Jakobho 2:2-3
Jakobho 2:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo, kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka muchiti, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana kuti “Gara pasi, patsoka dzangu,”
Jakobho 2:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu ane mhete yendarama, akapfeka nguo dzakanaka, mukapindawo murombo, akapfeka nguo dzakaipa; mukatarira uyo akapfeka nguo dzakanaka, mukati, “Gara pano pakanaka;” mukati kumurombo, “Mira papo, kana, gara pasi, pechitsiko chetsoka dzangu;”
Jakobho 2:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngatitii munhu ane mhete dzendarama, akapfeka hanzu dzakanakisisa anouya pasangano penyu. Munhu murombo akapfeka marengenya ouyawo imi motarira uya akapfeka hanzu dzakanakisisa moti kwaari, “Uya ugare napapa,” asi muchiti kumurombo, “Mira uko” kana kuti, “Uya ugare pasi pedyo nechitambarariko chetsoka dzangu.”
Jakobho 2:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kana musinagoge renyu mukapinda munhu unemhete yendarama, akapfeka ŋguʋo dzakanaka, mukapinda ʋo murombo, wakapfeka ŋguʋo dzakaipa; mukatarira uyo wakapfeka ŋguʋo dzakanaka, mukati: Gara pano pakanaka; mukati kumurombo: Mira papo, kana: Gara pasi pecitsiko cetsoka dzaŋgu
Jakobho 2:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)