Isaya 64:1-5
Isaya 64:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa, dai maibvarura matenga mukaburuka pasi, kuti makomo adedere pamberi penyu! Sezvinoita moto paunopisa tsotso uchiita kuti mvura ivire, burukai muzoita kuti zita renyu rizivikanwe kuvavengi venyu, uye muite kuti ndudzi dzidedere pamberi penyu! Nokuti pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisina kutarisira, makaburuka pasi, makomo akabvunda pamberi penyu. Kubva panguva dzekare hakuna munhu akanzwa, hakuna nzeve yakanzwisisa, hakuna ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu, anobatsira avo vanomumirira. Munouya kuzobatsira avo vanofarira kuita zvakarurama, vanorangarira nzira dzenyu. Asi patakaramba tichivatadzira, imi makatsamwa. Zvino tingaponeswa seiko?
Isaya 64:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Haiwa, dai maibvarura denga, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu, sezvinoita moto kana uchipisa utsotso, nomoto kana uchivirisa mvura, kuti muzivise vadzivisi venyu zita renyu, kuti marudzi adedere pamberi penyu! Panguva yamakaita zvinhu zvinotyisa, zvatakanga tisina kutarira, mukaburuka, makomo akadedera pamberi penyu. Nokuti kubva panguva yakare vanhu havana kunzwa, kana kunzwisisa nenzeve, kunyange neziso harina kuona Mwari kunze kwenyu, iye anobatira vanomumirira. Munosangana noanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu; tarirai, makanga makatsamwa, nesu takatadza; takanga takadaro nguva refu, zvino tingaponeswa here?
Isaya 64:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dai mabvurura matenga mukaburuka pasi pano, makomo angandengendeke nokuvapo kwenyu imi, sokubvira kunoita tsotso, sokufashaidza mvura kunoita moto kuti zita renyu rizivikanwe nevavengi venyu, marudzi adedere pamusana pokuvapo kwenyu. Inga wani makaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisingatarisiri. Makaburuka pasi makomo akandengendeka pamusana pokuvapo kwenyu. Kubvira pasichigare hazvina kumbonzwika kana kupinda munhu munzeve kunyange ziso zvaro rati ramboona mumwe Mwari kunze kwenyu imimi, anoitira zvakadai vanotarisira kwaari. Munosanganawo naanofarira kuita zvakarurama, ivo vanokurangarirai panzira dzenyu imi. Handiti makashatirwa, isu tichikutadzirai tagarisa muzvitadzo zvedu zvino tichaponeswawo here iyesu?
Isaya 64:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, ɗai maibvarura ɗenga, mukaɓuruka, makomo akaɗeɗera pamberi penyu, seɀinoita mŋoto kana ucipisa ʋutsotso, nomŋoto kana uciʋirisa mvura, kuti muziʋise ʋadziʋisi ʋenyu zita renyu, kuti marudzi aɗeɗere pamberi penyu! Paŋguʋa yamakaita ɀinhu ɀinotyisa, ɀatakaŋga tisina‐kutarira, mukaɓuruka, makomo akaɗeɗera pamberi penyu. Nokuti kubva paŋguʋa yakare ʋanhu haʋana‐kunzwa, kana kunzwisisa nenzeʋe, kunyaŋge neziso harina‐kuʋona Mŋari kunze kwenyu, iye unoɓatira ʋanomumirira. Munosoŋgana nounofarira kuita ɀakarurama, iʋo ʋanokuraŋgarirai panzira dzenyu; tarirai, makaŋga makatsamŋa, nesu takatadza; takaŋga takaɗaro ŋguʋa refu, ɀino tiŋgaponeswa here?
Isaya 64:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)