Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 45:19 - Enzanisa Shanduro Dzose

Isaya 45:19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Handina kutaura ndiri pakavanda, ndichibva kumwe kunyika yerima; handina kuti kuvana vaJakobho, ‘Nditsvakei pasina.’ Ini, Jehovha ndinotaura chokwadi; ndinoparidza zvakarurama.

Pakurirana nevamwe
Isaya 45 BDSC

Isaya 45:19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Handina kutaura pakavanda, panzvimbo yenyika yerima; handina kuti kurudzi rwaJakobho, ‘Nditsvakei pasina,’ ini Jehovha, ndinotaura zvakarurama, ndinoparidza zvechokwadi.

Pakurirana nevamwe
Isaya 45 SNA2002

Isaya 45:19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Handina‐kutaura pakaʋanda, panɀimbo yenyika yerima; handina‐kuti kurudzi rwaJakobo: Nditȿakei pasina; ini Jehova, ndinotaura ɀakarurama, ndinoparidza ɀaɀokwaɗi.

Pakurirana nevamwe
Isaya 45 SUB1949

Isaya 45:19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Handina kutaura muchivande mukati menyika yerima. Handina kumboti kuzvizvarwa zvokwaJakobho, ‘Nditsvakei pasina.’ Zvandinoreva ini Tenzi, zvakarurama ndinotaura zvinhu zviri pachokwadi.”

Pakurirana nevamwe
Isaya 45 SCLB

Isaya 45:19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Handina kutaura muchivande mukati menyika yerima. Handina kumboti kuzvizvarwa zvokwaJakobho, ‘Nditsvakei pasina.’ Zvandinoreva ini Tenzi, zvakarurama ndinotaura zvinhu zviri pachokwadi.”

Pakurirana nevamwe
Isaya 45 SCLBD