Jakobho 2:14-16
Jakobho 2:14-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here? Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe, uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo?
Jakobho 2:14-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti, ndinokutenda, asi asina mabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here? Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, anoshayiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe, mumwe wenyu akati kwavari, “Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute,” musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei?
Jakobho 2:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvinobatsireiko nhai hama dzangu, kana munhu achiti ane chitendero asi iye asina mabasa? Chitendero chingamuponese here? Ngatitii hamarume kana hamakadzi haina chokupfeka isina chokudya chamazuva ose, mumwe wenyu oti kwavari, “Endai zvenyu norugare mudziirirwe uye mugute” asingavape zvinodikanwa nomuviri zvinobatsirei.
Jakobho 2:14-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀinoɓatsirei hama dzaŋgu, kana munhu aciti: Ndinokutenda, asi asinamaɓasa? Ko kutenda uko kuŋgamuponesa here? Kana kunehama, murume kana mukadzi, asina‐ɀokufuka, unoshaiwa ɀokudya zuʋa rimŋe nerimŋe, mumŋe wenyu akati kwaʋari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musiŋgaʋapi iɀo ɀinoɗikanwa nomuʋiri, ɀinogoɓatsirei?
Jakobho 2:14-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)