Isaya 62:8-9
Isaya 62:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, noruoko rwake rune simba achiti, “Handichazopizve zviyo zvenyu sezvokudya kuvavengi venyu, uye vatorwa havachazonwizve waini itsva yamakatamburira; asi ivo vanokohwa ndivo vachadya uye vacharumbidza Jehovha, uyewo vaya vanounganidza mazimbiringa ndivo vachainwa mumavazhe eimba yangu tsvene.”
Isaya 62:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, uye noruoko rwake rune simba, achiti, “Zvirokwazvo handichazopi vavengi vako zviyo zvako, zvive zvokudya zvavo, navatorwa havachazonwi waini yako itsva, yawakatamburira; asi vakazvikohwa ndivo vachazvidya, vachirumbidza Jehovha; vakaiunganidza ndivo vachainwa pamavanze eimba yangu tsvene.”
Isaya 62:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi apika norudyi rwake apika nesimba roruoko rwake kuti, “Handichambofa ndakapazve mbesanwa dzenyu kuti dzive chokudya chavavengi venyu uye vatorwa havasi kuzombonwazve waini yenyu yamakadikitira kushanda. Asi kutoti vanenge vaisa mbesanwa mumatura ndivo vachadzidya vachirumbidza Tenzi, vanenge vatanha magirepisi ndivo vachanwa waini yacho vari munhandare dzeNzvimbo yangu Inoera.”
Isaya 62:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova wakapika noruʋoko rwake rworudyi, ʋuye noruʋoko rwake runesimba, aciti: Ɀirokwaɀo handicazopi ʋaʋeŋgi ʋako ɀiyo ɀako, ɀiʋe ɀokudya ɀaʋo, naʋatorwa haʋacazonwi waini yako itȿa, yawakatamburira; asi ʋakaɀikohwa ndiʋo ʋacaɀidya, ʋacirumbidza Jehova; ʋakaiʋuŋganidza ndiʋo ʋacainwa pamaʋazhe eimba yaŋgu tȿene.
Isaya 62:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)