Isaya 58:4-5
Isaya 58:4-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kutsanya kwenyu kunogumisira mukukakavadzana nemhirizhonga, uye kurovana netsiva dzakaipisisa. Hamungatsanyi sezvamunoita mazuva ano, mugotarisira kuti inzwi renyu richanzwika kumusoro. Ko, ndiko here kutsanya kwandakasarudza, zuva rimwe chete rokuti munhu azvininipise? Ndezvokukotamisa musoro chete sorushanga here, nokungovata pamusoro penguo dzamasaga namadota? Ndiko kwamunoti kutsanya here, pazuva rinodikanwa naJehovha?
Isaya 58:4-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarirai, munozvinyima zvokudya, kuti murwe nokukakavara, nokurova netsiva yezvakaipa, hamuzvinyimi zvokudya nhasi, kuti izwi renyu rinzwike kumusoro. Ndikoko kuzvinyima zvokudya kwandakasanangura here? Ndiroro zuva munhu raanotambudza mweya wake naro here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namadota pasi pake here? Izvozvo ungazviti ndiko kuzvinyima zvokudya, nezuva rinodikanwa naJehovha here?
Isaya 58:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kutsanya, hongu munotsanya, asi uku muchipopota nokurwa nokurova vamwe nezvibhakera. Kutsanya sokwenyu uku nhasi uno hakuite kuti zvichemo zvenyu zvinzwike kuna wokumusoro. Ikoku ndokutsanya kwandinoda here, musi wokuti munhu azvirereke? Kungorerekedza musoro pasi senhokwe here, kana kutora masaga nedota ozviita ndozvokuwarira? Ndokwamungati kutsanya ikoku uye kuti ndozuva rinofadza Mwari iroro?
Isaya 58:4-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, munoɀinyima ɀokudya, kuti murwe nokukakaʋara, nokuroʋa netsiʋa yeɀakaipa; hamuɀinyimi ɀokudya nhasi, kuti inzwi renyu rinzwike kumsoro. Ndikoko kuɀinyima ɀokudya kwandakasanaŋgura here? Ndirero zuʋa munhu raanotambudza mŋeya wake naro here? Ndiko kukotamisa musoro wake senhokwe, nokuwarira makudza namaɗota pasi pake here? Iɀeɀo uŋgaɀiti ndiko kuɀinyima ɀokudya, nezuʋa rinoɗikanwa naJehova here?
Isaya 58:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)