Isaya 8:19
Isaya 8:19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana vanhu vachiti kwamuri bvunzai masvikiro navavuki, vanozevezera nokunguruma, ko, vanhu havangabvunzi kuna Mwari wavo here? Munobvunzirei vakafa pamusoro pavapenyu?
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 8Isaya 8:19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana vachiti kwamuri, “Bvunzai masvikiro navavuki, vanorira nokuita zevezeve:” Ko vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Ko vanofanira kubvunza vakafa pamusoro pavapenyu here?
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 8Isaya 8:19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana vachikutii, “Endai kundobvunzira kumidzimu nen'anga dzinoshwinya nokun'urun'uta, vanhu havafanire kundobvunza kuna Mwari wavo here? Vanofanira kundobvunzira kuvakafa here vachiitira vapenyu?”
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 8