Jakobho 4:1-4
Jakobho 4:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kurwa nokukakavara pakati penyu kunobvepiko? Hakubvi pakuchiva kwenyu kunorwa mukati menyu here? Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari. Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu. Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari.
Jakobho 4:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kurwa nokukakavara pakati penyu zvinobvepiko? Hazvibvi pakuchiva kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here? Munochiva, asi hamuna chinhu; munouraya, munogodorana, musingagoni kuwana chinhu; munokakavara, muchirwa; hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri. Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu. Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, anoda kuva shamwari yenyika, anozviita muvengi waMwari.
Jakobho 4:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chii chinokonzera hondo uye chii chinokonzera kurwisana pakati penyu? Hadzisi havi dzenyu here dzinokonzera kurwisana mukati memitezo yenyu? Munoda chinhu motadza kuchiwana nezvo munobva monouraya. Munochiva chinhu asi motadza kuchiwana nezvo morwa zvokuita hondo. Hamuwani chinhu nokuti hamukumbiri. Kana mukakumbira hamuwane nokuti hamukumbiri nenzira kwayo muchitoda zvenyu kuzvipedzera muhavi dzenyu. Vanhu vasingatendeki! Hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kunoita kuti muvengane naMwari? Naizvozvo munhu anoda kuva shamwari yenyika anozviita mhandu yaMwari.
Jakobho 4:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kurwa nokukakaʋara pakati penyu ɀinobvepiko? Haɀibvi pakuciʋa kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here? Munociʋa, asi hamunecinhu; munoʋuraya, munogoɗorana, musiŋgagoni kuwana cinhu; munokakaʋara, mucirwa; hamunecinhu, nokuti hamukumbiri. Munokumbira, musiŋgapiwi; nokuti munokumbira ɀakaipa, kuti muɀiparadze pakuciʋa kwenyu. Imi ʋoʋutere, hamuziʋi here kuti ʋushamŋari bgenyika bgunoʋeŋgana naMŋari? Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe, unoɗa kuʋa shamŋari yenyika, unoɀiita muʋeŋgi waMŋari.
Jakobho 4:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)