Isaya 65:1-25
Isaya 65:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndakazviratidza kuna avo vasina kundibvunza; ndakawanikwa neavo vasina kunditsvaka. Kurudzi rwakanga rusina kudana kuzita rangu ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano.’ Zuva rose ndakatambanudzira maoko angu kurudzi rwakasindimara, vanofamba munzira dzisina kunaka vachitevera zvavanofunga, vanhu vanogara vachindigumbura ipo pamberi pangu chaipo, vachibayira zvibayiro pamapindu uye vachipisira zvinonhuhwira paaritari dzezvitinha; vanogara pakati pamarinda uye vanopedza usiku hwavo vachinyengetera vari munzira yakavanda: vanodya nyama yenguruve, uye hari dzavo dzine furo renyama yakasvibiswa; vanoti, ‘Gara kure; usaswedera pedyo neni, nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe.’ Vanhu vakadaro utsi mumhuno dzangu, moto unoramba uchipfuta zuva rose. “Tarirai, zvakanyorwa pamberi pangu zvinoti: Handinganyarari asi ndicharipira zvakazara; ndichazviripa pamakumbo avo, zvakaipa zvenyu nezvamadzibaba enyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti vakapisira zvibayiro pamusoro pezvikomo, ndichayera pamakumbo avo muripo wakazara wamabasa avo akare.” Zvanzi naJehovha: “Sezvazvakangoita kana musvi uchiri kuwanikwa musumbu ramazambiringa uye vanhu vachiti, ‘Musauparadza, muchine zvakanaka mauri,’ saizvozvo ndizvo zvandichaitira varanda vangu; handingavaparadzi vose. Ndichabudisa marudzi kuna Jakobho, uye nokubva kuna Judha avo vachatora makomo angu; vasanangurwa vangu vachagara nhaka, uye varanda vangu vachagara ikoko. Sharoni richava mafuro amakwai, uye Mupata weAkori uchava uvato hwemombe dzavanhu vangu vanonditsvaka. “Asi kana murimi munosiya Jehovha uye munokanganwa gomo rangu dzvene, munowaridzira Rombo Rakanaka tafura, uye munozadza zvirongo newaini yakavhenganisirwa Magumo, ndichakuendesai kumunondo, uye mose muchakotamira pasi kuti mubayiwe, nokuti ndakadana asi hamuna kudavira, ndakataura asi hamuna kuteerera. Makaita zvakaipa pamberi pangu mukasarudza zvisingandifadzi.” Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: “Varanda vangu vachadya, asi imi muchanzwa nzara; varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa. Varanda vangu vachaimba zvichibva mumufaro wemwoyo yavo, asi imi muchachema nokurwadziwa nemwoyo uye muchaungudza mukupwanyika kwomweya. Muchasiyira zita renyu kuvasanangurwa vangu sechituko; Ishe Jehovha achakuurayai, asi achapa varanda vake rimwe zita. Ani naani achati nyika iropafadzwe achazviita naMwari wechokwadi; ani naani achaita mhiko munyika achapika naMwari wechokwadi. Nokuti matambudziko akare achakanganwikwa, uye achavanzirwa meso angu. “Tarirai, ndichasika matenga matsva nenyika itsva. Zvinhu zvakare hazvichazorangarirwi, kana kuuya mundangariro. Asi farai mupembere nokusingaperi mune zvandichasika, nokuti ndichasika Jerusarema kuti rifadze uye kuti vanhu varo vave mufaro. Ndichapembera pamusoro peJerusarema, uye ndichafarira vanhu vangu; maungira okuchema kana kurira haachazonzwikwazve imomo. “Mariri hamungazovazve nomucheche achararama mazuva mashoma shoma, kana mutana asingasvitsi makore ake okurarama; uyo anofa ane zana ramakore achangotorwa somujaya; uyo anotadza kusvika pazana ramakore achatorwa