Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobho 1:5-6 - Compare All Versions

Jakobho 1:5-6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake. Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo.

Pakurirana nevamwe
Jakobho 1 BDSC

Jakobho 1:5-6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino kana mumwe wenyu achishayiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, anongopa vose asingazotuki; achapiwa hake. Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu anonyunyuta akaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswamutswa.

Pakurirana nevamwe
Jakobho 1 SNA2002

Jakobho 1:5-6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Kana pane asina ungwaru ngaakumbire kuna Mwari, mupanegombe kuvanhu vose, anopa asingakonoreri; huchapiwa kwaari. Asi ngaakumbire nechitendero asingakahadziki, nokuti munhu anokahadzika akafanana namasaisai egungwa anopeperetswa achiitwa suku nasai nemhepo.

Pakurirana nevamwe
Jakobho 1 SCLBD

Jakobho 1:5-6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino kana mumŋe wenyu acishaiwa kucenjera ŋgaakumbire kunaMŋari, unoŋgopa ʋose asiŋgazotuki; ucapiwa hake. Asi ŋgaakumbire nokutenda, asiŋganyunyuti napaɗuku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefuŋgu reguŋgwa rinosundwa nemhepo ricimutswa‐mutswa.

Pakurirana nevamwe
Jakobho 1 SUB1949

Jakobho 1:5-6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kana pane asina ungwaru ngaakumbire kuna Mwari, mupanegombe kuvanhu vose, anopa asingakonoreri; huchapiwa kwaari. Asi ngaakumbire nechitendero asingakahadziki, nokuti munhu anokahadzika akafanana namasaisai egungwa anopeperetswa achiitwa suku nasai nemhepo.

Pakurirana nevamwe
Jakobho 1 SCLB