Jakobho 4:1-10
Jakobho 4:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kurwa nokukakavara pakati penyu kunobvepiko? Hakubvi pakuchiva kwenyu kunorwa mukati menyu here? Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari. Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu. Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari. Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here kuti mweya waakaita kuti ugare matiri unotishuva negodo guru? Asi anotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.” Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri. Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri. Chemai, murire uye muungudze. Shandurai kuseka kwenyu kuve kuchema uye mufaro wenyu uve kusuwa. Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.
Jakobho 4:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kurwa nokukakavara pakati penyu zvinobvepiko? Hazvibvi pakuchiva kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here? Munochiva, asi hamuna chinhu; munouraya, munogodorana, musingagoni kuwana chinhu; munokakavara, muchirwa; hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri. Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu. Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, anoda kuva shamwari yenyika, anozviita muvengi waMwari. Munofunga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruchiti, “Mweya, waakagarisa mukati medu anotishuva negodo?” Asi anopa nyasha dzakapfuura. Saka Rugwaro runoti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha vanozvininipisa.” Naizvozvo muzviise pasi paMwari; dzivisai Dhiabhori, agokutizai. Swederai kuna Mwari, iye agoswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi; natsai mwoyo yenyu, imi mune mwoyo miviri. Shuwai mucheme, murire; kuseka kwenyu ngakushandurwe kuve kuchema, nokufara kwenyu dzive shungu. Muzvininipise pamberi paIshe, agokukudzai.
Jakobho 4:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chii chinokonzera hondo uye chii chinokonzera kurwisana pakati penyu? Hadzisi havi dzenyu here dzinokonzera kurwisana mukati memitezo yenyu? Munoda chinhu motadza kuchiwana nezvo munobva monouraya. Munochiva chinhu asi motadza kuchiwana nezvo morwa zvokuita hondo. Hamuwani chinhu nokuti hamukumbiri. Kana mukakumbira hamuwane nokuti hamukumbiri nenzira kwayo muchitoda zvenyu kuzvipedzera muhavi dzenyu. Vanhu vasingatendeki! Hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kunoita kuti muvengane naMwari? Naizvozvo munhu anoda kuva shamwari yenyika anozviita mhandu yaMwari. Kana kuti munofunga here kuti Magwaro Matsvene anotaura pasina paanoti, “Mwari anorwadziwa mumwoyo neshanje pamusoro paMweya waakati agare matiri asi anopa nyasha dzakatowanda.” Ndosaka Magwaro Matsvene achiti, “Mwari anopikisana navanozvikudza achipa nyasha dzake kune vanozvininipisa.” Naizvozvo zviisei pasi paMwari. Rwisai Satani iye achakutizai. Swederai kuna Mwari iyewo achaswederawo kwamuri. Shambai maoko enyu imi vatadzi muchenese mwoyo yenyu, imi vanhu vemwoyo miviri. Suwai muungudze mucheme. Kuseka kwenyu ngakusanduke kuve kuungudza; kufara kwenyu kuve kusuruvara. Zvirerekei pamberi paTenzi iye achakukwidziridzai.
Jakobho 4:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kurwa nokukakaʋara pakati penyu ɀinobvepiko? Haɀibvi pakuciʋa kwenyu, kunorwa pamitezo yenyu here? Munociʋa, asi hamunecinhu; munoʋuraya, munogoɗorana, musiŋgagoni kuwana cinhu; munokakaʋara, mucirwa; hamunecinhu, nokuti hamukumbiri. Munokumbira, musiŋgapiwi; nokuti munokumbira ɀakaipa, kuti muɀiparadze pakuciʋa kwenyu. Imi ʋoʋutere, hamuziʋi here kuti ʋushamŋari bgenyika bgunoʋeŋgana naMŋari? Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe, unoɗa kuʋa shamŋari yenyika, unoɀiita muʋeŋgi waMŋari. Munofuŋga kuti Rugwaro runotaura pasina here, ruciti: Mŋeya, waakagarisa mukati meɗu unotishuʋa negoɗo? Asi unopa nyasha dzakapfuʋura. Saka Rugwaro runoti: Mŋari unodziʋisa ʋanoɀikudza, asi unopa nyasha ʋanoɀininipisa. Naiɀoɀo muɀiise pasi paMŋari: dziʋisai Diaborosi, agokutizai. Sweɗerai kunaMŋari, iye agosweɗera kwamuri. Shambai maʋoko enyu, imi ʋatadzi; natsai mŋoyo yenyu, imi munemŋoyo miʋiri. Shuwai, muceme, murire; kuseka kwenyu ŋgakushandurwe kuʋe kucema, nokufara kwenyu dziʋe shuŋgu. Muɀininipise pamberi paShe, agokukudzai.
Jakobho 4:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)