Isaya 50:4-11
Isaya 50:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ishe Jehovha akandipa rurimi rwakadzidziswa, kuziva shoko rinosimbisa vakarukutika. Anondimutsa mangwanani namangwanani, anomutsa nzeve yangu kuti iteerere somunhu anodzidziswa. Ishe Jehovha akazarura nzeve dzangu, uye handina kumumukira; handina kudzokera shure. Ndakapa musana wangu kuna avo vaindirova, namatama angu kuna avo vakadzura ndebvu dzangu; Handina kuvanza chiso changu pakusekwa nokupfirwa mate. Nokuti Ishe Jehovha anondibatsira, handizonyadziswi. Naizvozvo ndakaita kuti chiso changu chive sebwe romusarasara, uye ndinoziva kuti handizonyadziswi. Iye anondiruramisira ari pedyo. Ndianiko zvino achandipa mhosva? Ngatitarisanei! Ndianiko mupomeri wangu? Ngaanangane neni! Ndiye Ishe Jehovha anondibatsira. Ndianiko achandipa mhosva? Vose vachasakara senguo; vachadyiwa nezvipfuno. Ndiani pakati penyu anotya Jehovha, uye anoteerera shoko romuranda wake? Ngaafambe murima, iye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha uye avimbe naMwari wake. Asi zvino, imi mose munotungidza moto muchava nemwenje inopfuta, endai, mufambe muchiedza chomoto wenyu nechemwenje yamakabatidza. Izvi ndizvo zvamuchagamuchira kubva paruoko rwangu: Muchavata pasi mukurwadziwa.
Isaya 50:4-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ishe Jehovha akandipa rurimi rwavakadzidziswa, kuti ndizive kusimbisa vakaneta namashoko; anondimutsa mangwanani ose, anomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa. Ishe Jehovha akadziura nzeve dzangu, handina kuramba kana kudzokera shure. Ndakarinzira varovi musana wangu, namatama angu kuna vakataura ndebvu dzangu; handina kuvanza chiso changu pakunyadziswa nokupfirwa mate. Nokuti Ishe Jehovha achandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu sebwe romusarasara, ndinoziva kuti handinganyadziswi. Anondiruramisira ari pedyo; ndiani acharwa neni? Ngatisimukei pamwechete; ndiani mudzivisi wangu? Ngaaswedere kwandiri. Tarirai, Ishe, Jehovha achandibatsira; ndiani angandipa mhosva? Tarirai, avo vose vachasakara senguo; vachadyiwa nezvipfunho. Ndianiko aripo pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera izwi romuranda wake? Anofamba murima, asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, asendame kuna Mwari wake. Tarirai, imi mose, munobatidza moto, munozvisunga zviuno nezvitsiga; fambai mumurazvo womoto wenyu, napakati pezvitsiga zvamakabatidza. Muchapiwa izvozvo noruoko rwangu, muchavata pasi muchitambudzika.
Isaya 50:4-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi Mwari akandipa muromo wakadzidziswa kuti ndizive kusimbaradza neshoko vakarukutika. Mangwanani oga oga anondimutsa anondimutsa kuti nzeve yangu iite seyomudzidzi. Tenzi Mwari akazarura nzeve dzangu ini handina kupanduka kana kufuratira. Ndakarega vanhu vachindirova musana ndikatendeutsira matama angu kune vaindidzura ndebvu. Handina kuvanza chiso changu pamusana penyadzi kana nokupfirwa mate. Sezvo Tenzi Mwari anondibatsira naizvozvo handimbopazama musoro, ndokusaka ini ndakaruma shaya uye ndinoziva kuti handizombonyadziswa. Anondipipirira ari padyo. Ndiani angapikisane neni? Ngatimirisanei. Ari kundipa mhosva wacho ndiani? Ngaauye pano pandiri. Chinzwa, Tenzi Mwari anondiyamura. Ndiani achanditi iwe une mhosva? Teerera unzwe, vose zvavo vachasakara sehembhe vachidyiwa notumashaveshave. Ndiani pakati penyu anotya Tenzi iye anoteerera izwi romuranda wake, anofamba murima asina mwenje anovimba nezita yaTenzi? Achitsamira pana Mwari wake? Chinzwai munzwe imi mose munotungidza moto imi munobatidza mazhenje, fambaika zvenyu muchiedza chomoto wenyu iwoyo nemazhenje iwayo amakatungidza.
Isaya 50:4-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ishe Jehova wakandipa rurimi rwaʋakadzidziswa, kuti ndiziʋe kusimbisa ʋakaneta namashoko; unondimutsa maŋgwanani ose, unomutsa nzeʋe dzaŋgu kuti ndinzwe saʋanodzidziswa. Ishe Jehova wakadziʋura nzeʋe dzaŋgu, handina‐kuramba kana kudzokera shure. Ndakarinzira ʋaroʋi musana waŋgu, namatama aŋgu kunaʋakataʋura ndebvu dzaŋgu; handina‐kuʋanza ciso caŋgu pakunyadziswa nokupfirwa mate. Nokuti Ishe Jehova ucandiɓatsira, naiɀoɀo handina‐kunyadziswa; naiɀoɀo ndakaita ciso caŋgu sebge romusarasara, ndinoziʋa kuti handiŋganyadziswi. Unondiruramisira uri pedyo; ndiani ucarwa neni? Ŋgatisimukei pamŋe cete; ndiani mudziʋisi waŋgu? Ŋgaasweɗere kwandiri. Tarirai, Ishe Jehova ucandiɓatsira; ndiani uŋgandipa mhoȿa? Tarirai, aʋo ʋose ʋacasakara seŋguʋo; ʋacadyiwa neɀipfunho. Ndianiko uri’po pakati penyu unotya Jehova, unoterera inzwi romuranda wake? Unofamba murima, asineciedza, ŋgaaʋimbe nezita raJehova, asendame kunaMŋari wake. Tarirai, imi mose, munoɓatidza mŋoto, munoɀisuŋga ɀiʋuno neɀitsiga; fambai mumuraɀo womŋoto wenyu, napakati peɀitsiga ɀamakaɓatidza. Mucapiwa iɀoɀo noruʋoko rwaŋgu, mucaʋata pasi mucitambudzika.
Isaya 50:4-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)