Isaya 51:9-23
Isaya 51:9-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muka, muka! Zvishongedze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka, sepamazuva akare, sepazvizvarwa zvakare. Ko, hausiwe wakagura-gura Rahabhi, ukabaya chikara chiya here? Hausiwe wakaomesa gungwa here, iyo mvura yokwakadzika zvikuru, ukaita mugwagwa makadzika megungwa kuitira kuti vakadzikinurwa vayambuke? Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka. Vachapinda muZioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava korona pamisoro yavo. Mufaro nokupembera zvichafashukira, uye kusuwa nokukahadzika zvichatiza. “Ini, iyeni, ndini iye anokunyaradzai. Ndiwe aniko unotya vanhu vanofa, vanakomana vavanhu, ivo uswa zvahwo, kuti ukanganwe Jehovha Muiti wako, akatatamura matenga, akateya nheyo dzenyika, kuti ugare uchitya mazuva ose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, uyo akarerekera kukuparadza? Ko, hasha dzomumanikidzi dziripi? Vasungwa vakatapwa vachakurumidza kusunungurwa; havazofiri mumakomba avo, kana kuzoshayiwa chingwa. Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza nomumvuri woruoko rwangu, iyeni ndakagadzika matenga panzvimbo yawo, iyeni ndakateya nheyo dzenyika, uye ndinoti kuZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ” Muka, muka! Simuka, iwe Jerusarema, iwe wakanwa kubva muruoko rwaJehovha, mukombe wehasha dzake, iwe wakasveta kusvikira wapera kuti tsvai, iwo mukombe unoita kuti vanhu vadzedzereke. Pavanakomana vose vaakabereka pakanga pasina anomutungamirira; pavanakomana vose vaakarera pakanga pasina aimusesedza noruoko rwake. Njodzi mbiri idzi dzauya pamusoro pako, ndianiko angakunyaradza? Dzinoti: kuva dongo nokuparadzwa, nzara nomunondo; ndianiko anogona kukunyaradza? Vanakomana vako vaziya; vanovata panotangira migwagwa, kufanana nemhara yabatwa mumumbure. Vakazadzwa nehasha dzaJehovha nokutuka kwaMwari wako. Naizvozvo inzwa izvi, iwe munhu wokutambudzika, wakadhakiswa asi kwete newaini. Zvanzi naIshe Jehovha Mwari wako, anodzivirira vanhu vake, “Tarira, ndabvisa muruoko rwako mukombe wakakuita kuti udzedzereke; kubva pamukombe uyo, iwo mukombe wehasha dzangu, hauchazounwizve. Ndichauisa mumaoko avatambudzi vako, ivo vanoti kwauri, ‘Zvambarara pasi kuti tifambe napamusoro pako.’ Iwe wakaita kuti musana wako uve sapasi, kufanana nomugwagwa unofambwa nawo.”
Isaya 51:9-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Muka, muka zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakarekare. Ko hamuzimi makagura-gura Rahabhi, mukabaya chikara here? Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura zhinji yegungwa rakadzika, akashandura nzvimbo dzakadzika dzegungwa mukapaita nzira pangayambuka vakadzikinurwa here? Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka, vachaenda Zioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava pamisoro yavo, vachapiwa mufaro nokufarisisa, kuchema nokugomera kuchapera. “Ini, iyeni, ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, unotya munhu anozofa, kana Mwanakomana womunhu, achaitwa souswa; wakakanganwa Jehovha Muiti wako, akatatamura denga rose, nokuteya nheyo dzenyika; uchingotya zuva rose nokuda kwehasha dzomumanikidzi, kana achizvigadzira kuparadza here? Ko hasha dzomumanikidzi dziripi? Musungwa wakatapwa achakurumidza kusunungurwa, haangafi nokuburukira mugomba, zvokudya zvake hazvingashaikwi. “Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire; Jehovha wehondo ndiro zita rake. Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe denga rose, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZioni, ‘Imi muri vanhu vangu.’ ” Muka, muka, simuka, iwe Jerusaremu, wakanwa mukombe wokutsamwa kwaJehovha paruoko rwake; wakanwa mukombe wose wokudzedzeresa, ukaupedza kwazvo. Hakuna nomumwe pakati pavanakomana vake vose vaakabereka angamutungamirira, hakuna angamubata noruoko pakati pavanakomana vose vaakarera. Zvinhu izvi zviviri zvakuwira; ndianiko achakunzwira tsitsi? Kusiyiwa nokuparadzwa, nenzara nomunondo; ndingakunyaradza sei? Vanakomana vako vaziya, vavete pamigumo yenzira dzomumusha, semhuka yabatwa mumambure; vazadzwa nokutsamwa kwaJehovha nokutuka kwaMwari wako. Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unotambudzika, wakabatwa, asi usina kubatwa newaini. Zvanzi naShe wako Jehovha, naMwari wako, unoreverera vanhu vake, “Tarirai, ndakabvisa mukombe wokudzedzeresa paruoko rwako, iwo mukombe uzere nokutsamwa kwangu, haungazounwizve. “Ndichauisa muruoko rwavanokutambudza, ivo vakati kwauri, ‘Kotama, tifambe napamusoro pako;’ iwe ukaita musana wako sapasi, senzira yomumusha inofambwa navanhu.”
Isaya 51:9-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Simukai, simukai mukoke simba, imi Tenzi nesimba reruoko rwenyu simukai somumazuva aye epasichigare mazuva aye ekarekare. Hamusirimi here makaita Rahabhu kanyama kanyama muchibaya garanyanya riya? Hamusirimi here makaomesa gungwa mvura zhinji yehwenje chaiyo muchiita kuti pasi pasi pegungwa pave nenzira, kuitira kuti vakanunurwa vapfuure. Ipapo vakanunurwa naTenzi vachadzoka, vachauya kuZioni vachiimba vaine rufaro rusingaperi mumwoyo vachava nokupembera nokufara kusuwa nokuyaura zvichati ware kutiza. “Ini iyeni ndini ndinokunyaradzai, chaunotyira munhu anofa chii munhuwo zvake akaita souswa uchikanganwa Tenzi akakusika akawarira matenga akaita ugaro hwenyika uchiswerotya zvako ukasha hwomunhu anodzvanyirira, iye akaisa mwoyo mune zvokuparadza? Hwava papiko ukasha hwomunhu anobata vamwe zvakaipa wacho? Nyakumbonzi pasi kota kota atobva asunungurwa izvozvi. Haachapafa kana kudzika kuGomba kunyange kushaya chokudya nokuti ini Tenzi, ndini Mwari wako anobvundura gungwa kuti masaisai aro atinhire. NdiTenzi wehondo nehondo ndozita rake irori. Ndaisa mashoko angu mumuromo mako iwe ndikakuhwandisa mumumvuri weruoko rwangu, matenga ndinoadzika nyika ndichiitirawo ugaro hwayo ndiri kuti kuguta reZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ” Muka Muka, uti twii kumira iwe guta reJerusaremu iwe wakatumhiswa neshamhu yeruoko rwaTenzi mukombe wehasha dzake iwe wakanwa namasese ese kapfuko kezvakakudhadharitsa. Hapasisina nomumwe anotungamirira Jerusaremu pakati pevanakomana vose zvavo varakabereka; wokurisesedza noruoko hapasisina pakati pevanakomana varo vose zvavo varakarera. Zvinhu zviviri izvozvi izvi zvakakuwira iwe zvino ndiani achakubata maoko? Ko paumharadzi nepakuparadza kwose uku nepashangwa yenzara nepamapakatwa ehondo zvakakuwirai izvi, pakadai, ndinokunyaradza ndakaita sei? Vana vako vacharukutika vakati rakata kurara pakona yoga yoga yomugwagwa vachiita sengwarati iri mumambure Mwari ari kuvaonesa ndondo nehasha dzake, kuri kutsiudza kwaMwari wavo. Naizvozvo iwe Jerusaremu teerera unzwe izvi, iwe uri kuoneswa nhamo iwe wakadai kudhakwa, nezvisiri waini. Zvanzi naTenzi wako, Tenzi, Mwari wako anopipirira vanhu vake nhuna dzavo, “Chinzwa unzwe ndobvisa mumaoko mako mukombe waikudhadharitsa nekapfuko kehasha dzangu hauchazvinwazve. Asi vaikuonesa ndondo ivavo ndivo vandava kupa muruoko mukombe wenhamo iyoyo, ivo vaikuti, ‘Zvambarara pasi tifambe napamusoro pako,’ iwe ukanyatsoita kuti musana wako uti kwasvarara sepasi uye somugwagwa wavanofamba nawo.”