sowakatukwa. Vachavaka dzimba vagogara madziri; vachadyara mazambiringa vagodya michero yawo. Havachazovakazve dzimba dzinozogarwa navamwe, kana kudyara vamwe vachizodya. Nokuti sezvakaita mazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachafara kwenguva refu mumabasa amaoko avo. Havachazoshandira pasina kana kubereka vana vanoparadzwa; nokuti vachava vanhu vakaropafadzwa naJehovha, ivo nezvizvarwa zvavo. Vasati vadana ndichavapindura; vachiri kutaura ndichavanzwa. Bumhi negwayana zvichafura pamwe chete, uye shumba ichadya uswa senzombe, asi guruva richava chokudya chenyoka. Hazvichazokuvadza kana kuparadza pamusoro pegomo rangu dzvene rose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Isaya 65:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakatendera kuti nditsvakwe navasina kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe navasina kunditsvaka; ndakati kurudzi rwakanga rusingatumidzwi nezita rangu, “Tarirai ndini, tarirai ndini.” Ndakatambanudzira maoko angu zuva rose kurudzi rwavanhu rwakandimukira, vanofamba nenzira isakanaka, vachitevera ndangariro dzavo; vanhu vanogara vachinditambudza pachena, vanobayira zvibayiro paminda, vachipisa zvinonhuwira pamusoro pezvitinha; vanogara pakati pamabwiro, vachivata panzvimbo dzakavandika; vanodya nyama yenguruve, uye muto wezvinhu zvinonyangadza uri mumidziyo yavo; vanoti, “Mira woga, usaswedera kwandiri, nokuti ndiri mutsvene kupfuura iwe.” Ava utsi mumhino dzangu, moto unopfuta zuva rose. Tarirai zvakanyorwa pamberi pangu, “Handinganyarari, asi ndicharitsiva, zvirokwazvo ndicharitsiva nokutsiva kuzere, zvakaipa zvenyu, nezvakaipa zvamadzibaba enyu pamwechete, vakapisa zvinonhuwira pamusoro pezvikomo; naizvozvo ndichatanga kuvayerera mabasa avo nokuyerera kuzere” ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvanzi naJehovha, “Zvakafanana nomunhu kana achiwana waini itsva musumbu remidzambiringa, mumwe akati, ‘Usariparadza, nokuti mukomborero urimo; ndizvo zvandichaita nokuda kwavaranda vangu, kuti ndirege kuvaparadza vose.’ “Ndichabudisa rudzi kuna Jakobho, nomudyi wenhaka yamakomo angu kuna Judha; vasanangurwa vangu vachagara nhaka, navaranda vangu vachagarapo. “Bani reSharo richiva mafuro amakwai, nomupata weAkori nzvimbo pangavata mombe pasi, zvichava zvavanhu vangu vakanditsvaka. Asi imi munosiya Jehovha, nokukanganwa gomo rangu dzvene, imi munogadzirira Gadhi tafura, nokudirira Meni waini yakavhenganiswa. “Ndichakutemerai muurawe nomunondo, imi mose muchakotamira pakubayiwa; nokuti panguva yandakadana, hamuna kupindura; panguva yandakataura, hamuna kunzwa; asi makaita zvakaipa pamberi pangu, mukasanangura zvandakanga ndisingafariri.” Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Tarirai, varanda vangu vachadya, asi imi muchava nenzara; tarirai, varanda vangu vachanwa, asi imi muchava nenyota; tarirai, varanda vangu vachafara, asi imi muchanyadziswa; tarirai, varanda vangu vachaimba nokufara kwomwoyo, asi imi muchachema nokurwadziwa kwomwoyo, muchaungudza nokuputsika kwomweya. Imi muchasiyira vasanangurwa vangu zita renyu, rive rokutuka naro; Ishe Jehovha achakuuraya, ndokutumidza varanda vake rimwe zita; kuti ani naani anozviti ndakaropafadzwa panyika, achati