Jakobho 1:9-16
Jakobho 1:9-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hama iri panzvimbo yokuninipiswa ngaifare muchinzvimbo chayo chokukudzwa. Asi mupfumi anofanira kufara muchinzvimbo chokuderedzwa kwake, nokuti achapfuura seruva romusango. Nokuti zuva rinobuda nokupisa kwakanyanya rigoomesa uswa; ruva rahwo rinodonha uye kunaka kwaro kwoparadzwa. Nenzira imwe cheteyo, mupfumi achasvava kunyange achiri kuita basa rake. Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda. Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu; asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa. Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu. Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
Jakobho 1:9-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi hama iri muduku zvayo ngaafare nokukudzwa kwake; nomupfumi nokuninipiswa kwake, nokuti achapfuura seruva rouswa. Nokuti zuva rinobuda pamwechete nemhepo inopisa, ndokuomesa uswa; ruva rahwo rinowira pasi, nokunaka kwahwo kwakanga kwaonekwa kunopera; saizvozvowo mupfumi achasvava panzira dzake. Akaropafadzwa munhu uyo anotsunga mwoyo pakuedzwa; nokuti kana atendwa, achapiwa korona yohupenyu yakapikirwa avo vanomuda. Kana munhu achiedzwa, ngaarege kuti ndinoedzwa naMwari; nokuti Mwari haangaedzwi nezvakaipa, naiye amene haangaedzi munhu. Asi munhu mumwe nomumwe anoedzwa kana achikwewa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu. Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa.
Jakobho 1:9-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana hama mutendi, munhuwo zvake, akasimudzirwa pamusoro ngaafare ndizvozvowo nomupfumi kana akaninipiswa nokuti achapfuurawo seruva romusango. Sezvinongoita zuva kubuda nokupisa kwaro richiunisa uswa, neruva rahwo richikuhumuka norunako rwaro rwuchiparara ndozvichaita mupfumi kuparara mukati mebasa rake. Akakombererwa zvake munhu anotirira chiedzo nokuti kana achinge akunda chiedzo anowana ngundu youpenyu yakatsidzirwa naMwari kuna vanomuda. Ngaparege kuva nomunhu anoti kana aedzwa oti, “Mwari akandipinza muchiedzo” nokuti Mwari haagoni kuedzwa nouipi. Iyewo pachake haapinze munhu muchiedzo. Asi munhu wose anoedzwa kana achitorwa mwoyo nokufurirwa noruchiva rwake. Kana ruchiva rwabata runobereka chitadzo. Kana chitadzo chadzika midzi chinounza rufu. Musanyengedzwe, hama dzangu dzadiwa.
Jakobho 1:9-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi hama iri muɗuku ŋgaafare nokukudzwa kwake; nomufumi nokuninipiswa kwake, nokuti ucapfuʋura seruʋa roʋuswa. Nokuti zuʋa rinoɓuɗa pamŋe cete nemhepo inopisa, ndokuwomesa ʋuswa; ruʋa rabgo rinowira pasi, nokunaka kwabgo kwakanga kwaʋonekwa kunopera; saiɀoɀo ʋo mufumi ucaȿaʋa panzira dzake. Wakaropafadzwa munhu uyo unotsuŋga mŋoyo pakuidzwa; nokuti kana atendwa, ucapiwa korona yoʋupenyu yakapikirwa aʋo ʋanomuɗa. Kana munhu aciidzwa, ŋgaarege kuti ndinoidzwa naMŋari; nokuti Mŋari haaŋgaidzwi neɀakaipa, naiye amene haaŋgaidzi munhu. Asi munhu mumŋe nomumŋe unoidzwa kana acikwebga nokuciʋa kwake acinyeŋgerwa. Ɀino kuciʋa, kana kwarema, kunoɀara ɀiʋi; neɀiʋi, kana ɀakura, ɀinoɓereka rufu. Musanyeŋgerwa, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa.
Jakobho 1:9-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)