Isaya 51:9-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muka, muka, ɀifukidze nesimba, iwe ruʋoko rwaJehova; muka sapamazuʋa akare, sapamarudzi eŋguʋa dzakare‐kare. Ko hamuzi imi makagura‐gura Rahabi, mukaɓaya cikara here? Ko hamuzimi makapxisa guŋgwa, nemvura zhinji yeguŋgwa rakadzika, wakashandura nɀimbo dzakadzika dzeguŋgwa mukapaita nzira paŋgayambuka ʋakadzikinurwa here? Ʋakasunuŋgurwa ʋaJehova ʋacadzoka, ʋacaenda Zioni ʋaciimba; mufaro usiŋgaperi ucaʋa pamisoro yaʋo, ʋacapiwa mufaro nokufarisisa, kucema nokugomera kucatiza. Ini, iyeni, ndinokunyaradzai; ndiwe aniko, unotya munhu unozofa, kana mŋanakomana womunhu, ucaitwa soʋuswa; ukakaŋganwa Jehova Muiti wako, wakatatamura ɗeŋga rose, nokuteya nheyo dzenyika; uciŋgotya zuʋa rose nokuɗa kwehasha dzomumanikidzi, kana aciɀigadzira kuparadza here? Ko hasha dzomumanikidzi dziripi? Musuŋgwa wakatapxa ucakurumidza kusunuŋgurwa, haaŋgafi nokuɓurukira mugomba, ɀokudya ɀake haɀiŋgashaikwi. Nokuti ndini Jehova Mŋari wako, unomutsa guŋgwa, kuti mafuŋgu aro atinhire; Jehova wehondo ndiro zita rake. Ndakaisa mashoko aŋgu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruʋoko rwaŋgu, kuti ndiʋambe ɗeŋga rose, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZioni: Imi muri ʋanhu ʋaŋgu. Muka, muka, simuka, iwe Jerusarema, wakanwa mukombe wokutsamŋa kwaJehova paruʋoko rwake; wakanwa mukombe wose wokudzedzeresa, ukaupedza kwaɀo. Hakuna‐nomumŋe pakati paʋanakomana ʋake ʋose ʋaakaɓereka uŋgamutuŋgamirira, hakunauŋgamuɓata noruʋoko pakati paʋanakomana ʋose ʋaakarera. Ɀinhu iɀi ɀiʋiri ɀakuwira; ndianiko ucakunzwira tsitsi? Kusiyiwa nokuparadzwa, nenzara nomunondo; ndiŋgakunyaradza sei? Ʋanakomana ʋako ʋaziya, ʋaʋete pamigumo yenzira dzomumusha, semhuka yaɓatwa mumambure; ʋazadzwa nokutsamŋa kwaJehova nokutuka kwaMŋari wako. Naiɀoɀo ɀino cinzwa cinhu ici, iwe unotambudzika, wakaɓatwa, asi usino‐kuɓatwa newaini: Ɀanzi naShe wako Jehova, naMŋari wako, unoreʋerera ʋanhu ʋake: Tarirai, ndakabvisa mukombe wokudzedzeresa paruʋoko rwako, iwo mukombe uzere nokutsamŋa kwaŋgu, hauŋgazounwi ɀe; ndicauisa muruʋoko rwaʋanokutambudza, iʋo ʋakati kwauri: Kotama, tifambe napamsoro pako; iwe ukaita musana wako sapasi, senzira yomumusha inofambga naʋanhu.
Isaya 51:9-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)