Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 46:1-13

Isaya 46:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Bheri rinokotamira pasi, Nebho rinokotama; zvifananidzo zvavo zvinotakurwa nezvipfuwo zvinotakura mutoro. Zvifananidzo zvacho zvinotakurwa zvinorema, mutoro pazvipfuwo zvakaneta. Zvinokotama uye zvinokotamira pasi pamwe chete; zvisingagoni kurwira mutoro, izvo pachazvo zvinoenda kuutapwa. “Ndinzwei, imi imba yaJakobho, imi mose vakasara veimba yaIsraeri, imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu, uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu. Kunyange kusvikira pakuchembera kwenyu, bvudzi rachena, ndini iye, ndini ndichakururamisai. Ndakakuitai uye ndichakutakurai; ndichakuraramisai uye ndichakununurai. “Mungandienzanisa naaniko kana kunditi ndakaita saani? Mungandifananidza naaniko wandingaenzaniswa naye? Vamwe vanodurura goridhe kubva muhomwe dzavo, uye vanoyera sirivha pazviyero; vanotsvaka mupfuri kuti avaitire chimwari, vagopfugama kuti vachinamate. Vanochisimudzira pamapfudzi avo vagochitakura; vanochigadzika panzvimbo yacho, uye hecho chomira, hachigoni kufamba kuti chibvepo. Kunyange mumwe akadanidzira kwachiri, hachipinduri; hachigoni kumuponesa kubva pamatambudziko ake. “Rangarirai chinhu ichi, muchiise mupfungwa dzenyu, muise pamwoyo yenyu, imi vapanduki. Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare; ndini Mwari, uye hakuna mumwe; ndini Mwari, hakuna akafanana neni. Ndinozivisa magumo kubva pakutanga, kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya. Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika, uye ndichaita zvose zvandinoda. Kubva kumabvazuva ndinodana gondo; kubva kunyika iri kure kure ndinodana munhu achazadzisa kuda kwangu. Zvandakareva ndichaita kuti zviitike; zvandakaronga, ndichazviita. Nditeererei, imi vane mwoyo yakasindimara, iyemi muri kure nokururama. Ndiri kuswededza pedyo kururama kwangu, hakusi kure; uye ruponeso rwangu haruzononotswi. Ndichapa ruponeso kuZioni, nokubwinya kwangu kuna Israeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 46

Isaya 46:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Bheri anowira pasi, Nebho anokotama; zvifananidzo zvavo zviri pamusoro pezvipfuwo nemombe, zvinhu zvamaitakura zvakaitwa mutoro, wakatakudzwa zvipfuwo zvaneta. Vanokotama, vanowira pasi pamwechete, vakakoniwa kurwira mutoro, asi ivo vamene vakatapwa. “Nditeererei, imi imba yaJakobho, navakasara veimba yaIsiraeri, vakatakurwa neni kubva pakuberekwa kwavo, vakasimudzwa kubva pachizvaro; kusvikira makwegura, ndini iye, ndichakutakurai kusvikira vhudzi renyu rachena; ini ndakakuitai, ndichakutakurai, zvirokwazvo ndichakusimudzai, nokukurwirai. Muchandifananidza naniko, nokundienzanisa nani, nokunditi ndakaita sani, wandingafanana naye? Ivo vanodurura ndarama pahombodo, nokuyera sirivha nechiyero, vanoripira mupfuri wendarama, iye ndokuita mwari nayo; zvino vopfugama, nokunamata. Vanochikwidza pamapfudzi, vanochitakura, ndokuchigadzika panzvimbo yacho, icho ndokumira; hachibvi panzvimbo yacho, zvirokwazvo, kunyange munhu akadana kwachiri, hachigoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake. “Rangarirai chinhu ichi, muve varume, fungaizve chinhu ichi, imi vadariki. Rangarirai zvinhu zvapfuura zvakare; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe, ndini Mwari, hakuna akafanana neni; iye anoparidza kubva pakutanga izvo zvichaitika pakupedzisira, nokubva panguva yekare-kare zvinhu zvichigere kuitwa, ndichiti, ‘Zvandakarayira zvichamira, ndichaita zvose zvandinoda;’ ndinodana gondo ribve kumabvazuva, munhu wandakarayirira abve kunyika iri kure; zvirokwazvo, ndakataura, ndichazviuyisawo, ndakazvitema, ndichazviitawo. Nditeererei, imi mune mwoyo mikukutu, imi muri kure nokururama; Ndichaswededza kururama kwangu, hakungavi kure, noruponeso rwangu harunganonoki; ndichaisa ruponeso paZioni, nokubwinya kwangu pakati paIsiraeri.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 46

