Jakobho 1:1-5
Jakobho 1:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai. Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose, nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu. Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.
Jakobho 1:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, kumarudzi ane gumi namaviri akapararira: Farai! Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiedzo mizhinji; muchiziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashayiwi chinhu. Zvino kana mumwe wenyu achishayiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, anongopa vose asingazotuki; achapiwa hake.
Jakobho 1:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Jemusi muranda waMwari uye waTenzi Jesu Kristu. Ndinokunyorerai imi marudzi gumi namaviri akapararira ndichiti kwaziwai. Hama dzangu, onai sechinhu chinofadza pose pamunowirwa nemiedzo yakasiyana–siyana nokuti imi munoziva kuti kuedzwa kwechitendero chenyu kunobereka kutirira. Kutirira ngakuve kwakaperera kuti muve vanhu vakakwana vanezenge vasina chavasina. Kana pane asina ungwaru ngaakumbire kuna Mwari, mupanegombe kuvanhu vose, anopa asingakonoreri; huchapiwa kwaari.
Jakobho 1:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jakobo, muranda waMŋari nowaShe Jesu Kristu, kumarudzi anegumi namaʋiri akapararira: Farai! Hama dzaŋgu, muti mufaro ɓedzi kana muciwira mumiidzo mizhinji; muciziʋa kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunoɓereka kutsuŋgirira. Asi kutsuŋgirira ŋgakuʋe neɓasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwaɀo, musiŋgashaiwi cinhu. Ɀino kana mumŋe wenyu acishaiwa kucenjera ŋgaakumbire kunaMŋari, unoŋgopa ʋose asiŋgazotuki; ucapiwa hake.
Jakobho 1:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)