Jakobho 2:5-6
Jakobho 2:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko, Mwari haana kusarudza varombo venyika ino kuti vave vapfumi mukutenda uye kuti vagare nhaka youmambo hwaakavimbisa avo vanomuda here? Asi imi makazvidza varombo. Ko, havasi vapfumi vanokubirai here? Havazi ivo vanokuendesai kumatare edzimhosva here?
Jakobho 2:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Inzwai, hama dzangu dzinodikanwa: Ko Mwari haana kutsanangura varombo venyika here kuti vave vapfumi pakutenda, navadyi venhaka youshe hwaakapikira vanomuda? Asi imi makazvidza murombo. Ko havazi vapfumi vanokuremedzai, naivo vanokukwirirai kuzvigaro zvokutonga here?
Jakobho 2:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Teererai, hama dzangu dzadiwa. Mwari haana kusarudza here varombo panyika kuti vave vapfumi muchitendero uye vagari venhaka youmambo hwaakatsidzira vanomuda. Asi imi munoshora murombo. Vapfumi havasirivo here vanokudzvanyirirai uye havasirivo vanokukwekweretserai kumatare here?
Jakobho 2:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Inzwai, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa: Ko Mŋari haana‐kusanaŋgura ʋarombo ʋenyika here kuti ʋaʋe ʋafumi pakutenda, naʋadyi ʋenhaka yoʋushe bgaakapikira ʋanomuɗa? Asi imi makaɀidza murombo. Ko haʋazi ʋafumi ʋanokuremedzai, naiʋo ʋanokukwirirai kuɀigaro ɀokutoŋga here?
Jakobho 2:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)