Jakobho 1:21-22
Jakobho 1:21-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, bvisai tsvina yose uye nokuipa kwakawanda, mugogamuchira nokuzvininipisa, shoko rakasimwa mamuri, rinogona kukuponesai. Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.
Jakobho 1:21-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka bvisai tsvina yose nokuipa kwakawanda, mugamuchire nomwoyo munyoro shoko rakasimwa mukati menyu, rinogona kuponesa mweya yenyu. Asi ivai vaiti veshoko, musava vanzwi voga, muchizvinyengera.
Jakobho 1:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo bvisai zvetsvina zvose nezvakawandawanda zvakaipa mugamuchire makazvidukupisa shoko rakadyarwa mamuri rinokwanisa kuponesa mweya yenyu. Naizvozvo ivai vaiti vezvinorehwa neshoko kwete vanzwi chete muchizvinyengedza
Jakobho 1:21-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka bvisai tȿina yose nokuipa kwakawanda, mugamucire nomŋoyo munyoro shoko rakasimŋa mukati menyu, rinogona kuponesa mŋeya yenyu. Asi iʋai ʋaiti ʋeshoko, musaʋa ʋanzwi ʋoga, muciɀinyeŋgera.
Jakobho 1:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)