Isaya 56:1-2 - Compare All Versions
Isaya 56:1-2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha: “Chengetedzai kururamisira mugoita zvakanaka, nokuti ruponeso rwangu rwava pedyo, uye kururama kwangu kuchakurumidza kuratidzwa. Akaropafadzwa munhu anoita izvi, munhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata asingarisvibisi, uye anodzivisa ruoko rwake kuita chinhu chakaipa.”
Isaya 56:1-2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Chengetai kururamisa, muite zvakarurama; nokuti ruponeso rwangu rwodokusvika, kururama kwangu kworatidzwa. “Akaropafadzwa munhu anoita izvozvi, noMwanakomana womunhu anozvibatisisa, anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokudzora ruoko rwake kuti arege kuita chinhu chakaipa.”
Isaya 56:1-2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvanzi naTenzi, “Itai zvinhu noruenzaniso muite zvakarurama nokuti kukuponesai kwangu kwava kutosvika uye kukununurai kwangu kwava kutoratidzwa pachena. Akakomborerwa hake munhu anoita izvozvi uye nomunhu anozvibatisisa anochengeta Sabata asingarin'orese, asina twaanobata-bata.”
Isaya 56:1-2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀanzi naJehova: Ceŋgetai kururamisa, muite ɀakarurama; nokuti ruponeso rwaŋgu rwoɗokuȿika, kururama kwaŋgu kworatidzwa. Wakaropafadzwa munhu unoita iɀoɀi, nomŋanakomana womunhu unoɀiɓatisisa, unoceŋgeta saɓata kuti arege kurimhura, nokudzora ruʋoko rwake kuti arege kuita cinhu cakaipa.
Isaya 56:1-2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)