pasi paMwari. Rwisai Satani iye achakutizai.
Jakobho 4:4-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi ʋoʋutere, hamuziʋi here kuti ʋushamŋari bgenyika bgunoʋeŋgana naMŋari? Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe, unoɗa kuʋa shamŋari yenyika, unoɀiita muʋeŋgi waMŋari. Munofuŋga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruciti: Mŋeya, waakagarisa mukati meɗu unotishuʋa negoɗo? Asi unopa nyasha dzakapfuʋura. Saka Rugwaro runoti: Mŋari unodziʋisa ʋanoɀikudza, asi unopa nyasha ʋanoɀininipisa. Naiɀoɀo muɀiise pasi paMŋari: dziʋisai Diaborosi, agokutizai.
Jakobho 4:4-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)