Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 2:14-15 - Compare All Versions

Jakobho 2:14-15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here? Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe

Pakurirana nevamwe
Jakobho 2 BDSC

Jakobho 2:14-15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti, ndinokutenda, asi asina mabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here? Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, anoshayiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe

Pakurirana nevamwe
Jakobho 2 SNA2002

Jakobho 2:14-15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀinoɓatsirei hama dzaŋgu, kana munhu aciti: Ndinokutenda, asi asinamaɓasa? Ko kutenda uko kuŋgamuponesa here? Kana kunehama, murume kana mukadzi, asina‐ɀokufuka, unoshaiwa ɀokudya zuʋa rimŋe nerimŋe

Pakurirana nevamwe
Jakobho 2 SUB1949

Jakobho 2:14-15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Zvinobatsireiko nhai hama dzangu, kana munhu achiti ane chitendero asi iye asina mabasa? Chitendero chingamuponese here? Ngatitii hamarume kana hamakadzi haina chokupfeka isina chokudya chamazuva ose

Pakurirana nevamwe
Jakobho 2 SCLB

Jakobho 2:14-15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Zvinobatsireiko nhai hama dzangu, kana munhu achiti ane chitendero asi iye asina mabasa? Chitendero chingamuponese here? Ngatitii hamarume kana hamakadzi haina chokupfeka isina chokudya chamazuva ose

Pakurirana nevamwe
Jakobho 2 SCLBD