ndakaropafadzwa naMwari wachokwadi; nokuti madambudziko okutanga akakanganikwa, nokuti avanzirwa meso angu. “Nokuti tarirai, ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa nomwoyo. “Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika; nokuti tarirai, ndinosika Jerusaremu rive guta romufaro, navanhu varo vave nomufaro. “Ndichafarira Jerusaremu, nokuva nomufaro pamusoro pavanhu vangu; mukati maro hamuchazonzwiki izwi rokuchema, kana izwi rokuridza mhere. Hapangazovipo rushiye runamazuva mashoma, kana mutana asina kusvitsa mazuva ake; nokuti mwana achafa apedza makore ane zana, nomutadzi acharohwa nokutukwa kana asvika makore ane zana. Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemidzambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vatsanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo. Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana vachakurumidza kuparadzwa; nokuti ndivo vana vavakaropafadzwa naJehovha, zvibereko zvavo zvichagara navo. Zvino ndichapindura vasati vadana, ndichanzwa vachitaura. Bere negwayana zvichafura pamwechete, shumba ichadya uswa senzombe, uye guruva richava zvokudya zvenyoka. Havangakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Isaya 65:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndakanga ndakatomirira kuti nditsvakwe navanhu vasina kundibvunza. Ndakanga ndakamirira ini kuti vanhu vandiwane asi pakanga pasina. Ini ndaiti, ‘Ndiri pano, ndiri pano,’ kurudzi rusingambodaidza zvarwo zita rangu, ndichiswerotambanudzira maoko kumhandupandu dzavanhu, vanofamba nenzira isina kunaka vachiita zvavo zvomusoro wavo. Vanhu vanoramba vachindidenha ndiripo kudai, vachipira zvibayiro mumapindu vachipisira rusenzi pazvidhina. Vanhu vanogara kumakuva vachirara vari munzvimbo dzakavandika vachidya nyama yenguruve, nomuto wezvinhu zvakan'ora zviri mumidziyo yavo. Vanhu vanotozviti zvavo, ‘Mirira kure uko usaswedere pedyo neni nokuti kwauri ndinoera.’ Ivava kwandiri utsi zvahwo hunondipfungaidza mumhuno, zvichindipa mazaridzwa kunge moto unopfuta muswere wose. “Chinzwai munzwe chiga chemhosva yavo chakanyorwa ndinacho. Zvokunyarara, handinyarari, asi ndichavaranga. Honguka, ndichavaripisa kudzamara pachipfuva chaipo, pavanochengetera mari yavo. Ndichavaripisa uipi hwavo nouipi hwamadzibaba avo pamwechete,” ndizvo zviri kutaura Tenzi, achiti, “Ndinodaro nokuti vaindopisa rusenzi pamakomo vachindishonha pazvikomo. Ndichaona zvangu mwero wandichavatorera pachipfuwa pavo pavanochengetera mari ndichivaripisa zvavakaita kare.” Zvanzi naTenzi, “Sezvinongoitawo waini kuti inowanikwa muchitsumbu chamagirepisi, vanhu vachiti regai kuchiparadza nokuti machiri mune chikomborero izvozvi, ndozvineni, pamusana pavaranda vangu handisi kuzovaparadza vose. Ini ndichaunza zvizvarwa zvokwaJakobho, vari vedzinza rokwaJudha kuti vatore makomo angu ave avo, vasarudzwi vangu vagare nhaka nyika yavo ivava varanda vangu ndivo vachagara zvavo imomo. KuSharoni uku kuchava mafuro ezvipfuwo, nebani reAkori richava mafuro emombe, pamusana pevanhu vangu vanenge vachinditsvaga. “Asi imimi makafuratira Tenzi, imi makakanganwa gomo rangu rinoera, imi munotonamata zvenyu Gadhi, imi munozadza makapu emasanganiswa ewaini okuteura kuna Meni, chenyu imi chandakutemerai kufa muchiurayiwa namapakatwa, mose mucharakatiswa kufa, nokuti ndakakudaidzaika ini asi hamuna kudaira. Pandaitaura, hamunaka kuteerera. Zvandinoti zvakaipa ndozvacho zvamakatoita, muchisarudza zvenyu kuita zvinhu zvandisingadi.” Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Varanda vangu vachadya asi imi muchifa nenzara. Mazvinzwa! Varanda vangu vachanwa asi imi muchifa nenyota. Mazvinzwaka! Varanda vangu vachapembera nokufara, asi imi muchanyadziswa. Chinzwai munzwe, kuvaranda vangu achava makuwerere kuimba nokufara, asi kwamuri imi ichava misodzi chete kuchema muchirwadziwa mwoyo muchihwihwidza kuchema muchishungurudzwa mwoyo. Zita renyu imi richasara pakati pevasarudzwi vangu rava chokutukisa nacho vanhu. Tenzi Mwari achakuurayai asi varanda vake achavadaidza nerimwewo zita. Zvinenge zvava panyika ndezvokuti, munhu anenge ava kuda chikomborero, achakumbira kukomborerwa naMwari wechokwadi, neanenge oda kupika mhiko pasi pano achazopika naMwari wechokwadi. Ndinodaro nokuti nhamo dziye dzakare dzichange dzakanganwika dzisisimo mumaziso angu.” “Chionai kuti ndava kusika denga idzva nenyika itsva. Zvinhu zvakare zviya hazvichazoyeukwa kana kuuya hazvo mumusoro. Asi farai zvenyu mufare kwazvo nokusingaperi muchifarira zvandava kusika nokuti tarisai muone ndava kusika Jerusaremu rorufaro nevanhu varowo vari vanhu vakafara chaizvo. Ini ndichafarira Jerusaremu vanhu vangu ndichivafarira. Mariri hamuzonzwika izwi rokuchema kana kuridza mhere. Hamuna mucheche mariri achararama mazuva mashomanana, kana munhu achembera anodimurirwa panzira mazuva oupenyu hwake. Chinenge chotovepo ndechokuti mwana anotozofa asvitsa zana ramakore. Kunyange mutadzi kufa aine zana remakore runenge ruchitova rushambwa. Vanhu vachavaka dzimba vakatodzigara, vachisima minda yamagirepisi vachitozodyawo michero yayo. Havazomboti ivo vakavaka, mumwewo zvake ndiye ozogaramo, hazvisiri kuzombosima mumwe achizodya, nokuti vanhu vangu vachararama samakore anogara hunde yomuti. Vasarudzwi vangu ava vachasaraka chaizvo vachingofarira basa ravanoita ivo namaoko avo. Havasi kuzomboshandira pasina kana kuberekera vana vavo nhamo nokuti ivo nevana vavo vanenge vari vana vaTenzi, nyakurumbidzwa. Vasati vatombonamata ini ndinenge ndatopindura kare munamato wavo, ivo vachiri kutaura, ini ndinenge ndatozvinzwa. Mhumhi nehwayana zvichafura pamwechete, shumba inenge yofura sora semombe, nyoka ichange yodya guruva. Zvinenge zvisisakuvadze kana kuparadza mugomo rangu rose zvaro rinoera,” ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Isaya 65:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakatendera kuti nditȿakwe naʋasina‐kundibvunza, ndakatendera kuti ndiwanikwe naʋasina‐kunditȿaka; ndakati kurudzi rwakaŋga rusiŋgatumidzwi nezita raŋgu: Tarirai ndini, tarirai ndini. Ndakatambanudzira maʋoko aŋgu zuʋa rose kurudzi rwaʋanhu rwakandimukira, ʋanofamba nenzira isakanaka, ʋaciteʋera ndaŋgariro dzaʋo; ʋanhu ʋanogara ʋacinditambudza pacena, ʋanoɓayira ɀiɓayiro paminda, ʋacipisa ɀinonhuwira pamsoro peɀitina; ʋanogara pakati pamabgiro, ʋaciʋata panɀimbo dzakaʋanda; ʋanodya nyama yeŋguruʋe, ʋuye muto weɀinhu ɀinonyaŋgadza uri mumidziyo yaʋo; ʋanoti: Mira