Isaya 51:1-6
Isaya 51:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nditeererei, imi munotevera kururama uye munotsvaka Jehovha: Tarirai kudombo ramakabviswa pariri naparuware pamakacherwa; tarirai kuna Abhurahama, baba venyu, nokuna Sara, akakuberekai. Pandakamudana akanga achingova mumwe chete, ndikamuropafadza ndikamuita vazhinji. Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni, uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose; achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni, marenje aro achafanana nebindu raJehovha. Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri, kuvonga nenzwi rokuimba. “Nditeererei, imi vanhu vangu; ndinzwei imi rudzi rwangu: Ndichakupai murayiro; kururamisira kwangu kuchava chiedza kundudzi. Kururama kwangu kwoswedera pedyo nokukurumidza, ruponeso rwangu rwuri munzira, uye ruoko rwangu ruchauyisa kururamisira kundudzi. Zviwi zvichatarira kwandiri uye zvichamirira ruoko rwangu netariro. Simudzirai meso enyu kumatenga, tarirai pasi panyika; matenga achanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo, uye vanogaramo vachafa senhunzi. Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi, kururama kwangu hakuzombogumi.
Isaya 51:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nditeererei, imi munotevera kururama, imi munotsvaka Jehovha; cherechedzai dombo pamakatemwa, negomba romugodhi pamakacherwa. Cherechedzai Abhurahamu, baba venyu, naSara akakuberekai; nokuti ndakamudana achiri mumwechete, ndikamuropafadza, ndikamuita vazhinji. “Nokuti Jehovha akanyaradza Zioni; akanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, nesango raro rive somunda waJehovha; mufaro nokufarisisa zvichawanikwamo, nokuvonga nezwi rokuimba. “Ndinzwei, imi vanhu vangu; rerekai nzeve dzenyu kwandiri, imi rudzi rwangu; nokuti ndichatema murayiro, zvakarurama zvangu ndichazviita chiedza chavanhu. Kururama kwangu kuri pedyo, ruponeso rwangu rwabuda, maoko angu achatonga vanhu; zvivi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu. Tarirai kudenga nameso enyu, mucherechedze nyika pasi; nokuti denga rose richanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo; vageremo vachafa sohunyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi.
Isaya 51:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Nditeererei imi munotevera ururami, imi munotsvaka Tenzi. Tarisai kudombo kwamakakwakwanurwa nokuziware kwamakacherwa. Hamuone here baba wenyu Abhurahamu, naSara akakuberekai? Nokuti pandakamudaidza, akanga achingova munhu mumwechete ndikazomukomborera nokumupa vana vazhinji, nokuti Tenzi achanyaradza guta reZioni achinzwira tsitsi matongo aro ose achaita kuti renje raro rive seEdheni, gwenga raro richiita sebindu raTenzi. Muchafarwa imomo muchipemberwa, muchitendwa Mwari muchiimbwa. “Teererai kwandiri vanhu vangu ndinzwei imi rudzi rwavanhu vangu nokuti kwandiri ndokuchabva mutemo noruenzaniso rwangu rwunopa chiedza kumarudzi. Nguva yangu yokununura yava kutosvika izvozvi, nguva yangu yokuti ndichiponesa yatova kuuya izvozvi, marudzi evanhu achava mumaoko mangu, ndichatonga nyika dzokumakungwa dzakamirireni, vava kungotarisira kwandiri inini noruoko rwangu. Simudzai musoro mutarise nameso enyu kumatenga, mutarisewo panyika pasi pasi nokuti matenga achanyangarika soutsi, pasi pachasakara sembatya, vanhu vanogaramo vachafawo senhunzi. Asi kununura kwangu kuchagara narini wose uye kukunda kwangu kuchavapo nokusingaperi.
Isaya 51:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nditererei, imi munoteʋera kururama, imi munotȿaka Jehova; cerekedzai ɗombo pamakatemŋa, negomba romugodi pamakacerwa. Cerekedzai Abrahama, ɓaɓa ʋenyu, naSara wakakuɓerekai; nokuti ndakamuɗana aciri mumŋe cete, ndikamuropafadza, ndikamuita ʋazhinji. Nokuti Jehova wakanyaradza Zioni; wakanyaradza matoŋgo aro ose, akashandura renje raro riʋe seEdeni, nesaŋgo raro riʋe somunda waJehova; mufaro nokufarisisa ɀicawanikwa’mo, nokuʋoŋga nenzwi rokuimba. Ndinzwei, imi ʋanhu ʋaŋgu; rerekai nzeʋe dzenyu kwandiri, imi rudzi rwaŋgu; nokuti ndicatema murairo, ɀakarurama ɀaŋgu ndicaɀiita ciedza caʋanhu. Kururama kwaŋgu kuri pedyo, ruponeso rwaŋgu rwaɓuɗa, maʋoko aŋgu acatoŋga ʋanhu; ɀiwi ɀicandimirira, ɀicaʋimba noruʋoko rwaŋgu. Tarirai kuɗeŋga nameso enyu, mucerekedze nyika pasi; nokuti ɗeŋga rose ricanyaŋgarika soʋutsi, nyika icasakara seŋguʋo; ʋagere’mo ʋacafa soʋunyunyu; asi ruponeso rwaŋgu rucaʋa nokusiŋgaperi, kururama kwaŋgu hakuŋgaperi.
Isaya 51:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)