Isaya 49:26
Isaya 49:26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichaita kuti vamanikidzi vako vadye nyama yavo; vachadhakwa neropa ravo, sevadhakwa newaini. Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.”
Isaya 49:26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vanokumanikidza ndichavadyisa nyama yavo imene, vachabatwa neropa ravo, seinenge iri waini inonaka; vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikinuri wako, Anesimba waJakobho.”
Isaya 49:26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndichaita kuti ivo vanokudzvanyirira vadye nyama yomuviri wavo, vachadhakwa neropa ravo ivo sevadhakwa newaini. Ndopachaziva munhu wese kuti ini Tenzi ndini Muponesi wako, Muponesi wako noMununuri wako iyeni Samasimbaose waJakobho.”
Isaya 49:26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanokumanikidza ndicaʋadyisa nyama yaʋo imene, ʋacaɓatwa neropa raʋo, seineŋge iri waini inonaka; nyama yose icaziʋa kuti ini Jehova, ndini Muponesi wako, noMudzikinuri wako, Unesimba waJakobo.
Isaya 49:26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)