woga, usasweɗera kwandiri, nokuti ndiri mutȿene kupfuʋura iwe. Aʋa ʋutsi mumhino dzaŋgu, mŋoto unopfuta zuʋa rose. Tarirai ɀakanyorwa pamberi paŋgu: Handiŋganyarari, asi ndicaripidzira, ɀirokwaɀo ndicaripidzira paɀifuʋa ɀaʋo, ɀakaipa ɀenyu, neɀakaipa ɀamadziɓaɓa enyu pamŋe cete, ʋakapisa ɀinonhuwira pamsoro pamakomo, nokundimhura pamsoro peɀikomo; naiɀoɀo ndicataŋga kuʋayerera maɓasa aʋo paɀifuʋa ɀaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ɀanzi naJehova: Ɀakafanana nomunhu kana aciwana waini itȿa musumbu remizambiriŋga, mumŋe akati: Usariparadza, nokuti mukomborero uri’mo; ndiɀo ɀandicaita nokuɗa kwaʋaranda ʋaŋgu, kuti ndirege kuʋaparadza ʋose. Ndicaɓuɗisa rudzi kunaJakobo, nomudyi wenhaka yamakomo aŋgu kunaJuda; ʋasanaŋgurwa ʋaŋgu ʋacagara nhaka, naʋaranda ʋaŋgu ʋacagara’po. Ƃani reSharoni ricaʋa mafuro amakwai, nomupata weAkori nɀimbo paŋgaʋata ŋombe pasi, ɀicaʋa ɀaʋanhu ʋaŋgu ʋakanditȿaka. Asi imi munosiya Jehova, nokukaŋganwa gomo raŋgu dɀene, imi munogadzirira Gadi tafura, nokuɗirira Meni waini yakaveŋganiswa; ndicakutemerai muʋurawe nomunondo, imi mose mucakotamira pakuɓayiwa; nokuti paŋguʋa yandakaɗana, hamuna‐kupindura; paŋguʋa yandakataura, hamuna‐kunzwa; asi makaita ɀakaipa pamberi paŋgu, mukasanaŋgura ɀandakaŋga ndisiŋgafariri. Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ʋaranda ʋaŋgu ʋacadya, asi imi mucaʋa nenzara; tarirai, ʋaranda ʋaŋgu ʋacanwa, asi imi mucaʋa nenyota; tarirai, ʋaranda ʋaŋgu ʋacafara, asi imi mucanyadziswa; tarirai, ʋaranda ʋaŋgu ʋacaimba nokufara kwomŋoyo, asi imi mucacema nokurwadziwa kwomŋoyo, mucawuŋgudza nokuputsika kwomŋeya. Imi mucasiyira ʋasanaŋgurwa ʋaŋgu zita renyu, riʋe rokutuka naro; Ishe Jehova ucakuʋuraya, ndokutumidza ʋaranda ʋake rimŋe zita; kuti aninani unoɀiti ndakaropafadzwa panyika, ucati ndakaropafadzwa naMŋari waɀokwaɗi; nokuti maɗambudziko okutaŋga akakaŋganikwa, nokuti aʋanzirwa meso aŋgu. Nokuti tarirai, ndinosika ɗeŋga idɀa nenyika itȿa; ɀinhu ɀakare haɀiŋgaraŋgarirwi, kana kufuŋgwa mumŋoyo. Asi imi farai mufarisise nokusiŋgaperi pamsoro peɀandinosika; nokuti tarirai, ndinosika Jerusarema riʋe guta romufaro, naʋanhu ʋaro ʋaʋe nomufaro. Ndicafarira Jerusarema, nokuʋa nomufaro pamsoro paʋanhu ʋaŋgu; mukati maro hamucazonzwiki inzwi rokucema, kana inzwi rokurira. Hapaŋgazoʋi’po rushiye runamazuʋa mashoma, kana mutana usino‐kuȿitsa mazuʋa ake; nokuti mŋana ucafa apedza makore anezana, nomutadzi ucarobga nokutukwa kana aȿika makore anezana. Ʋacaʋaka dzimba nokugara’mo; ʋacasima minda yemizambiriŋga, nokudya micero yayo. Haʋaŋgaʋaki dzimba, mumŋe acizogara’mo; haʋaŋgasimi, mumŋe acizodya; nokuti samazuʋa omuti, ndiɀo ɀicaita mazuʋa aʋanhu ʋaŋgu; ʋasanaŋgurwa ʋaŋgu ʋacapedza ŋguʋa huru ʋacifarira maɓasa amaʋoko aʋo. Haʋaŋgaɓatiri ɀisinamaturo, kana kuɓereka ʋana, ʋacakurumidza kuparadzwa; nokuti ndiʋo ʋana ʋaʋakaropafadzwa naJehova, ɀiɓereko ɀaʋo ɀicagara naʋo. Ɀino ndicapindura ʋasati ʋaɗana, ndicanzwa ʋacataura. Ƃere negwaiana ɀicafura pamŋe cete, shumba icadya ʋuswa senzombe, ʋuye guruʋa ricaʋa ɀokudya ɀenyoka. Haʋaŋgakuʋadzi kana kuparadza pagomo raŋgu rose dɀene — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Isaya 65:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)