Isaya 55:8-9
Isaya 55:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, uye nzira dzenyu hadzizi nzira dzangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
Isaya 55:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ndangariro dzangu hadzizi ndangariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzangu ndizvo zvinotaura Jehovha. Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
Isaya 55:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinodaro nokuti mafungiro angu haasiriwo mafungiro enyu, kana iwo maitiro enyu haasiriwo maitiro angu.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi, nokuti sezvakangoita matenga kuti ari pamusoro nyika iri pasi ndizvo zvakangoitawo maitiro angu kuti ari pamusoro pamaitiro enyu uye ndangariro dzangu dziri pamusoro pendangariro dzenyu.
Isaya 55:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ndaŋgariro dzaŋgu hadzizi ndaŋgariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Nokuti ɗeŋga seɀarakakwirira kupfuʋura nyika, saiɀoɀo nzira dzaŋgu dzakakwirira kupfuʋura nzira dzenyu, nendaŋgariro dzaŋgu kupfuʋura ndaŋgariro dzenyu.
Isaya 55:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)