Isaya 45:2-3
Isaya 45:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichaenda mberi kwako uye ndichaenzanisa makomo; ndichaputsa masuo endarira uye ndichacheka ndigopinda napamazariro esimbi. Ndichakupa pfuma yerima, upfumi hwakavigwa panzvimbo dzakavanda, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsraeri, anokudana nezita rako.
Isaya 45:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ini ndichaenda pamberi pako, ndichienzanisa pasina kuenzana; ndichaputsa-putsa misuo yendarira, nokugura-gura mipfigo yendarama; ndichakupa pfuma iri murima, noupfumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikanwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsiraeri, anokudana nezita rako.
Isaya 45:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndichafanoenda mberi kwako ndichifanoita kuti nzvimbo dzakatunhumara dziti chechetere, ndichipaza kuti mwarara makonhi endarira ndichidimura zvihuri zvesimbi. Ndichakupa upfumi hwomurima hwakavigwa munzvimbo dzechivande kuti uzive kuti ini ndini Tenzi Mwari weIsiraeri ari kukudoma nezita.
Isaya 45:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ini ndicaenda pamberi pako, ndicienzanisa pasina‐kuenzana; ndicaputsaputsa mikoʋa yendarira, nokuguragura mipfigo yendarama; ndicakupa fuma iri murima, noʋufumi bgakaʋanzwa panɀimbo dzisiŋgazikanwi, kuti uziʋe kuti ndini Jehova, Mŋari waIsraeri, unokuɗana nezita rako.
Isaya 45:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)