Jakobho 4:13-16
Jakobho 4:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino teererai, imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri kana iro, tinopedza gore tiriko, tichiita basa uye tichiwana mari.” Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika. Asi, munofanira kuti, “Kana Ishe achida, tichararama tigoita ichi nechocho.” Asi zvino munozvikudza uye mune manyawi. Kuzvikudza kwakadaro kwakaipa.
Jakobho 4:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nhai imi, munoti “Nhasi, kana mangwana tichaenda kuguta rokuti, tigogarako gore, tichishambadzira, tifume imi musingazivi zvamangwana. Upenyu hwenyu chinyiko? Nokuti muri mhute, inoonekwa nguva duku, ndokunyangarika.” Mungadai muchiti, “Kana Ishe achida, tichararama tiite zvokuti nezvokuti.” Asi zvino munozvirumbidza pakuzvikudza kwenyu; kuzvirumbidza kwose kwakadai kwakaipa.
Jakobho 4:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko zvino imi munoti, “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta rakati tondopedza gore tiriko tigoshava tiwane upfumi” asi zvamangwana musingambozviziva? Upenyu hwenyu chii? Nokuti muri mhute inongooneka kwechinguva yobva yanyangarika. Zvamunotofanira kutaura ndezvokuti: “Kana Tenzi achida tichararama uye tichaita ichi nechocho.” Asi sezvazviri munotozvitutumadza mukuzvikudza kwenyu. Kuzvitutumadza kose kwakadaro kwakashata.
Jakobho 4:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nhai imi, munoti: Nhasi, kana maŋgwana ticaenda kuguta rokuti, tigogara’ko gore, ticishambadzira, tifume — imi musiŋgaziʋi ɀamaŋgwana. Ʋupenyu bgenyu cinyiko? Nokuti muri mhute, inoʋonekwa ŋguʋa ɗuku, ndokunyaŋgarika. Muŋgaɗai muciti: Kana Ishe aciɗa, ticararama tiite ɀokuti neɀokuti. Asi ɀino munoɀirumbidza pakuɀikudza kwenyu; kuɀirumbidza kwose kwakaɗai kwakaipa.
Jakobho 4:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)