Jakobho 2:16-17 - Compare All Versions
Jakobho 2:16-17 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo? Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa.
Jakobho 2:16-17 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
mumwe wenyu akati kwavari, “Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute,” musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei? Saizvozvowo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako.
Jakobho 2:16-17 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
mumŋe wenyu akati kwaʋari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musiŋgaʋapi iɀo ɀinoɗikanwa nomuʋiri, ɀinogoɓatsirei? Saiɀoɀo, ʋo, nokutenda kana kusinamaɓasa, kwakafa hako.
Jakobho 2:16-17 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
mumwe wenyu oti kwavari, “Endai zvenyu norugare mudziirirwe uye mugute” asingavape zvinodikanwa nomuviri zvinobatsirei. Nokudaro chitendero pachacho chisina mabasa chakafa.
Jakobho 2:16-17 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
mumwe wenyu oti kwavari, “Endai zvenyu norugare mudziirirwe uye mugute” asingavape zvinodikanwa nomuviri zvinobatsirei. Nokudaro chitendero pachacho chisina mabasa chakafa.