Jakobho 4:2-3
Jakobho 4:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari. Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu.
Jakobho 4:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munochiva, asi hamuna chinhu; munouraya, munogodorana, musingagoni kuwana chinhu; munokakavara, muchirwa; hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri. Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu.
Jakobho 4:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munoda chinhu motadza kuchiwana nezvo munobva monouraya. Munochiva chinhu asi motadza kuchiwana nezvo morwa zvokuita hondo. Hamuwani chinhu nokuti hamukumbiri. Kana mukakumbira hamuwane nokuti hamukumbiri nenzira kwayo muchitoda zvenyu kuzvipedzera muhavi dzenyu.
Jakobho 4:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munociʋa, asi hamunecinhu; munoʋuraya, munogoɗorana, musiŋgagoni kuwana cinhu; munokakaʋara, mucirwa; hamunecinhu, nokuti hamukumbiri. Munokumbira, musiŋgapiwi; nokuti munokumbira ɀakaipa, kuti muɀiparadze pakuciʋa kwenyu.
Jakobho 4:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)