Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 58:6-8 - Compare All Versions

Isaya 58:6-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Uku handiko kutsanya kwandakasarudza here: Kusunungura ngetani dzokusaruramisira nokusunungura zvitirobho zvejoko, kusunungura vakamanikidzwa nokuvhuna joko rimwe nerimwe? Hakuzi kugoverana zvokudya zvako nevane nzara, nokupa varombo vanodzungaira pokugara here, paunoona vakashama, kuvapfekedza, uye kusafuratira venyama neropa rako? Ipapo chiedza chako chichabuda samambakwedza, uye kuporeswa kwako kucharatidzwa nokukurumidza; ipapo kururama kwako kuchakutungamirira, uye kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure.

Pakurirana nevamwe
Isaya 58 BDSC

Isaya 58:6-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Ko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura hakuzakadai here, kuti musunungure zvisungo zvezvakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti akamanikidzwa aende hake, uye kuti muvhune majoko ose here? Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako noaenzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here? “Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure.

Pakurirana nevamwe
Isaya 58 SNA2002

Isaya 58:6-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Ko kutsanya kwandinoda hakusi uku here kwokusunungura majoto ouipi nokukurura zvitirobho zvejoko nokusunungura vanenge vachidzvinyirirwa vagoenda zvavo nokutyorawo joko rose rose zvaro? “Hakusi here kugoverana chokudya chako neane nzara nokupinza mumba mako varombo vanongodzungaira nenyika, ukaona asina chokupfeka uchimupawo chokupfeka usinganzvengi kuyamura hama yako? “Ipapo chiedza chako ndopachichanyatsochena samambakwedza, wobva wazokasika kurapwa. Ururami hwako ihwohwo huchazokutungamirira, uchiperekedzwa mushure nembiri yaTenzi.

Pakurirana nevamwe
Isaya 58 SCLBD

Isaya 58:6-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ko kuɀinyima ɀokudya kwandakasanaŋgura. hakuzakaɗai here, kuti musunuŋgure ɀisuŋgo ɀeɀakaipa, nokubvisa makashu ejoko, kuti wakamanikidzwa aende hake, ʋuye kuti muvune majoko ose here? Hakuzi kuti ugoʋane ɀokudya ɀako nounenzara, ʋuye kuti uɗane ʋarombo ʋakadziŋgwa ʋapinde mumba mako here? Kuti kana uciʋona munhu wakashama umufukidze, ʋuye kuti urege kuʋanda ʋenyama yako here? Ipapo ciedza cako cicaɓuɗa secamambakwedza, kuporeswa kwako kucaɓukira nokukurumidza, kururama kwako kucakutuŋgamirira, nokubginya kwaJehova kucakurindira mumashure.

Pakurirana nevamwe
Isaya 58 SUB1949

Isaya 58:6-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Isaya 58 SCLB