Isaya 56:5-6
Isaya 56:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
kwavari ndichapa, mukati metemberi yangu namasvingo ayo, chirangaridzo nezita riri nani kupfuura vanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi. Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha kuti vamushumire, kuti vade zita raJehovha, uye vamunamate, vose vanochengeta Sabata vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu
Isaya 56:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndichavapa mumba mangu nomukati mamasvingo angu chiyeudzo nezita rinopfuura ravanakomana navanasikana; ndichavapa zita risingaperi, risingazoparadzwi. “Navatorwawo vanonamatira Jehovha, kuti vamushumire, nokuda zita raJehovha, nokuva varanda vake, mumwe nomumwe anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokubatisisa sungano yangu
Isaya 56:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
ndichaita kuti pave nechimwe chinovakwa chokuyeuka nacho zita ravo mukati memba yangu nomukati metsvingo dzangu chinokunda kuva navana vakomana kana vasikana, Ndichavapa zita risina mugumo risingatsakatiki.” Vatorwa vose vanozvibatanidza neni Tenzi nokundishandira vachida zita reni vachiva varanda vangu, vose zvavo vanochengeta masabata vasingaan'oresi vachichengetedza chitenderano changu
Isaya 56:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaʋapa mumba maŋgu nomukati mamaȿiŋgo aŋgu ciyeʋudzo nezita rinopfuʋura raʋanakomana naʋanasikana; ndicaʋapa zita risiŋgaperi, risiŋgazoparadzwi. Naʋatorwa ʋo ʋanonamatira Jehova, kuti ʋamushumire, nokuɗa zita raJehova, nokuʋa ʋaranda ʋake, mumŋe nomumŋe unoceŋgeta saɓata kuti arege kurimhura, nokuɓatisisa suŋgano yaŋgu
Isaya 56:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)