Isaya 46:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Bhero achiti gojoto Nebho achiti undundu, zvifananidzo zvavo zvokunamata zvatoiswa pazvipfuwo napamombe zvinhu zvenyu izvozvi zvava kuita zvokutotakurwa pamhuka dzakaneta zvadzo. Zvose pamwechete zvakati undundu, zvachiti gojoto mutoro wazvinofanira kununura zvipfuwo hazvichaugona kuununura asi kutoti naizvowo zvotoenda kuutapwa. Chimboteererai kwandiri munzwe, imi vemba yokwaJakobho imi mose chitsama chavanhu vokwaIsiraeri chakasara, imi vandakatakura kubvira pakuberekwa kwenyu. Ndakakutakurai kubvira muchiri mudumbu kusvikira pamunochembera, ndini, kusvikira muchene musoro ndini ndinokutakurai. Ndini ndinosika, ndini ndinochengeta, ndini ndinotakura, ndini ndinonunura. Munondifananidza naani chaizvo wamunoti akaita seni, munondienzanisa naani wamungandifananidza naye? Vanoodzvora ndarama muhomwe dzavo vachiera sirivha pazvikero, vanokumbira mupfuri wesimbi ovaumbira mwari ivo vototi pasi gwadagwa kuchipfugamira! Vanochisumudza vochichiisa pamapfudzi vochitakura vondochigadzika panzvimbo pacho chobva chati ipapo mbikiti zvokutsukunyuka ipapo hachigoni Kana munhu akachema kwachiri hachipinduri kana kumununura munhamo yake. Yeukai zvinhu izvozvi muchinyatsofungisisa murangarire izvozvi izvi mumwoyo menyu imi vakanganisi rangarirai zvinhu zvaiveko chigariro nokuti inini ndini Mwari hakuna mumwe. Ndini Mwari iyeni hakuna mumwe akaita seni, ndakaparidza kubvira pakutanga magumiro achaita zvinhu kubvira pasi chigare zvinhu zvainge zvisati zvaitika ndichiti, “Zvandinenge ndaronga zvinotoitika chandinenge ndafunga kuita ndinotobudirira kuchiita.” Ndichadaidza kumabvazuva shiri inodya nyama munhu wokuita zvandakaronga wokunyika yokurekure. Ndini ndazvitaura uye ndichaita kuti zviitike ndini ndazvironga ndichazviita. Chiteererai kwandiri munzwe imi tsvuuramuromo dzavanhu iyemi muri kure noruponeso nguva yangu yokukunda yave padyo, haisisiri kure uye ruponeso rwangu haruchanonoka. Ndichaponesa Zioni kuitira Isiraeri mbiri yangu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 46

Isaya 46:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Beri unowira pasi, Nebo unokotama; ɀifananidzo ɀaʋo ɀiri pamsoro peɀipfuwo neŋombe, ɀinhu ɀamaitakura ɀakaitwa mutoro, wakatakudzwa ɀipfuwo ɀaneta. Ʋanokotama, ʋanowira pasi pamŋe cete, ʋakakoniwa kurwira mutoro, asi iʋo ʋamene ʋakatapxa. Nditererei, imi imba yaJakobo, naʋakasara ʋeimba yaIsraeri, ʋakatakurwa neni kubva pakuɓerekwa kwaʋo, ʋakasimudzwa kubva paciɀaro; kuȿikira makwegura, ndini iye, ndicakutakurai kuȿikira vudzi renyu racena; ini ndakakuitai, ndicakutakurai, ɀirokwaɀo ndicakusimudzai, nokukurwirai. Mucandifananidza naniko, nokundienzanisa nani, nokunditi ndakaita sani, wandiŋgafanana naye? Iʋo ʋanoɗurura ndarama pahomboɗo, nokuyera sirveri neciyero, ʋanoripira mupfuri wendarama, iye ndokuita mŋari nayo; ɀino ʋofugama, nokunamata. Ʋanocikwidza pafudzi, ʋanocitakura, ndokucigadzika panɀimbo yaco, ico ndokumira; hacibvi panɀimbo yaco, ɀirokwaɀo, kunyaŋge munhu akaɗana kwaciri, hacigoni kupindura, kana kumuponesa pakutambudzika kwake. Raŋgarirai cinhu ici, muʋe ʋarume, fuŋgai ɀe cinhu ici, imi ʋaɗariki. Raŋgarirai ɀinhu ɀapfuʋura ɀakare; nokuti ndini Mŋari, hakunomumŋe, ndini Mŋari, hakuna‐wakafanana neni; iye unoparidza kubva pakutaŋga iɀo ɀicaitika pakupedzisira, nokubva paŋguʋa yekare‐kare ɀinhu ɀicigere kuitwa, ndiciti: Ɀandakaraira ɀicamira, ndicaita ɀose ɀandinoɗa; ndinoɗana gondo ribve kumabvazuʋa, munhu wandakarairira abve kunyika iri kure; ɀirokwaɀo, ndakataura, ndicaɀiʋuyisa ʋo, ndakaɀitema, ndicaɀiita ʋo. Nditererei, imi munemŋoyo mikukutu, imi muri kure nokururama; Ndicasweɗedza kururama kwaŋgu, hakuŋgaʋi kure, noruponeso rwaŋgu haruŋganonoki; ndicaisa ruponeso paZioni, nokubginya kwaŋgu pakati paIsraeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 46

Isaya 46:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)