Jakobho 3:1-2
Jakobho 3:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vazhinji venyu havafaniri kuva vadzidzisi, hama dzangu, nokuti munoziva kuti isu tinodzidzisa tichatongwa zvikuru. Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose.

Jakobho 3:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hama dzangu, musava vadzidzisi vazhinji, zvamunoziva kuti tichatongwa nokupfuurisa. Nokuti tinogumburwa tose muzvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi mukutaura, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wosewo.
Jakobho 3:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hama dzangu, vazhinji venyu ngavarege kuva vadzidzisi nokuti munoziva kuti isu tinodzidzisa tichatongwa zvakatonyanya kuomarara. Nokuti tose tinokanganisa kakawanda. Kana munhu asinganganisi mune zvaanotaura, munhu iyeyo, munhu akakwana anogona kuita kuti muviri wake wose umuteerere.
Jakobho 3:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hama dzaŋgu, musaʋa ʋadzidzisi ʋazhinji, ɀamunoziʋa kuti ticatoŋgwa nokupfuʋurisa. Nokuti tinogumburwa tose paɀinhu ɀizhinji. Kana munhu asiŋgagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muʋiri wose ʋo.
Jakobho 3:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)